Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Chronicles 29 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Hezekiah became king at twenty-five, reigning twenty-nine years in Jerusalem. His mother: Abijah, daughter of Zechariah. Hezekia aiva namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Zita ramai vake rainzi Abhija mwanasikana waZekaria.
2 He did right in our Father's eyes, just as his father David had done. Akaita zvakanaka pamberi paJehovha, sezvakanga zvangoitwa naDhavhidhi baba vake.
3 In his reign's first year, first month, he opened the doors of our Father's house and repaired them. Mumwedzi wokutanga wegore rokutanga kutonga kwake akazarura masuo etemberi akaagadziridza.
4 He brought in the priests and the Levites and gathered them in the eastern square. Akauyisa vaprista navaRevhi akavaunganidza muchivara chokudivi rokumabvazuva.
5 He told them, "Hear me, Levites! Dedicate yourselves now, and dedicate our Father's house, the God of your fathers, and remove the filth from the Holy Place. Uye akati, “Teererai kwandiri, vaRevhi! Zvinatsei zvino uye munatse temberi yaJehovha, Mwari wamadzibaba enyu. Mubvise kusvibiswa kwose munzvimbo tsvene.
6 Our ancestors were unfaithful, doing evil in our Father's eyes; they abandoned him, turned their faces from our Father's dwelling, and turned their backs. Madzibaba edu akanga asina kutendeka; vakaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari uye vakamusiya. Vakabvisa zviso zvavo panzvimbo inogara Jehovha, vakamufuratira.
7 They also shut the entrance hall doors, extinguished the lamps, and did not burn incense or offer burnt offerings in the sanctuary to our Father, the God of Israel. Vakapfigawo mikova yebiravira uye vakadzima mwenje. Havana kupisira zvinonhuhwira kana kupa zvipiriso zvinopiswa panzvimbo tsvene kuna Mwari waIsraeri.
8 So our Father's anger fell on Judah and Jerusalem, making them an object of terror, horror, and scorn, as you see with your own eyes. Naizvozvo, kutsamwa kwaJehovha kwakawira pamusoro peJudha neJerusarema, akavaita chinhu chinotyisa, chinovhundutsa nechinosekwa, sezvamunoona nameso enyu chaiwo.
9 For our fathers fell by the sword; our sons, daughters, and wives are captive for this. Ndokusaka madzibaba edu akaurayiwa nomunondo uye vanakomana navanasikana vedu navakadzi vedu vava muutapwa.
10 Now I intend to make a covenant with our Father, the God of Israel, so his fierce anger turns from us. Zvino ndinoda kuita mhiko naJehovha, Mwari waIsraeri; kuitira kuti kutsamwa kwake kunotyisa kubve kwatiri.
11 My sons, don't be negligent now—our Father chose you to stand before him, serve him, be his servants, and burn incense." Vanakomana vangu, musava vanhu vasina hanya zvino, nokuti Jehovha akakusarudzai kuti mumire pamberi pake, uye mumushandire, kuti mushumire pamberi pake uye mupise zvinonhuhwira.”
12 The Levites stood: Kohathites—Mahath, Amasai's son, and Joel, Azariah's son; Merarites—Kish, Abdi's son, and Azariah, Jehallelel's son; Gershonites—Joah, Zimmah's son, and Eden, Joah's son; Ipapo vaRevhi ava vakasimuka vakashanda: kubva kuvaKohati, Mahati mwanakomana waAmasai naJoere mwanakomana waAzaria; kubva kuvaMerari, Kishi mwanakomana waAbhidhi naAzaria mwanakomana waJeharereri; kubva kuvaGerishoni, Joa mwanakomana waZima naEdheni mwanakomana waJoa;
13 of the sons of Elizaphan, Shimri and Jeiel; of the sons of Asaph, Zechariah and Mattaniah; kubva kuzvizvarwa zvaErizafani, Shimiri naJeyeri; kubva kuzvizvarwa zvaAsafi, Zekaria naMatania;
14 of the sons of Heman, Jehiel and Shimei; and of the sons of Jeduthun, Shemaiah and Uzziel. kubva kuzvizvarwa zvaHemani, Jehieri naShimei; kubva kuzvizvarwa zvaJedhutuni, Shemaya naUzieri.
