Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Chronicles 31 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 When this ended, all Israel present went out to the towns of Judah, smashed the sacred pillars, cut down the Asherah poles, and tore down the high places and altars throughout Judah, Benjamin, Ephraim, and Manasseh, destroying them completely. Then all Israel returned to their towns, each to his own property. Izvi zvose pazvakapera, vaIsraeri vakanga varipo vakabuda vakaenda kumaguta eJudha vakaputsa matombo ose anoera uye vakatema matanda aAshera. Vakaparadza nzvimbo dzakakwirira nearitari muJudha yose neBhenjamini nomuEfuremu neManase. Vapedza kuparadza zvose vaIsraeri vakadzokera kumaguta avo nokuzvinhu zvavo.
2 Hezekiah assigned the priests and Levites to their divisions, each by his service, priests and Levites alike, for burnt offerings and peace offerings, to serve, give thanks, and praise in the gates of our Father's camps. Hezekia akaisa vaprista navaRevhi mumapoka avo mumwe nomumwe wavo mumabasa avo savaprista kana kuti vaRevhi kuti vape zvipiriso zvinopiswa nezvipo zvokuyananisa kuti vashumire, kuti varonge uye kuti vaimbe nziyo dzokurumbidza pamasuo enzvimbo yaJehovha yokugara.
3 The king gave from his own wealth for the burnt offerings—morning and evening burnt offerings, and those for Sabbaths, new moons, and appointed feasts—as written in our Father's law. Mambo akapawo kubva mupfuma yake zvipiriso zvinoitwa mangwanani nemadekwana, nezvipiriso zvinopiswa zvamaSabata, zvoKugara kwoMwedzi napane mimwe mitambo yakatarwa sezvazvakanyorwa muMurayiro waJehovha.
4 He told Jerusalem's residents to give the priests' and Levites' portion, so they could devote themselves to our Father's law. Akarayira vanhu vaigara muJerusarema kuti vape zvakakodzera kupiwa vaprista navaRevhi kuti ivo vazvipire kuMurayiro waJehovha.
5 As soon as the order spread, Israelites abundantly gave firstfruits of grain, new wine, oil, honey, and all the field's produce, and brought in the tenth of everything abundantly. Shoko parakangoenda, vaIsraeri vakapa zvakawanda zvibereko zvokutanga zvezvirimwa zvavo, waini itsva, mafuta nouchi nezvose zvakabuda muminda yavo. Vakauyisa zvakawanda, chegumi chezvose.
6 The Israelites and Judahites living in Judah's towns also brought the tenth of cattle and sheep, and the tenth of what was dedicated to our Father, piling them in heaps. Varume veIsraeri neJudha vaigara mumaguta eJudha vakauyisa chegumi chamatanga avo nechegumi chezvinhu zvitsvene zvakakumikidzwa kuna Jehovha Mwari wavo, uye vakazviisa mumatutu matatu.
7 They began piling the heaps in the third month, finishing in the seventh. Vakatanga kuita izvi mumwedzi wechitatu vakazopedza mumwedzi wechinomwe.
8 Hezekiah and the officials came, saw the heaps, and blessed our Father and his people Israel. Hezekia namakurukota ake pavakauya vakaona matutu ezvinhu, vakarumbidza Jehovha uye vakaropafadza vanhu vake Israeri.
9 Hezekiah asked the priests and Levites about the heaps. Hezekia akabvunza vaprista navaRevhi nezvamatutu aya.
10 Azariah the chief priest, of Zadok's house, answered him, "Since people began bringing contributions into our Father's house, we've eaten well with plenty remaining, for our Father blessed his people, leaving this large surplus." Azaria muprista mukuru kubva kuimba yaZadhoki akapindura achiti, “Kubva zvakatanga vanhu kuuyisa zvipo zvavo kutemberi yaJehovha, takawana zvokudya zvakatiringana, nezvizhinji zvaisara, nokuti Jehovha akaropafadza vanhu vake, uye izvi zvizhinji ndizvo zvakasara.”
11 Then Hezekiah ordered them to prepare storerooms in the house of our Father, and they prepared them. Hezekia akarayira kuti kugadzirwe matura okuchengetera zvinhu mutemberi yaJehovha, izvi zvikaitwa.
