Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Chronicles 9 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Hearing Solomon's fame, the queen of Sheba came to Jerusalem to test him with hard questions—a huge retinue, camels bearing spices, much gold, precious stones. Reaching Solomon, she told him all on her mind. Mambokadzi weShebha paakanzwa mbiri yaSoromoni, akauya kuJerusarema kuti amuedze nemibvunzo yakaoma kwazvo. Akasvika navanhu vazhinji kwazvo nengamera akatakura zvinonhuhwira, goridhe rakawanda, namatombo anokosha, akauya kuna Soromoni akataura naye zvose zvaiva mupfungwa dzake.
2 Solomon answered all her questions; nothing was too hard for him to explain to her. Soromoni akamupindura mibvunzo yake yose, hapana chakanga chakanyanya kumuomera kuti amutsanangurire.
3 When the queen of Sheba had seen the wisdom of Solomon, and the palace he had built, Mambokadzi weShebha paakaona uchenjeri hwaSoromoni, nomuzinda waakanga avaka,
4 the food on his table, his officials seated, his servants attending, their clothing, his cupbearers and theirs, and the burnt offerings at the house of our Father—it took her breath away. zvokudya zvaiva patafura yake, magariro amakurukota ake, varanda vake vari muzvipfeko zvavo, vadiri vezvokunwa vari muzvipfeko zvavo nezvipiriso zvinopiswa zvaaiita patemberi yaJehovha akapererwa.
5 She told the king, "The report I heard in my own land about your words and your wisdom was true. Akati kuna Mambo, “Zvandakanzwa munyika yangu pamusoro pezvamakaita nouchenjeri hwenyu ndezvechokwadi.
6 I didn't believe the reports until I came and saw for myself. Not half the greatness of your wisdom was told me; you surpass the report I heard. Asi handina kutenda zvaitaurwa kusvikira ndauya kuzozvionera nameso angu. Chokwadi, handina kutongonzwa kunyange hafu yokukura kwouchenjeri hwenyu, mapfuura nokure zvandakanzwa.
7 How happy your people! How happy these servants who stand before you always, hearing your wisdom! Mufaro wakawanda sei unofanira kungova una vanhu venyu! Anofara sei machinda enyu anoramba amire pamberi penyu achinzwa uchenjeri hwenyu.
8 Blessed be the LORD your God, who delighted in you and set you on his throne as king for the LORD your God! Because your God loved Israel, establishing them forever, he made you king to do justice and righteousness." Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari wenyu akafadzwa nemi akakuisai pachigaro chake samambo kuti mutongere Jehovha Mwari wenyu. Nokuda kwerudo rwaMwari wenyu kuIsraeri nokudokwairira kwake kuvasimudzira nokusingaperi, akakuitai mambo pamusoro pavo kuti muchengetedze kururamisira nokururama.”
9 She gave the king about 9,000 pounds of gold, great quantities of spices, and precious stones. No spice ever matched what the queen of Sheba gave King Solomon. Ipapo akapa mambo matarenda zana namakumi maviri egoridhe, zvinonhuhwira zvakawanda kwazvo namatombo anokosha. Hakuna kunge kwambova nezvinonhuhwira zvakaita sezvakapiwa mambo Soromoni namambokadzi weShebha.
10 Huram's and Solomon's servants, who brought gold from Ophir, also brought sandalwood and precious stones. (Vanhu vaHiramu navanhu vaSoromoni vakauya negoridhe kubva kuOfiri; vakauyazve namatanda emiarigumi namatombo anokosha.
11 From the sandalwood the king made steps for our Father's house and his palace, and lyres and harps for the singers—none like them ever seen in Judah. Mambo akashandisa matanda emiarigumi kugadzira zvikwiriso zvetemberi yaJehovha nezvemuzinda wamambo, uye kugadzirisa mbira nemitengeranwa yavaimbi. Hapana zvakaita sezvizvi zvakanga zvatomboonekwa muJudha).
12 King Solomon gave the queen of Sheba all she desired, whatever she asked, more than she had brought him. Then she returned to her own land with her servants. Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; akamupa zvakawanda kupfuura zvaakauya nazvo kwaari. Ipapo akabva adzokera navaranda vake kunyika yake.
13 The weight of gold that came to Solomon in a single year was about twenty-five tons, Uremu hwegoridhe raipiwa Soromoni hwaisvika matarenda mazana matanhatu namakumi matanhatu ane matanhatu pagore roga roga,
14 besides what traders and merchants brought; all the kings of Arabia and governors of the land brought gold and silver to Solomon. tisingaverengi mitero yaiuyiswa navatengesi navashambadziri. Uye madzimambo ose eArabhia navabati venyika vaiuyisa goridhe nesirivha kuna Soromoni.
15 King Solomon made 200 large shields of hammered gold, each with about fifteen pounds of gold. Mambo Soromoni akagadzira mazana maviri enhoo huru dzegoridhe rakapambadzirwa mazana matanhatu amashekeri egoridhe akapambadzirwa aipinda munhoo imwe neimwe.
