Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Chronicles 32 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 After these things and these acts of faithfulness, Sennacherib, Assyria's king, invaded Judah, besieged its fortified cities, meaning to break into them for himself. Mushure mezvose zvakaitwa naHezekia nokutendeka kwakadai, Senakeribhi mambo weAsiria akauya akapamba Judha. Akakomba maguta aiva namasvingo achifunga kuapamba kuti ave ake.
2 When Hezekiah saw that Sennacherib had come, intent on making war against Jerusalem, Hezekia paakaona kuti Senakeribhi akanga auya uye kuti aida kurwisa Jerusarema,
3 he consulted his officials and warriors about blocking the springs outside the city, and they helped him. akabvunza machinda ake navatungamiri vehondo nezvekuvharwa kwemvura yaibva muzvitubu zvaiva kunze kweguta uye vakamubatsira.
4 Many people gathered and blocked all the springs and the stream flowing through the land, asking, "Why should Assyria's kings come and find abundant water?" Hondo huru kwazvo yakaungana, vakavhara zvitubu zvose norukova rwaiyerera ruchipfuura nomunyika iyi. Vakati, “Ko, madzimambo eAsiria angauyirei achizowana mvura zhinji.”
5 He worked hard to rebuild all the broken sections of the wall, raised towers on it, built another wall outside, strengthened the Millo of the city of David, and made abundant weapons and shields. Ipapo akashanda nesimba akagadziridza zvikamu zvose zvorusvingo zvakanga zvakoromoka akavaka shongwe parwizi. Akavakazve rumwe rusvingo kunze kwerwakanga rwuripo akasimbisa Miro yaitsigira guta raDhavhidhi. Akagadzirawo zvombo zvakawanda nenhoo.
6 He set war commanders over the people, gathered them at the city gate square, and encouraged them: Akagadza vakuru vehondo pamusoro pavanhu akavaunganidza pamberi pake pachivara chepasuo reguta akavakurudzira namashoko aya:
7 "Be strong and brave. Don't fear or dread Assyria's king and all his horde, for more are with us than with him. “Simbai mutsunge mwoyo. Musatya kana kuora mwoyo nokuda kwamambo weAsiria nehondo huru yaanayo, nokuti kune simba guru kwatiri kupinda raanaro.
8 With him is only an arm of flesh; with us is our Father, to help us and fight our battles." The people relied on Hezekiah king of Judah's words. Iye ane ruoko rwenyama chete, asi isu tina Jehovha Mwari wedu kuti atibatsire uye anotirwira hondo dzedu.” Vanhu vakawana kusimbisiswa nokushinga kubva pane zvakanga zvataurwa naHezekia mambo weJudha.
9 After this, while besieging Lachish with all his forces, Sennacherib king of Assyria sent his servants to Jerusalem, to Hezekiah king of Judah and all Judah there, saying: Shure kwaizvozvo, Senakeribhi mambo weAsiria nehondo yake pavakanga vakakomba guta reRakishi, akatumira vakuru vehondo yake kuJerusarema neshoko iri kuna Hezekia mambo weJudha nokuvanhu vose veJudha vaivako achiti:
10 "This is what Sennacherib king of Assyria says: On what are you trusting, staying under siege in Jerusalem? “Zvanzi naSenakeribhi mambo weAsiria: Munozvisimbisa neiko, kuti mungaramba muri muJerusarema rakakombwa?
11 Isn't Hezekiah deceiving you, surrendering you to die by famine and thirst, when he says, 'The LORD our God will save us from the hand of the king of Assyria'? Hezekia paanoti, ‘Jehovha Mwari wedu achatinunura kubva muruoko rwamambo weAsiria,’ ari kukureverai nhema kuti mufe nenzara nenyota.
12 Wasn't it Hezekiah who removed his high places and altars, telling Judah and Jerusalem to worship at one altar and burn offerings there? Hezekia haana here kubvisa nzvimbo dzakakwirira dzamwari iyeyu nearitari achiti kuJudha neJerusarema, ‘Munofanira kunamata pamberi pearitari imwe chete uye munofanira kubayira zvipiriso pairi’?
13 Don't you know what I and my fathers did to all peoples of other lands? Could their nations' gods rescue their lands from my hand? “Hamuzivi here zvandakaita namadzibaba angu kuvanhu vedzimwe nyika? Vamwari venyika idzodzo vakagona here kununura nyika yavo kubva muruoko rwangu?
14 What god of nations my fathers devoted to destruction could save his people from my hand? How then can your God save you from my hand? Ndoupi mwari wenyika dzose dzakaparadzwa namadzibaba angu akagona kuponesa vanhu vake kubva kwandiri? Zvino mwari wenyu angagona sei kukununurai kubva muruoko rwangu?
15 Don't let Hezekiah deceive or mislead you like this, and don't believe him: no god of any nation or kingdom could rescue his people from my hand or my fathers'—much less will your God rescue you from my hand!" Zvino musatendera Hezekia kuti akureverei nhema uye akutsausei zvakadai. Musamutende, nokuti hakuna mwari worudzi rupi kana umambo hupi zvahwo akagona kurwira vanhu vake kubva muruoko rwangu kana ruoko rwamadzibaba angu. Mwari wenyu achakundikana zvakadii kukurwirai kubva muruoko rwangu!”
16 And his servants spoke still more against our Father and against his servant Hezekiah. Makurukota aSenakeribhi akataurazve zvimwe zvakawanda achishora Jehovha Mwari uye achipikisana naHezekia muranda wake.