12 They faithfully brought in the contributions, the tenth, and dedicated gifts. Conaniah the Levite led them; Shimei his brother was second. Ipapo vakauyisa zvipo zvavo vakatendeka, nezvegumi nezvipo zvakakumikidzwa. Konania muRevhi ndiye aiva mutariri wezvinhu izvi uye mununʼuna wake Shimei ndiye aimutevera.
13 Jehiel, Azaziah, Nahath, Asahel, Jerimoth, Jozabad, Eliel, Ismachiah, Mahath, and Benaiah oversaw, under Conaniah and his brother Shimei, appointed by King Hezekiah and Azariah, chief officer of our Father's house. Jehieri, Azazia, Nahati, Asaheri, Jerimoti, Jozabhadhi, Erieri, Isimakia, Mahati, naBhenaya vaiva vatariri vari pasi paKonania naShimei mununʼuna wake, sokupiwa basa kwavakaitwa naMambo Hezekia naAzaria muchinda aiona nezvetemberi yaMwari.
14 Kore son of Imnah, the Levite gatekeeper toward the east, oversaw the voluntary offerings to our Father, distributing our Father's contributions and the most holy gifts. Kore mwanakomana waImina muRevhi, muchengeti weSuo rokumabvazuva, ndiye aichengeta zvipo zvokupa nokuzvisarudzira kuna Mwari achizogovera zvipo zvaipiwa kuna Jehovha pamwe chete nezvipo zvakatsaurwa.
15 Under him, Eden, Miniamin, Jeshua, Shemaiah, Amariah, and Shecaniah served faithfully in the priestly towns, distributing to fellow priests by divisions, great and small alike, Edheni, Miniamini, Jeshua, Shemaya, Amaria naShekania vakamubatsira vakatendeka mumaguta avaprista, vachigovera vamwe vaprista mumapoka avo, vakuru navadiki zvakafanana.
16 besides giving to those registered by genealogy, males three and up—all entering the house of our Father for daily duty—for their service by office and division. Pamusoro pezvo vakagovera kuvanhurume vaiva namakore matatu zvichikwira avo vaiva namazita avo akanyorwa mumagwaro enhoroondo, vose avo vaizopinda mutemberi yaJehovha kuti vaite mabasa ezuva nezuva akasiyana-siyana, zvichienderana nezvavakatarirwa kuti vaite uye namapoka avo.
17 Priests were registered by clans; Levites twenty and up, by duty and division. Uye vakagovera kuvaprista sokunyorwa kwazvakaitwa munhoroondo yavo mumhuri dzavo, uye saizvozvowo kuvaRevhi, vaiva namakore makumi maviri zvichikwira zvichienderana namabasa avo namapoka avo.
18 They were registered with all their little ones, wives, sons, and daughters—the whole community—for they faithfully dedicated themselves in holiness. Vaisanganiswa vadiki vose, vakadzi, navanakomana navanasikana venzvimbo yose vakanyorwa munhoroondo nokuti vakanga vakatendeka pakuzvinatsa.
19 For Aaron's priestly descendants living in the pasture-fields around their towns, men were named in each and every town to give shares to every male priest and all Levites listed by genealogy. Kuvaprista, zvizvarwa zvaAroni vaigara mumaruwa akanga akakomberedza maguta avo kana mune mamwe maguta, varume vakapiwa mabasa namazita avo kuti vape migove kuno murume mumwe nomumwe aiva pakati pavo nokuna vose vakanga vakanyorwa mumabhuku enhoroondo dzavaRevhi.
20 Hezekiah did this throughout all Judah. He did what was good, right, and faithful before our Father. Izvi ndizvo zvakaitwa naHezekia muJudha yose achiita zvakanga zvakanaka uye zvakarurama uye zvakatendeka pamberi paJehovha Mwari wake.
21 In all he undertook—serving the house of our Father, keeping the law and command, seeking our Father—he gave his whole heart, and thrived. Mune zvose zvaakaita mukushandira temberi yaMwari uye mukutevera murayiro nezvakarayirwa, akatsvaka Mwari wake akashanda nomwoyo wose. Saka akabudirira.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]