Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Chronicles 16 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 In Asa's thirty-sixth year, Baasha king of Israel invaded Judah, fortifying Ramah to keep anyone from leaving or entering Asa king of Judah's territory. Mugore ramakumi matatu namatanhatu rokutonga kwaAsa, Bhaasha mambo weIsraeri akamukira Judha akandovakira Rama masvingo kuti arege kutendera munhu kubuda kana kupinda munyika yaAsa mambo weJudha.
2 Asa took silver and gold from the storerooms of our Father's house and the royal house, and sent them to Ben-Hadad king of Aram, living in Damascus, with this message: Ipapo Asa akatora sirivha negoridhe kubva mumatura epfuma yetemberi yaJehovha nokubva mumuzinda wake akazvitumira kuna Bheni-Hadhadhi mambo weAramu, uyo aitonga kuDhamasiko.
3 "Let there be a treaty between me and you, as there was between my father and your father. See, I'm sending you silver and gold. Go now and break your treaty with Baasha king of Israel, so he withdraws from me." Akati, “Ngapave nechibvumirano pakati pangu nemi, sezvazvakanga zvakaita pakati pababa vangu nababa venyu. Tarirai, ndiri kukutumirai sirivha negoridhe. Zvino putsai chibvumirano chenyu naBhaasha mambo waIsraeri kuti agobva kwandiri.”
4 Ben-Hadad agreed with King Asa and sent his army commanders against Israel's cities. They struck down Ijon, Dan, Abel-maim, and all Naphtali's store cities. Bheni-Hadhadhi akatenderana namambo Asa uye akatumira vakuru vehondo yake kundorwisa maguta eIsraeri. Vakakunda Ijoni, Dhani, Abheri Maimi namaguta ose amatura eNafutari.
5 When Baasha heard of it, he stopped fortifying Ramah and abandoned his work. Bhaasha paakanzwa izvi, akasiya kuvaka Rama akaregedza basa rake.
6 King Asa mustered all Judah; they carried off the stones and timber Baasha had fortified Ramah with, and with them he fortified Geba and Mizpah. Ipapo Mambo Asa akauyisa varume vose veJudha, uye vakatakura kubva kuRama matombo ose namatanda aishandiswa naBhaasha. Akavaka Gebha neMizipa nazvo.
7 Then Hanani the seer came to Asa king of Judah and said to him, "Because you relied on Aram's king and not your Father, his army escaped your hand. Panguva iyoyo Hanani muoni akauya kuna Asa mambo weJudha akati kwaari, “Nokuti wakavimba namambo weAramu, kwete naJehovha Mwari wako, hondo yamambo weAramu yapunyuka kubva mumaoko ako.
8 Weren't Cushites and Libyans a vast army with countless chariots and horsemen? Because you relied on your Father, he gave them to you. Ko, vaEtiopia navaRibhiya vakanga vasiri hondo huru nengoro zhinji navatasvi vamabhiza vazhinji here? Asi pamakavimba naJehovha, akavaisa mumaoko enyu.
9 For our Father's eyes scan the whole earth, to strengthen those whose heart is fully devoted to him. You acted foolishly in this; from now on you will have wars." Nokuti meso aJehovha anosvika panyika yose kwaari, wakaita chinhu choupenzi uye kubva zvino zvichienda mberi ucharwa hondo.”
10 Asa raged at the seer for this and jailed him in the stocks, for he was furious with him about it; he also brutally oppressed some people at that time. Asa akashatirwa kwazvo zvokuti akamuisa mutorongo. Panguva imwe cheteyo Asa akadzvinyirira vamwe vanhu.
11 Asa's acts, first to last, are written in the Book of the Kings of Judah and Israel. Mamwe mabasa okutonga kwaAsa, kubva pakutanga kusvika pakupedzisira akanyorwa mubhuku ramadzimambo aJudha neIsraeri.
12 In his thirty-ninth year of reign, Asa's feet grew diseased, the disease severe. Yet even in his illness he did not seek our Father, but only the doctors. Mugore ramakumi matatu namapfumbamwe rokutonga kwake, Asa akabatwa nechirwere mumakumbo ake. Kunyange chirwere chake chakanga chanyanyisa mukurwara kwake imomo haana kutsvaka rubatsiro kubva kuna Jehovha asi kubva kuvarapi chete.
13 Then Asa rested with his fathers, dying in the forty-first year of his reign. Zvino mugore ramakumi mana nerimwe chete rokutonga kwake, Asa akafa akazorora namadzibaba ake.
14 They buried him in his own tomb, cut for himself in the City of David, laid him on a funeral bed covered with spices and various blended perfumes prepared by skilled perfumers, and lit a great fire for him. Vakamuviga muguva raakanga azvigadzirira muGuta raDhavhidhi. Vakamuradzika panhoo yakanga yakazara nezvinonhuhwira zvemhando dzakasiyana-siyana zvakanga zvakavhenganiswa uye vakaita moto mukuru vachimuremekedza.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]