Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Chronicles 14 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Abijah rested with his ancestors; they buried him in the City of David. His son Asa became king, and the land had peace ten years. Uye Abhija akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta raDhavhidhi. Asa mwanakomana wake akamutevera kuva paumambo, uye mumazuva ake nyika yakava norugare kwamakore gumi.
2 Asa did what was good and right in the sight of our Father. Asa akaita zvakanga zvakanaka uye zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake.
3 He removed the foreign altars and high places, smashed the sacred pillars, and cut down the Asherah poles. Akabvisa aritari dzavatorwa nenzvimbo dzakakwirira, akaputsa matombo anoera uye akatema matanda aAshera.
4 He commanded Judah to seek our Father, the God of their ancestors, and keep the law and commandment. Akarayira Judha kuti itsvage Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, uye kuti vateerere mirayiro yake nemitemo yake.
5 He also removed the high places and incense altars from all Judah's cities, and the kingdom was at peace under him. Akabvisa nzvimbo dzakakwirira nearitari dzezvinonhuhwira mumaguta ose muJudha, uye ushe hwakava norugare pasi pake.
6 He built fortified cities in Judah, for the land was at peace. He fought no war those years, because our Father gave him rest. Akavaka maguta ane masvingo eJudha, sezvo nyika yaiva norugare. Hapana akarwa naye panguva iyoyo nokuti Jehovha vakanga vamupa zororo.
7 He told Judah, "Let us build these cities and surround them with walls, towers, gates, and bars. The land is still ours, because we sought our Father; we sought him, and he gave us rest all around." So they built and thrived. Akati kuJudha, “Ngativakei maguta aya, uye tiise masvingo okuapoteredza, ane shongwe, masuo namazariro. Nyika ichiri yedu, nokuti takatsvaga Jehovha Mwari wedu; takamutsvaga uye akatipa zororo kumativi ose.” Saka vakavaka uye vakabudirira.
8 Asa had an army of 300,000 from Judah with large shields and spears, and 280,000 from Benjamin with shields and bows—all mighty warriors. Asa aiva nehondo yaisvika zviuru mazana matatu kubva kuJudha, vakanga vakapakata nhoo huru namapfumo, uye vamwe zviuru mazana maviri namakumi masere kubva kuBhenjamini, vakanga vakapakata nhoo diki neuta. Ava vose vaiva varwi vakashinga.
9 Zerah the Cushite marched against them with a million troops and 300 chariots, advancing to Mareshah. Zera muEtiopia akauya kuzovarwisa nehondo huru kwazvo nengoro mazana matatu uye akauya akasvika muMaresha.
10 Asa marched out against him, and they lined up for battle in the Valley of Zephathah at Mareshah. Asa akabuda akandosangana naye uye vakamira panzvimbo dzavo dzokurwa vari mumupata weZefata pedyo neMaresha.
11 Then Asa cried to our Father his God: "Father, only you can help the powerless against the mighty. Help us, our God, for we rely on you, and in your name we face this vast horde. You are our God; let no mere man prevail against you." Ipapo akadana kuna Jehovha Mwari wake akati, “Jehovha, hakuna mumwe akafanana nemi angabatsira vasina simba pavanorwisana navane simba. Tibatsireiwo, imi Jehovha Mwari, nokuti tinovimba nemi, uye muzita renyu tauya kuzorwisana nehondo yakakura ikadai. Haiwa Jehovha, ndimi Mwari wedu; musarega munhu achikukundai.”
12 So our Father struck down the Cushites before Asa and before Judah, and the Cushites fled. Jehovha akaparadza vaEtiopia pamberi paAsa naJudha vakatiza,
13 Asa and his people pursued them to Gerar, and the Cushites fell until none survived, for they were shattered before our Father and his army. Judah's men carried off great plunder. uye hondo yaAsa yakavatandanisa kusvika kuGerari. VaEtiopia vazhinji kwazvo vakafa zvokuti havanazve kuzombodzokera pasimba rakare; vakabva vaparadzwa pamberi paJehovha navarwi vake. Varume veJudha vakatakura upfumi huzhinji kwazvo hwavakapamba.
14 They struck down all the cities around Gerar, for the terror of our Father had fallen on them. They looted all the cities, since much plunder was in them. Vakaparadza misha yose yakanga yakapoteredza Gerari, nokuti kutsamwa kwaJehovha kwakanga kwawira pavari. Vakapamba misha iyi yose, nokuti yaiva nezvokupamba zvakawanda.
15 They also attacked the herdsmen's tents, carried off many sheep and camels, and returned to Jerusalem. Vakarwisazve mapoka avafudzi vakatora makwai akawanda nembudzi nengamera zhinji. Ipapo vakadzokera kuJerusarema.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]