Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Chronicles 11 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Rehoboam came to Jerusalem and assembled the house of Judah and Benjamin—180,000 chosen warriors—to fight against Israel and restore the kingdom to Rehoboam. Rehobhoamu paakasvika muJerusarema, akakurudzira imba yaJudha naBhenjamini, varume zviuru zana namakumi masere zvavarwi, kuti varwisane neIsraeri vatorezve umambo hwaRehobhoamu.
2 But the word of our Father came to Shemaiah, the man of our Father, saying: Asi shoko iri raJehovha rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari richiti,
3 "Say to Rehoboam son of Solomon, king of Judah, and to all Israel in Judah and Benjamin: “Udza Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni mambo weJudha navaIsraeri vose vari muJudha neBhenjamini, uti,
4 This is what our Father says: Don't go up or fight against your brothers. Go home, each of you—this came from me." So they obeyed the words of our Father and turned back from advancing against Jeroboam. ‘Zvanzi naJehovha: Musaenda kunorwisana nehama dzenyu; endai kumba, mumwe nomumwe wenyu, nokuti uku kuita kwangu.’ ” Saka vakateerera mashoko aJehovha vakadzoka kubva mukuda kundorwisana naJerobhoamu.
5 Rehoboam lived in Jerusalem and built up cities for defense in Judah. Rehobhoamu akagara muJerusarema akavaka maguta okuzvidzivirira muJudha aiti:
6 He built Bethlehem, Etam, and Tekoa, Bheterehema, Etami, Tekoa,
7 Beth-zur, Soco, Adullam, Bheti Zuri, Soko, Adhuramu,
8 Gath, Mareshah, Ziph, Gati, Maresha, Zifi,
9 Adoraim, Lachish, Azekah, Adhoraimi, Rakishi, Azeka,
10 Zorah, Aijalon, and Hebron, the fortified cities in Judah and Benjamin. Zora, Aijaroni neHebhuroni. Aya ndiwo aiva maguta enhare muJudha neBhenjamini.
11 He strengthened the fortresses and put commanders in them, along with stores of food, oil, and wine. Akasimbisa nhare dzawo akaisa vakuru vehondo maari, nezvokudya zvizhinji, mafuta omuorivhi newaini.
12 In every city he placed shields and spears, strengthening them greatly. So Judah and Benjamin remained his. Akaisa nhoo namapfumo mumaguta ose, akaaita kuti ave akasimba kwazvo. Saka Judha neBhenjamini vaiva vake.
13 The priests and the Levites who were throughout all Israel came to him from all their territory, Vaprista navaRevhi kubva kumatunhu ose muIsraeri yose vaiva kurutivi rwake.
14 for the Levites left their pasturelands and property, going to Judah and Jerusalem, since Jeroboam and his sons turned them away from serving as priests of our Father. Vaprista navaRevhi vakatosiya mafuro ezvipfuwo zvavo nemidziyo yavo vakauya kuJudha neJerusarema nokuti Jerobhoamu navanakomana vake vakanga vavaramba savaprista vaJehovha.
15 He appointed his own priests for the high places, for the goat idols, and for the calf idols he had made. Uye iye akagadza vaprista vake pachake akavaisa panzvimbo dzakakwirira uye nezvifananidzo zvembudzi nezvemhuru zvaakanga agadzira.
16 From every tribe of Israel, those who set their heart on seeking our Father, the God of Israel, followed the Levites to Jerusalem to sacrifice to our Father, the God of their ancestors. Vose vaibva kumarudzi ose aIsraeri vakaisa mwoyo yavo pakutsvaga Jehovha, Mwari waIsraeri, vakatevera vaRevhi kuJerusarema kuti vandopa zvibayiro kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
17 They strengthened Judah's kingdom, supporting Rehoboam son of Solomon three years, for they walked in the way of David and Solomon three years. Vakasimbisa umambo hwaJudha vakatsigira Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni kwamakore matatu, vachifamba munzira dzaDhavhidhi naSoromoni panguva iyoyi.
18 Rehoboam married Mahalath, the daughter of Jerimoth son of David and of Abihail the daughter of Eliab son of Jesse. Rehobhoamu akawana Maharati aiva mwanasikana womwanakomana waDhavhidhi ainzi Jerimoti uye waAbhihairi mwanasikana womwanakomana waJese ainzi Eriabhi.
19 She bore him sons: Jeush, Shemariah, and Zaham. Akamuberekera vanakomana vaiti, Jeushi, Shemaria naZahamu.
20 After her, he married Maacah the daughter of Absalom, who bore him Abijah, Attai, Ziza, and Shelomith. Ipapo akawana Maaka mwanasikana waAbhusaromu akamuberekera Abhija, Atai, Ziza naSheromiti.
21 Rehoboam loved Maacah daughter of Absalom more than his other wives and concubines, since he had eighteen wives, sixty concubines, twenty-eight sons, and sixty daughters. Rehobhoamu aida Maaka mwanasikana waAbhusaromu kupfuura vamwe vakadzi vake navarongo vake vose. Pamwe chete aiva navakadzi gumi navasere, navarongo makumi matanhatu, vanakomana makumi maviri navasere, navanasikana makumi matanhatu.
22 Rehoboam made Abijah, son of Maacah, chief leader among his brothers, intending to make him king. Rehobhoamu akagadza Abhija mwanakomana waMaaka kuti ave muchinda mukuru pakati pavana vababa vake kuitira kuti azova mambo.
23 He acted wisely, spreading some of his sons through every district of Judah and Benjamin, to each fortified city, giving them abundant provisions and seeking many wives for them. Akaita zvakachenjera akaparadzira vamwe vavanakomana vake mumatunhu ose eJudha neBhenjamini nokumaguta ose enhare. Akavapa zvinhu zvizhinji akavawanira vakadzi vakawanda.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]