Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Chronicles 10 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Rehoboam went to Shechem, for all Israel had come to Shechem to make him king. Rehobhoamu akaenda kuShekemu, nokuti vaIsraeri vose vakanga vaenda ikoko kundomuita mambo.
2 When Jeroboam son of Nebat heard of it—he was in Egypt, having fled from King Solomon—Jeroboam returned from Egypt. Jerobhoamu mwanakomana waNebhati paakanzwa izvi (aiva kuIjipiti, kwaakanga aenda achitiza Mambo Soromoni), akadzoka kubva kuIjipiti.
3 So they sent for him, and Jeroboam and all Israel came and said to Rehoboam, Saka vakandodana Jerobhoamu, uye iye neIsraeri yose vakaenda kuna Rehobhoamu vakati kwaari,
4 "Your father made our yoke heavy. Now lighten your father's hard service and the heavy yoke he put on us, and we will serve you." “Baba vako vakatitakudza joko rinorema kwazvo, asi zvino chitapudzai kushanda kwakaomarara nejoko rinorema ravakaisa patiri, uye isu tichakushandirai.”
5 He said to them, "Come back to me in three days." So the people went away. Rehobhoamu akapindura akati, “Dzokai kwandiri mumazuva matatu.” Saka vanhu vakaenda havo.
6 Then King Rehoboam consulted the elders who had served his father Solomon during his lifetime: "How do you advise me to answer these people?" Ipapo Mambo Rehobhoamu akandobvunza vakuru vaisishandira baba vake Soromoni panguva yavakanga vari vapenyu. Akavabvunza achiti, “Ko, izano ripi ramungandipa kuti ndipindure vanhu ava?”
7 They replied, "If you are good to these people, please them, and speak kindly, they will always be your servants." Vakamupindura vakati, “Kana mukaitira vanhu ava tsitsi mukavafadza mukavapa mhinduro yakanaka vacharamba vari varanda venyu.”
8 But he rejected the elders' advice and consulted the young men who grew up with him and served him. Asi Rehobhoamu akaramba zano iri raakapiwa navakuru akandobvunza majaya aakanga akura nawo uye vaimushandira.
9 He asked them, "What do you advise? How should we answer these people asking me to lighten the yoke my father put on us?" Akavabvunza akati, “Mungandipa zano ripi? Tingapindura sei vanhu ava vanoti kwandiri, ‘Tirerutsirei joko ratakatakudzwa nababa venyu?’ ”
10 The young men who grew up with him replied, "Tell the people who told you, 'Your father made our yoke heavy; lighten it for us'—tell them: 'My little finger is thicker than my father's waist.' Majaya aakanga akura nawo akapindura akati, “Taurirai vanhu vakati kwamuri, ‘Baba venyu vakatitakudza joko rinorema asi itai kuti joko redu rireruke,’ kuti, ‘Munwe wangu mudiki mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu.
11 My father put a heavy yoke on you; I'll add to it. My father disciplined you with whips; I will discipline you with scorpions.'" Baba vangu vakaisa joko rinorema pamusoro penyu; ini ndichariita kuti rinyanye kurema. Baba vangu vaikurovai neshamhu; ini ndichakurovai nezvinyavada.’ ”
12 So Jeroboam and all the people came to Rehoboam on the third day, as the king had said, "Come back to me on the third day." Mushure mamazuva matatu Jerobhoamu navanhu vose vakadzokera kuna Rehobhoamu sezvakanga zvataurwa namambo kuti, “Dzokai kwandiri mumazuva matatu.”
13 The king answered them harshly. King Rehoboam rejected the advice of the elders, Mambo akapindura nehasha. Achiramba zano raakanga apiwa navakuru,
14 and spoke to them as the young men advised: "My father made your yoke heavy; I will make it heavier. My father disciplined you with whips; I will discipline you with scorpions." akateerera zano ramajaya akati, “Baba vangu vakakurovai neshamhu ini ndichakurovai nezvinyavada.”
15 So the king did not listen to the people, for this turn came from our Father, to fulfill the word our Father spoke through Ahijah the Shilonite to Jeroboam son of Nebat. Saka mambo haana kuteerera kuvanhu, nokuti kuitika kwezvinhu uku kwaibva kuna Mwari, kuti shoko rakanga rataurwa naJehovha kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati nomuromo waAhija muShironi rizadziswe.
16 When all Israel saw the king would not listen to them, the people answered him: "What share do we have in David? No inheritance in Jesse's son! To your tents, Israel! Look to your own house, David!" So all Israel went home to their tents. VaIsraeri vose pavakaona kuti mambo aramba kuvateerera, vakapindura mambo vachiti, “Ko, tine mugove upi muna Dhavhidhi, chikamu chipiko mumwanakomana waJese? Kumatende enyu, imi Israeri! Zvichengetere imba yako, iwe Dhavhidhi!” Saka vaIsraeri vose vakaenda kumisha yavo.
17 But Rehoboam still reigned over the Israelites who lived in the cities of Judah. Asi vaIsraeri vaigara mumaguta eJudha, Rehobhoamu akaramba achivatonga.
18 Then King Rehoboam sent Hadoram, in charge of the forced labor, but the Israelites stoned him to death. King Rehoboam himself jumped into his chariot and fled to Jerusalem. Mambo Rehobhoamu akatuma Adhoniramu, aiva mukuru wavashandi vechibharo, asi vaIsraeri vakamutema namabwe kusvikira afa. Mambo Rehobhoamu akakwanisa kupinda mungoro yake akatizira kuJerusarema.
19 So Israel has been in rebellion against the house of David to this day. Saka Israeri yakapandukira imba yaDhavhidhi kusvikira nhasi.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]