17 Sennacherib also wrote letters insulting our Father, the God of Israel, speaking against him: "The nations' gods did not rescue their people from my hand; neither will Hezekiah's God rescue his people from my hand." Mambo akanyorazve tsamba achituka Jehovha, Mwari weIsraeri achitaura izvi pamusoro pake: “Sokukundikana kwavamwari vedzimwe nzvimbo kununura vanhu vake kubva muruoko rwangu, saizvozvo mwari waHezekia achakundikana kununura vanhu vake kubva muruoko rwangu.”
18 They shouted loudly in Judah's language to Jerusalem's people on the wall, to frighten and terrify them, to seize the city. Ipapo vakadaidzira muchiHebheru kuvanhu veJerusarema vakanga vari parusvingo, vachivatyisidzira vachivaita kuti vatye kuti ivo vagopamba guta.
19 They spoke of Jerusalem's God like the gods of earth's peoples, the work of human hands. Vakataura pamusoro paMwari weJerusarema zvavaiita pamusoro pavamwe vamwari namamwe marudzi enyika, mabasa amaoko avanhu.
20 Then King Hezekiah and the prophet Isaiah son of Amoz prayed about this, crying out to heaven. Mambo Hezekia nomuprofita Isaya mwanakomana waAmozi vakachema mumunyengetero kudenga pamusoro penyaya iyi.
21 So our Father sent an angel who killed every mighty warrior, commander, and officer in the Assyrian king's camp. Sennacherib returned home in disgrace, and when he entered his god's temple, some of his own sons killed him there with the sword. Uye Jehovha akatuma mutumwa akaparadza varwi vose navatungamiri navakuru pamisasa yamambo weAsiria. Saka akadzokera kunyika yake achinyara kwazvo uye paakapinda mutemberi yamwari wake vamwe vavanakomana vake vakamuuraya neminondo.
22 So our Father saved Hezekiah and Jerusalem's people from the hand of Sennacherib king of Assyria and all others, and he cared for them on every side. Saka Jehovha akanunura Hezekia navanhu veJerusarema kubva muruoko rwaSenakeribhi mambo weAsiria uye kubva muruoko rwavamwe vose. Akavachengeta kumativi ose.
23 Many brought gifts to our Father in Jerusalem, and treasures to Hezekiah king of Judah; afterward all nations honored Hezekiah highly. Vazhinji vakavigira Jehovha zvipo kuJerusarema nezvipo zvinokosha kuna Hezekia mambo weJudha. Kubva ipapa akatanga kuremekedzwa zvikuru nendudzi dzose.
24 In those days Hezekiah grew sick to death; he prayed to our Father, who answered, giving him a sign. Pamazuva iwayo Hezekia akarwara akasvika pakuda kufa. Akanyengetera kuna Jehovha iye akamupindura akamupa chiratidzo chechishamiso.
25 But Hezekiah didn't repay the good done him; his heart grew proud, so anger came on him and on Judah and Jerusalem. Asi mwoyo waHezekia wakazvikudza uye haana kugamuchira tsitsi dzaakanga aratidzwa. Saka hasha dzaJehovha dzakava pamusoro pake napamusoro peJudha neJerusarema.
26 Hezekiah humbled himself for his proud heart, he and Jerusalem's people, so our Father's wrath didn't reach them in Hezekiah's days. Ipapo Hezekia akatendeuka kubva mukuzvikudza kwomwoyo wake, sezvakaitawo vanhu veJerusarema, naizvozvo hasha dzaMwari hadzina kuuya kwavari pamazuva aHezekia.
27 Hezekiah had great wealth and honor. He built storerooms for silver, gold, gems, spices, shields, and other valuables, Hezekia akanga ane pfuma yakawanda kwazvo uye nokukudzwa, uye akavaka matura okuchengeta sirivha yake negoridhe namatombo anokosha, nezvinonhuhwira, nenhoo nezvimwe zvinokosha zvose.
28 storerooms for the harvest of grain, new wine, and oil; stalls for all kinds of livestock; pens for flocks. Akavakawo matura okuchengetera zviyo zvaaikohwa, waini itsva, namafuta; uye akavaka matanga emombe dzamarudzi akasiyana-siyana namatanga amakwai.
29 He built cities for himself and gained huge flocks and herds, for our Father gave him very great wealth. Akavaka misha uye akatenga makwai nemombe zhinji nokuti Mwari akanga amupa pfuma yakawanda.
30 Hezekiah stopped Gihon's upper outlet and directed the water down the west side of David's city. He succeeded in all he did. Hezekia ndiye akavhara mvura yaibuda muchitubu chepaGihoni ichiyerera nokumusoro akaivhurira kuti iende nezasi kumavirazuva kweGuta raDhavhidhi. Akabudirira mune zvose zvaiita.
31 When Babylon's rulers sent envoys to him asking about the land's sign, our Father left him to himself, to test him and to know all in his heart. Asi pakatumwa nhume navatongi veBhabhironi kuti vamubvunze pamusoro pechiratidzo chechishamiso chakanga chaitika munyika, Mwari akamusiya kuti amuedze uye kuti azive zvose zvaiva mumwoyo make.
32 Hezekiah's remaining acts and faithful deeds are written in the vision of Isaiah the prophet, son of Amoz, in the Book of the Kings of Judah and Israel. Zvimwe zvakaitwa naHezekia panguva yokutonga kwake zvakanyorwa muchiratidzo chomuprofita Isaya mwanakomana waAmozi mubhuku ramadzimambo eJudha neIsraeri.
33 Hezekiah slept with his ancestors, buried in the upper tombs of David's sons. All Judah and Jerusalem's residents honored him at death. His son Manasseh succeeded him. Hezekia akazorora namadzibaba ake akavigwa pachikomo pane makuva ezvizvarwa zvaDhavhidhi. Judha yose navanhu veJerusarema vakamuremekedza paakafa. Uye mwanakomana wake Manase akamutevera paumambo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]