15 They gathered their brothers, made themselves holy, and went to clean our Father's house, as the king commanded by our Father's words. Pavakaunganidza hama dzavo vakazvinatsa, vakapinda mukati kuti vachenese temberi yaJehovha sokurayira kwakanga kwaitwa namambo, vachitevera shoko raJehovha.
16 The priests entered our Father's inner house to cleanse it, bringing all the impurity they found in our Father's temple out to the courtyard. The Levites carried it out to the Kidron brook. Vaprista vakaenda munzvimbo tsvene yaJehovha kuti vandoichenesa. Vakabudisa kuchivanze chetemberi yaJehovha zvose zvakanga zvisina kuchena zvavakaona mutemberi yaJehovha. VaRevhi vakazvitora vakaenda nazvo kuMupata weKidhironi.
17 They began dedicating the first day of month one; by the eighth day of that month, they reached our Father's entrance hall. They dedicated the house of our Father eight days, finishing the sixteenth day of month one. Vakatanga kunatsa pazuva rokutanga romwedzi wokutanga uye pazuva rorusere romwedzi vakasvika pabiravira raJehovha. Kwamamwezve mazuva masere vakanatsa temberi yaJehovha pachayo, vakapedza nezuva regumi namatanhatu romwedzi wokutanga.
18 Then they came in to King Hezekiah and said, "We have cleaned all of our Father's house—the altar of burnt offering with all its utensils, and the table of the Bread of the Presence with all its utensils. Ipapo vakaenda kuna mambo Hezekia vakandomuzivisa kuti: “Tachenesa temberi yaJehovha yose, aritari yezvipiriso zvinopiswa nemidziyo yayo yose, netafura yekuisira chingwa chakatsaurwa, nemidziyo yayo yose.
19 All the utensils King Ahaz discarded during his unfaithful reign we have prepared and dedicated—they stand before our Father's altar." Tagadzira uye tanatsa midziyo yose yakabviswa naMambo Ahazi mukusatendeka kwake paakanga ari mambo. Zvino yava pamberi pearitari yaJehovha.”
20 King Hezekiah rose early, gathered the city's officials, and went up to our Father's house. Mangwanani ezuva raitevera Mambo Hezekia akaunganidza vakuru veguta pamwe chete vakakwira kutemberi yaJehovha.
21 They brought seven bulls, seven rams, seven lambs, seven male goats as a sin offering for the kingdom, sanctuary, and Judah, and he commanded Aaron's sons, the priests, to offer them on our Father's altar. Vakauya nehando nomwe, makondobwe manomwe, namakwai makono manomwe nembudzi hono nomwe sechibayiro chezvivi choushe, chenzvimbo tsvene necheJudha. Mambo akarayira vaprista, zvizvarwa zvaAroni kuti vapisire zvibayiro izvi paaritari yaJehovha.
22 They killed the bulls; the priests took the blood and splashed it on the altar. They killed the rams and splashed the blood on the altar, then killed the lambs and splashed the blood on the altar. Saka vakauraya hando dziya, uye vaprista vakatora ropa vakarisasa paaritari mushure mezvo vakauraya makondobwe vakasasa ropa rawo paaritari; uye vakauraya makwayana vakasasa ropa rawo paaritari.
23 They brought the sin-offering goats before the king and assembly, and laid their hands on them. Mbudzi dzechipiriso chechivi dzakauyiswa pamberi pamambo neungano, uye vakaisa maoko avo pamusoro padzo.
24 The priests slaughtered them and made a sin offering with their blood on the altar to atone for all Israel, because the king had ordered the burnt offering and sin offering for all Israel. Ipapo vaprista vakadziuraya vakaisa ropa radzo paaritari sechipiriso chechivi kuti vayananisire Israeri yose, nokuti mambo akanga arayira kuti kuitwe chipiriso chinopiswa nechipiriso chechivi zvichiitirwa Israeri yose.
