Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Chronicles 12 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 When Rehoboam's reign was secure and strong, he abandoned our Father's law, and all Israel with him. Mushure mokunge chinzvimbo chaRehobhoamu samambo chasimbiswa, uye paakanga asimba, iye neIsraeri yose pamwe chete vakasiya murayiro waJehovha.
2 In Rehoboam's fifth year, because they were unfaithful to our Father, Shishak king of Egypt attacked Jerusalem. Nokuti vakanga vasina kutendeka kuna Jehovha, Shishaki mambo weIjipiti akarwisa Jerusarema mugore rechishanu ramambo Rehobhoamu.
3 He came with 1,200 chariots, 60,000 horsemen, and countless troops from Egypt: Libyans, Sukkites, and Cushites. Nengoro chiuru namazana maviri navatasvi vamabhiza zviuru makumi matanhatu navarwi vokuRibhiya, Suki neEtiopia vakanga vasingaverengeki vaakauya navo kubva kuIjipiti,
4 He captured the fortified cities of Judah and came as far as Jerusalem. akakunda maguta enhare eJudha kusvika kuJerusarema.
5 Shemaiah the prophet came to Rehoboam and Judah's leaders, gathered in Jerusalem because of Shishak: "So says our Father: You abandoned me, so I abandon you to Shishak." Ipapo muprofita Shemaya akauya kuna Rehobhoamu nokuvatungamiri veJudha vakanga vaungana muJerusarema vachitya Shishaki, akati kwavari, “Zvanzi naJehovha: ‘Makandirasa; naizvozvo zvino ndava kukurasirai kuna Shishaki.’ ”
6 Then the leaders of Israel and the king humbled themselves and said, "Our Father is righteous." Vatungamiri veIsraeri namambo vakazvininipisa vakati, “Jehovha akarurama.”
7 When our Father saw they had humbled themselves, our Father's word came to Shemaiah: "They've humbled themselves; I won't destroy them, but grant them a little rescue, and my anger won't pour out on Jerusalem through Shishak. Jehovha paakaona kuti vazvininipisa, shoko iri raJehovha rakauya kuna Shemaya richiti, “Nokuda kwokuti vazvininipisa, handichavaparadzi asi munguva pfupi ndichavadzikinura. Kutsamwa kwangu hakuchadururirwa paJerusarema kubudikidza naShishaki.
8 But they will be Shishak's servants, to know my service and the service of earthly kingdoms." Zvisinei hazvo, vachava pasi pake kuti vadzidze mutsauko uri pakati pokundishumira nokushumira madzimambo edzimwe nyika.”
9 Shishak king of Egypt attacked Jerusalem and took everything—the treasures of our Father's house, the royal palace, including the gold shields Solomon made. Shishaki mambo weIjipiti paakarwisa Jerusarema akatakura pfuma yomutemberi yaJehovha nepfuma yomumuzinda wamambo. Akatora zvose kusanganisira nhoo dzegoridhe dzakanga dzagadzirwa naSoromoni.
10 Rehoboam replaced them with bronze shields, entrusted to the guard commanders watching the entrance to the king's house. Saka Mambo Rehobhoamu akagadzira nhoo dzendarira kutsiva idzo dzakanga dzatorwa akadzipa vakuru vavarindi vaiva pabasa pamukova wokupinda mumuzinda woumambo.
11 Whenever the king entered our Father's house, the guards carried the shields, then returned them to the guard chamber. Pose paienda mambo kutemberi yaJehovha, varindi vaienda naye, vakabata nhoo idzi uye vapedza vaizodzidzorera kuimba yavarindi.
12 When Rehoboam humbled himself, our Father's anger turned from him, not destroying him completely; good things remained in Judah too. Nokuti Rehobhoamu akazvininipisa kutsamwa kwaJehovha kwakabva kwaari, uye haana kuparadzwa zvachose. Zvirokwazvo makava nezvimwe zvakanaka muJudha.
13 King Rehoboam strengthened himself in Jerusalem and reigned; forty-one when he became king, he reigned seventeen years in Jerusalem, the city our Father chose from all the tribes of Israel to place his name there. His mother was Naamah, an Ammonite. Mambo Rehobhoamu akazvisimbisa kwazvo muJerusarema akaramba ari mambo. Akanga ane makore makumi mana nerimwe chete paakava mambo uye akatonga kwamakore gumi namanomwe muJerusarema, guta raJehovha raakanga azvisarudzira pamarudzi ose eIsraeri kuti aise Zita rake. Zita ramai vake rainzi Naama; vaiva muAmoni.
14 He did evil, because he did not set his heart to seek our Father. Akaita zvakaipa nokuti akanga asina kuisa mwoyo wake pakutsvaga Jehovha.
15 Rehoboam's deeds, first to last, appear in the records of Shemaiah the prophet and Iddo the seer, listing genealogies. Rehoboam and Jeroboam warred continually. Mabasa okutonga kwaRehobhoamu kubva kutanga kwake kusvikira kwokupedzisira, haana kunyorwa here mubhuku renhoroondo raShemaya muprofita neraIdho muoni? Paiva nokurwisana nguva dzose pakati paRehobhoamu naJerobhoamu.
16 Rehoboam rested with his ancestors, buried in the City of David; his son Abijah reigned instead. Rehobhoamu akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta raDhavhidhi. Uye Abhija mwanakomana wake akamutevera paumambo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]