16 He made 300 smaller shields of hammered gold, about seven and a half pounds each. The king put them in the House of the Forest of Lebanon. Akagadzirazve nhoo diki dzaisvika mazana matatu negoridhe rakapambadzirwa, namashekeri mazana matatu egoridhe munhoo imwe neimwe. Mambo akaaisa muMuzinda weSango reRebhanoni.
17 The king made a large ivory throne and covered it with pure gold. Ipapo mambo akagadzira chigaro chikuru choushe nenyanga dzenzou uye akachifukidza negoridhe rakaisvonaka.
18 The throne had six steps with a gold footstool attached to it; armrests flanked the seat, with two lions standing beside them, Chigaro ichi chakanga chine zvikwiriso zvitanhatu nechitsiko chetsoka chegoridhe chakanga chakabatana nechigaro ichi. Kumativi ose echigaro kwaiva nezvitsigiro zvamaoko, neshumba yakamira parutivi pechimwe nechimwe chazvo.
19 and twelve lions stood there, one at either end of each of the six steps. Nothing like it was ever made for any kingdom. Shumba gumi nembiri dzakanga dzakamira pazvikwiriso zvitanhatu, imwe chete kumucheto kwechikwiriso chimwe nechimwe. Hakuna zvakaita seizvi zvakanga zvambogadzirirwa humwe umambo.
20 All King Solomon's cups were gold, and every vessel of the House of the Forest of Lebanon was pure gold. Silver counted as nothing in Solomon's days, Mikombe yose yokunwa nayo yaMambo Soromoni yaiva yegoridhe, uye zvose zvomumba zvaiva muMuzinda weSango reRebhanoni zvaiva zvegoridhe rakaisvonaka. Hapana chakanga chakagadzirwa nesirivha, nokuti pamazuva aSoromoni sirivha yaionekwa seisina basa.
21 for the king's ships sailed to Tarshish with Huram's servants; every three years the Tarshish ships returned with gold, silver, ivory, apes, and peacocks. Mambo aiva nezvikepe zvokushambadzira zvaienda kunzvimbo dzakasiyana-siyana zvaifambiswa navanhu vaHiramu. Kamwe chete mumakore matatu zvaidzoka zviine goridhe, sirivha, nyanga dzenzou netsoko namakudo.
22 So King Solomon surpassed all the kings of the earth in riches and wisdom. Mambo Soromoni akanga ari mukuru kwazvo muupfumi nouchenjeri kupfuura madzimambo ose enyika.
23 All the kings of the earth sought Solomon's presence to hear the wisdom our Father put in his heart. Madzimambo ose aitsvaga kutaura naSoromoni kuti vanzwe uchenjeri hwakanga hwaiswa naMwari mumwoyo make.
24 Each brought his gift—silver and gold articles, garments, weapons, spices, horses, and mules—year after year. Gore negore vose vaiuya nezvipo midziyo yesirivha nezvegoridhe, nenguo, zvombo zvokurwa nazvo nezvinonhuhwira, namabhiza nembongoro.
25 Solomon had 4,000 horse-and-chariot stalls and 12,000 horsemen, kept in the chariot cities and with the king in Jerusalem. Soromoni akanga ane zvidyiro zvamabhiza nengoro, zviuru zvina, namabhiza zviuru gumi nezviviri zvaaichengetera mumaguta engoro nemuJerusarema maaiva.
26 He ruled all the kings from the Euphrates to the land of the Philistines, to Egypt's border. Aitonga madzimambo ose kubva kuRwizi kusvika kunyika yavaFiristia kusvikira kumuganhu neIjipiti.
27 The king made silver in Jerusalem like stones, and cedar as plentiful as foothill sycamore-figs. Mambo akaita kuti sirivha iwanikwe pose pose samatombo muJerusarema uye kuti misidhari iwande semionde yemisikamo mujinga mamakomo.
28 Horses were imported for Solomon from Egypt and from all the lands. Mabhiza aSoromoni akanga atengwa kubva kuIjipiti nokubva kune dzimwe nyika.
29 Solomon's other deeds, first to last—aren't they recorded in the words of Nathan the prophet, Ahijah of Shiloh's prophecy, and the visions of Iddo the seer about Jeroboam son of Nebat? Mamwe mabasa okutonga kwaSoromoni kubva kwokutanga kusvika kwokupedzisira, haana kunyorwa here mubhuku renhoroondo yomuprofita Natani, mashoko akaprofitwa naAhija muShironi nomuzviratidzo zvaIdho muoni pamusoro paJerobhoamu mwanakomana waNebhati?
30 Solomon reigned in Jerusalem over all Israel forty years. Soromoni akatonga muJerusarema pamusoro peIsraeri yose kwamakore makumi mana.
31 Solomon rested with his ancestors, buried in the city of David his father. His son Rehoboam reigned in his place. Ipapo akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake. Uye Rehobhoamu mwanakomana wake akamutevera paumambo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]