Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Chronicles 30 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Hezekiah sent word to all Israel and Judah, and wrote letters to Ephraim and Manasseh, to come to the house of our Father in Jerusalem to keep the Passover to our Father, the God of Israel. Hezekia akatuma shoko kuIsraeri yose neJudha yose akanyorera tsamba Efuremu neManase achivakoka kuti vauye kutemberi yaJehovha muJerusarema uye vazopemberera Pasika kuna Jehovha, Mwari weIsraeri.
2 The king, his officials, and the whole assembly in Jerusalem had decided to keep the Passover in the second month, Mambo namakurukota ake neungano yose muJerusarema vakasarudza kupemberera Pasika mumwedzi wechipiri.
3 since they could not keep it then, because too few priests had made themselves holy and the people had not gathered at Jerusalem. Vakanga vasina kukwanisa kutamba mutambo uyu panguva yaunositambwa nokuti vaprista vakanga vazvinatsa vakanga vari vashoma uye vanhu vakanga vasina kuungana muJerusarema.
4 The plan seemed right to the king and to all the assembly, Zano iri rakaita serakanaka kuna Mambo nokuungano yose.
5 so they sent a proclamation throughout Israel, from Beersheba to Dan, that the people should come to Jerusalem to keep the Passover to our Father, the God of Israel; for they had not kept it together in great numbers as written. Vakasarudza kutuma shoko kuIsraeri yose kubva Bheerishebha kusvika kuDhani, vachidaidza vanhu kuti vauye kuJerusarema vazopemberera Jehovha Mwari weIsraeri mutambo wePasika. Haina kunge yambopembererwa navanhu vazhinji sezvakanga zvakanyorwa.
6 The couriers went through all Israel and Judah with letters from the king and his officials, ordered by the king: "Children of Israel, return to our Father, the God of Abraham, Isaac, and Israel, so he may return to the remnant of you who survived and escaped the power of the kings of Assyria. Sokurayira kwamambo, vanhu vakaenda muJudha neIsraeri netsamba dzaibva kuna Mambo nokumakurukota ake dzaiti: “Vanhu veIsraeri, dzokerai kuna Jehovha Mwari waAbhurahama, Isaka naIsraeri kuti adzokere kwamuri imi masara, imi makapunyuka kubva muruoko rwamadzimambo eAsiria.
7 Do not be like your fathers and brothers, who were unfaithful to our Father, the God of their fathers, so he made them a desolation, as you see. Musaita samadzibaba enyu nehama dzenyu vakanga vasina kutendeka kuna Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, zvokuti akavaita chakatukwa sezvamunoona.
8 Don't be stubborn like your fathers; give yourselves to our Father and come to his sanctuary, which he dedicated forever, and serve your Father, so his fierce anger turns from you. Musaomesa mitsipa sezvakaita madzibaba enyu. Zviisei pasi paJehovha. Uyai kunzvimbo tsvene yaakatsaura nokusingaperi. Shandirai Jehovha Mwari wenyu, kuti hasha dzake dzinotyisa dzibve kwamuri.
9 For if you return to our Father, your brothers and your children will find compassion from their captors and return to this land. For your Father is gracious and merciful; he will not turn his face from you if you return to him." Kana mukadzokera kuna Jehovha, ipapo hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi nevakavatapa uye vachadzoka kunyika ino, nokuti Jehovha Mwari wenyu ane nyasha netsitsi. Haangavanzi chiso chake kwamuri kana mukadzokazve kwaari.”
10 The couriers went from city to city through Ephraim and Manasseh to Zebulun, but the people laughed at them and mocked them. Vakatumwa vakaenda kuguta neguta muEfuremu neManase, kusvikira kuZebhuruni, asi vanhu vakavashora uye vakavaseka.
11 Even so, some from Asher, Manasseh, and Zebulun humbled themselves and came to Jerusalem. Kunyange zvakadaro, vamwe varume veAsheri, Manase neZebhuruni vakazvininipisa vakaenda kuJerusarema.
12 The hand of our Father was also on Judah, giving them one heart to do what the king and officials commanded by the word of our Father. Uye muJudha ruoko rwaMwari rwakanga rwuri pavanhu kuti ruvape kubatana kwepfungwa kuti vaite zvakanga zvarayirwa namambo namachinda ake vachitevera shoko raJehovha.
13 A very large assembly gathered at Jerusalem to keep the Feast of Bread Without Yeast in the second month. Vanhu vazhinji zhinji vakaungana muJerusarema kuti vazopemberera Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso mumwedzi wechipiri.
14 They set to work and removed the altars in Jerusalem, and they took away all the incense altars, throwing them into the Kidron Valley. Vakabvisa aritari muJerusarema vakaparadza aritari dzezvinonhuhwira vakadzikanda muMupata weKidhironi.
