Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Chronicles 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Solomon son of David strengthened his hold on his kingdom; our Father was with him, making him very great. Soromoni mwanakomana waDhavhidhi akasimbisa kwazvo ushe hwake, nokuti Jehovha Mwari wake akanga anaye uye akamuita kuti ave mukuru kwazvo.
2 Solomon spoke to all Israel—the commanders of thousands and hundreds, the judges, and every leader in Israel, the family heads. Ipapo Soromoni akataura kuIsraeri yose, kuvatungamiri vezviuru nokuvatungamiri vamazana, kuvatongi nokuvatungamiri vose muIsraeri, vakuru vemhuri,
3 Solomon and the whole assembly went to the high place at Gibeon, where our Father's tent of meeting stood, which Moses, our Father's servant, made in the wilderness. uye Soromoni neungano yose vakaenda kunzvimbo yakakwirira yeGibheoni, nokuti Tende Rokusangana raMwari rakanga ririko, iro rakanga ragadzirwa naMozisi muranda waMwari murenje.
4 But David had brought the ark of our Father up from Kiriath-jearim to the place he prepared for it, pitching a tent for it in Jerusalem. Zvino Dhavhidhi akanga auyisa areka yaMwari kubva kuKiriati Jearimi kunzvimbo yaakanga aigadzirira nokuti akanga aidzikira tende muJerusarema.
5 The bronze altar Bezalel son of Uri, son of Hur, made was there before the tabernacle of our Father; so Solomon and the assembly sought our Father there. Asi aritari yendarira yakanga yagadzirwa naBhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, yakanga iri muGibheoni pamberi peTabhenakeri yaJehovha; saka Soromoni neungano vakandomubvunza ipapo.
6 Solomon went up to the bronze altar before our Father at the tent of meeting and offered 1,000 burnt offerings on it. Soromoni akakwira kuaritari yendarira pamberi paJehovha muTende Rokusangana akandobayira zvipiriso zvinopiswa zvinokwana chiuru pairi.
7 That night our Father appeared to Solomon and said to him, "Ask what I should give you." Usiku ihwohwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni akati kwaari, “Kumbira chose chaungada kuti ndikupe.”
8 Solomon said to our Father, "You showed great covenant love to David my father, and made me king in his place. Soromoni akapindura Mwari akati, “Makaratidza unyoro hwenyu hukuru kwazvo kuna Dhavhidhi baba vangu uye mukandiita mambo pachinzvimbo chavo.
9 Now, my Father, confirm your promise to my father David, for you made me king over a people as many as the earth's dust. Zvino, Jehovha Mwari, itai henyu kuti chivimbiso chenyu kuna baba vangu Dhavhidhi chizadziswe, nokuti makandiita mambo pamusoro pavanhu vakawanda seguruva renyika.
10 Give me wisdom and knowledge now to lead this people, for who can govern this great people of yours?" Ndipeiwo uchenjeri noruzivo, kuti ndigotungamirira vanhu ava, nokuti ndiani angagona kutonga vanhu venyu vakawanda ava?”
11 Our Father said to Solomon, "Because this was in your heart—you asked not for riches, wealth, or honor, nor your enemies' lives, nor long life, but for wisdom and knowledge to govern my people, over whom I made you king, Mwari akati kuna Soromoni, “Sezvo ichi chiri chido chemwoyo wako uye hauna kukumbira upfumi hwakawanda kana kukudzwa, kana kufa kwavavengi vako, uye nokuti hauna kukumbira upenyu hurefu asi uchenjeri noruzivo kuti utonge vanhu vangu avo vandakuita mambo pamusoro pavo,
12 wisdom and knowledge are given you. I will also give you riches, wealth, and honor no king before you had, and none after you will." naizvozvo uchapiwa uchenjeri noruzivo. Uye ini ndichakupawo upfumi, hwakawanda nokukudzwa zvisati zvambowanikwa namadzimambo ose akakutangira zvakare hakunazve mambo achauya shure kwako achava nazvo.”
13 So Solomon went from Gibeon's high place, from before the tent of meeting, to Jerusalem, and reigned over Israel. Ipapo Soromoni akaenda kuJerusarema achibva kunzvimbo yakakwirira paGibheoni, kubva paTende Rokusangana. Uye akatonga Israeri.
14 Solomon gathered chariots and horsemen; he had 1,400 chariots and 12,000 horsemen, which he stationed in the chariot cities and with the king in Jerusalem. Soromoni akazviunganidzira ngoro namabhiza; aiva nengoro chiuru namazana mana, nezviuru gumi nezviviri zvamabhiza, zvaaichengetera mumaguta engoro uye nokuJerusarema kwaaivawo.
15 In Jerusalem the king made silver and gold like stones, and cedar as plentiful as foothill sycamore-figs. Mambo akaita kuti sirivha negoridhe zviwanikwe kwose kwose muJerusarema samatombo uye misidhari ikawanda semionde mujinga mezvikomo.
16 Solomon's horses came from Egypt and Kue; the king's traders bought them from Kue at market price. Mabhiza aSoromoni aitengwa kuIjipiti nokuKuwe, vatengi vamambo vaitenga kubva kuKuwe.
17 They imported a chariot from Egypt for about fifteen pounds of silver, a horse for about four; through them they exported these to all the kings of the Hittites and Aram. Vaitenga ngoro imwe chete kubva kuIjipiti ichiita mashekeri mazana matanhatu esirivha uye bhiza rimwe chete richiita mashekeri zana namakumi mashanu. Ivo vaizoatengeserawo kumadzimambo ose avaHiti navaAramu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]