Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Chronicles 15 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The Spirit of our Father came upon Azariah son of Oded. Mweya waMwari wakauya pana Azaria mwanakomana waOdhedhi.
2 He went out to meet Asa and said to him, "Hear me, Asa and all Judah and Benjamin: our Father is with you while you're with him. If you seek him, you will find him; if you abandon him, he will abandon you. Akabuda kundosangana naAsa akati kwaari, “Nditeererei, imi Asa, Judha yose neBhenjamini yose. Jehovha anemi kana imi munaye. Kana mukamutsvaka, achawanikwa nemi, asi kana mukamurasa, iye achakurasai.
3 For a long time Israel was without our Father, without a teaching priest, and without law. Kwenguva refu Israeri yakanga isina Mwari wechokwadi, isina muprista kuti avadzidzise uye vasina murayiro.
4 In their distress they turned to our Father, the God of Israel, sought him, and they found him. Asi panguva yokutambudzika kwavo vakatendeukira kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, vakamutsvaka, uye akawanikwa navo.
5 In those times no one going out or coming in was safe, for great turmoil struck all living in the lands. Pamazuva iwayo zvakanga zvine njodzi kufamba-famba nokuti vanhu vose venyika dzakawanda vakanga vachitambudzika kwazvo.
6 Nation crushed nation and city crushed city, for our Father troubled them with every kind of distress. Imwe nyika yaiparadzwa neimwe uye rimwe guta richiparadzwa nerimwe, nokuti Mwari aivatambudza namatambudziko emhando dzakasiyana-siyana.
7 But you, be strong; do not lose heart, for your work will be rewarded." Asi imi, ivai nesimba uye musaora mwoyo nokuti mabasa enyu achawana mubayiro.”
8 When Asa heard these words, the prophecy of Oded the prophet, he took courage and removed the detestable idols from all the land of Judah and Benjamin, and from the cities he had captured in the Ephraim hill country. He restored the altar of our Father in front of his temple entrance. Asa paakanzwa mashoko aya nokuprofita kwaAzaria mwanakomana waOdhedhi muprofita akasimbiswa kwazvo. Akabvisa zvifananidzo zvinonyangadza kubva panyika yose yeJudha neBhenjamini nomune mamwe maguta aakanga apamba muzvikomo zveEfuremu. Akavaka patsva aritari yaJehovha yaiva pamberi pebiravira retemberi yaJehovha.
9 He gathered all Judah and Benjamin, plus those from Ephraim, Manasseh, and Simeon living among them, since many in Israel had crossed over to him when they saw our Father was with him. Ipapo akaunganidza Judha neBhenjamini yose navanhu vaibva kuEfuremu, Manase neSimeoni vakanga vagere pakati pavo; nokuti vanhu vazhinji kwazvo vakanga vauya kwaari vachibva kuIsraeri pavakaona kuti Jehovha Mwari wake aiva naye.
10 They assembled at Jerusalem in the third month of the fifteenth year of Asa's reign. Vakaungana paJerusarema mumwedzi wechitatu wegore regumi namashanu rokutonga kwaAsa.
11 That day they sacrificed to our Father from the plunder—700 oxen and 7,000 sheep. Panguva iyoyo vakabayira kuna Jehovha mombe mazana manomwe, nemakwai nembudzi zviuru zvinomwe kubva paupfumi hwezvavakapamba zvavakadzoka nazvo.
12 They covenanted to seek our Father, God of their ancestors, with all their heart and with all their soul. Vakaita sungano yokutsvaka Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, nemwoyo yavo nemweya yavo yose.
13 Whoever would not seek our Father, the God of Israel, was to be put to death, whether small or great, whether man or woman. Vose vakanga vasingazotsvaki Jehovha, Mwari waIsraeri, vaizofanira kuurayiwa, zvisinei kuti mudiki kana mukuru, murume kana mukadzi.
14 They swore to our Father with a loud voice, with shouting, and with trumpets and horns. Vakapika kuna Jehovha nenzwi guru nokudanidzira uye nehwamanda nenyanga.
15 All Judah rejoiced over the oath, for they swore with their whole heart, sought him with their whole desire, and found him. And our Father gave them rest on every side. Judha yose yakafara nokuda kwemhiko iyi nokuti vakanga vapika nomwoyo wose. Vakatsvaka Mwari nomwoyo unoda, uye iye akawanikwa navo. Saka Jehovha akavapa zororo kumativi ose.
16 King Asa also removed his mother Maacah from being queen mother, because she had made a detestable image for Asherah; he cut it down, ground it to dust, and burned it in the Kidron Valley. Mambo Asa akabvisazve ambuya vake Maaka kubva panzvimbo yavo samai vamambo nokuti vakanga vagadzira danda rinonyangadza raAshera. Asa akatema danda riya akarityora-tyora akaripisa muMupata weKidhironi.
17 Though the high places were not removed from Israel, Asa's heart remained wholly devoted throughout his life. Kunyange zvake asina kubvisa nzvimbo dzakakwirira kubva muIsraeri, Asa akanga akazvipira nomwoyo wake wose kuna Jehovha upenyu hwake hwose.
18 He brought into our Father's house his father's dedicated gifts and his own dedicated gifts—silver, gold, and utensils. Akauyisa mutemberi yaMwari sirivha negoridhe nemidziyo yaakanga akumikidza iye nababa vake.
19 And there was no war until the thirty-fifth year of Asa's reign. Hakunazve kuzoita hondo kusvikira pagore ramakumi matatu namashanu rokutonga kwaAsa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]