15 They slaughtered the Passover lamb on the fourteenth of the second month. The priests and Levites were ashamed, so they dedicated themselves and brought burnt offerings to the house of our Father. Vakauraya gwayana rechibayiro chePasika pazuva regumi neina romwedzi wechipiri. Vaprista navaRevhi vakanyara kwazvo vakazvinatsa vakauyisa zvipiriso zvinopiswa kutemberi yaJehovha.
16 They stood at their posts by custom, as the Law of Moses the man of God requires; the priests sprinkled the blood the Levites handed them. Ipapo vakatora nzvimbo dzavo sezvazvakanyorwa muMurayiro waMozisi munhu waMwari. Vaprista vakasasa ropa ravakapiwa navaRevhi.
17 Many in the assembly had not dedicated themselves, so the Levites were in charge of killing the Passover lambs for everyone unclean, to dedicate them to our Father. Sezvo vazhinji muungano vakanga vasina kuzvinatsa, vaRevhi vakauraya makwayana ePasika vachiitira vose vakanga vasina kucheneswa uye vasingakwanisi kunatsa makwayana avo kuna Jehovha.
18 A large number of the people, many from Ephraim, Manasseh, Issachar, and Zebulun, had not purified themselves, yet ate the Passover, though not as written. But Hezekiah prayed for them: "May our good Father pardon everyone, Kunyange vazhinji, pakati pavanhu ava vakabva kuEfuremu, Manase, Isakari neZebhuruni vakanga vasina kuzvichenesa, vakadya Pasika, zvichipikisana nezvakanga zvakanyorwa. Asi Hezekia akavanyengeterera achiti, “Jehovha, iye akanaka, ngaaregerere hake munhu wose
19 who sets his heart to seek our Father, the God of his fathers, though not clean by the sanctuary's rules." anoisa mwoyo wake mukutsvaka Mwari, Jehovha Mwari wamadzibaba ake kunyange zvake asina kucheneswa kana tichitevedza mitemo yapanzvimbo tsvene.”
20 And our Father listened to Hezekiah and healed the people. Uye Jehovha akanzwa Hezekia akaporesa vanhu.
21 The Israelites in Jerusalem kept the Feast of Bread Without Yeast seven days with great joy, and day by day the Levites and priests praised our Father with loud instruments resounding to him. VaIsraeri vaiva muJerusarema vakatamba Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso kwamazuva manomwe nokufara kukuru, vaRevhi navaprista vachiimbira Jehovha zuva nezuva, pamwe chete nezviridzwa zvaJehovha zvokurumbidza.
22 Hezekiah spoke encouragingly to all the Levites skilled in serving our Father. For seven days they ate their festival share, offering peace offerings and giving thanks to our Father, the God of their fathers. Hezekia akataura achikurudzira kwazvo vaRevhi vose, avo vakaratidza kunzwisisa kwakanaka kwebasa raJehovha. Kwamazuva manomwe aya vakadya zvokudya zvavakanga vapiwa, vakapa zvipiriso uye vakarumbidza Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
23 Then the whole assembly agreed to keep the feast another seven days, and they kept it seven more days with joy. Ipapo ungano yose yakabvumirana kutamba mutambo uyu kwamamwe mazuva manomwe; saka kwamamwe mazuva manomwe vakapemberera vachifara.
24 Hezekiah king of Judah gave the assembly 1,000 bulls and 7,000 sheep, and the officials gave 1,000 bulls and 10,000 sheep, and many priests dedicated themselves. Hezekia mambo weJudha akapa hando chiuru namakwai nembudzi zviuru zvinomwe kuungano uye machinda ake akapa hando chiuru namakwai nembudzi zviuru gumi. Vaprista vazhinji vakazvinatsa.
25 All Judah's assembly rejoiced, with the priests, the Levites, the whole assembly that came from Israel, and the foreigners from Israel's land and those living in Judah. Ungano yose yeJudha yakafara kwazvo, pamwe chete navaprista navaRevhi uye vose vakanga vaungana kubva kuIsraeri pamwe chete navatorwa vakanga vabva kuIsraeri naavo vaigara muJudha.
26 Great joy filled Jerusalem, for nothing like this had happened there since the days of Solomon son of David, king of Israel. Kwakava nomufaro mukuru kwazvo muJerusarema, nokuti kubva pamazuva aSoromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo weIsraeri kwakanga kusina kumboitika zvakaita sezvizvi muJerusarema.
27 The priests and Levites rose to bless the people, and their voice was heard; their prayer reached his holy home in heaven. Vaprista navaRevhi vakamira kuti varopafadze vanhu, Mwari akavanzwa, nokuti munyengetero wavo wakasvika kudenga, nzvimbo yake tsvene yokugara.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]