25 He stationed the Levites in our Father's house with cymbals, harps, and lyres, as David, Gad the king's seer, and Nathan the prophet commanded—for the command came from our Father through his prophets. Akaisa vaRevhi mutemberi yaJehovha vane makandira, nemitengeranwa nembira sezvaakanga arayirwa naDhavhidhi naGadhi muoni wamambo naNatani muprofita. Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha kubudikidza navaprofita vake.
26 The Levites stood with the instruments of David, and the priests with the trumpets. Saka vaRevhi vakamira vakagadzirira vaine zviridzwa zvaDhavhidhi uye vaprista vaine hwamanda dzavo.
27 Hezekiah ordered the burnt offering on the altar; when it began, the song of our Father began too, with the trumpets and the instruments of David, king of Israel. Hezekia akarayira vanhu kuti vabayire chipiriso chinopiswa paaritari. Chipiriso pachakatanga, kuimbira Jehovha kwakatangawo, kuchiteverwa nehwamanda nezviridzwa zvaDhavhidhi mambo weIsraeri.
28 The whole assembly bowed, the singers sang, the trumpeters sounded, until the burnt offering was finished. Ungano yose yakakotama ichinamata, vaimbi pavaiimba uye varidzi vehwamanda vachiridza. Zvose izvi zvakaenderera mberi kusvikira chibayiro chechipiriso chinopiswa chapera.
29 When the offering ended, the king and all present with him bowed and worshiped. Pavakapedza kupa zvipiriso, mambo navose vaakanga anavo vakapfugama pasi vakanamata.
30 King Hezekiah and the officials had the Levites praise our Father with words from David and Asaph the seer. They sang for joy, bowed low, and worshiped. Mambo Hezekia namachinda ake vakarayira vaRevhi kuti varumbidze Jehovha namashoko aDhavhidhi neaAsafi muoni. Saka vakaimba nziyo dzokurumbidza nomufaro uye vakakotama vakanamata.
31 Then Hezekiah said, "You have now dedicated yourselves to our Father. Come near, bring sacrifices and thank offerings to our Father's house." So the assembly brought sacrifices and thank offerings; all willing hearts brought burnt offerings. Ipapo Hezekia akati, “Imi iye zvino mazvikumikidza kuna Jehovha. Uyai nezvipiriso zvokuvonga kutemberi yaJehovha.” Saka ungano yose yakauyisa zvipiriso nezvipo zvokuvonga, uye vose vaiva nemwoyo inoda vakauyisa zvipiriso zvinopiswa.
32 The assembly brought seventy bulls, one hundred rams, 200 lambs—all as a burnt offering to our Father. Zvipiriso zvinopiswa zvakauyiswa neungano zvaiti hando makumi manomwe, namakondobwe zana, namakwayana makono mazana maviri, zvose izvi zvaiva zvokupisira kuna Jehovha.
33 And the consecrated offerings were 600 bulls and 3,000 sheep. Mhuka dzose dzakanga dzatsaurwa sezvipiriso dzaisvika hando mazana matanhatu namakwai nembudzi zviuru zvitatu.
34 The priests were too few to skin all the burnt offerings, so their Levite brothers helped them until the work was done and until the priests made themselves holy; the Levites were more honest in heart to make themselves holy than the priests. Kunyange zvakadaro, vaprista vakanga vari vashoma kwazvo kuti vakwanise kuvhiya zvipiriso zvose izvi; saka hama dzavo vaRevhi vakavabatsira kusvikira basa iri rapera uye kusvikira vamwe vaprista vatsaurwa nokuti vaRevhi vakanga vakangwarira kwazvo kuzvigadza kupfuura zvaiita vaprista.
35 Besides the many burnt offerings, there was fat from peace offerings and drink offerings for them. So the service of our Father's house was restored. Paiva nezvipiriso zvinopiswa zvakawanda kwazvo, pamwe chete namafuta ezvipiriso zvokuyanana, nezvipiriso zvokunwa zvaipiwa pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa. Saka temberi yaJehovha yakatanga kushanda zvakare.
36 Hezekiah and all the people rejoiced over what our Father prepared for them, since it happened suddenly. Hezekia navanhu vose vakapemberera zvakanga zvauyiswa naMwari kuvanhu vake nokuti zvakanga zvaitwa nokukurumbidza.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]