Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 Chronicles 29 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 David the king told the whole assembly: My son Solomon, the one our Father has chosen, is young and inexperienced, and the task is great, for the temple is not for man but for our Father. Ipapo Mambo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Mwanakomana wangu Soromoni uyo asarudzwa naMwari mudiki uye haasati ava kunyatsogona. Basa iri iguru kwazvo nokuti muzinda uyu hausi womunhu asi ndowaJehovha Mwari.
2 With all my strength I have provided for my Father's house: gold for the gold, silver for the silver, bronze for the bronze, iron for the iron, wood for the wood; onyx stones and stones for settings, stones of antimony and varied colors, every kind of precious stone, and marble in abundance. Nokuwana kwangu kwose ndapa kutemberi yaMwari wangu goridhe pabasa regoridhe, sirivha pabasa resirivha, ndarira pabasa rendarira, simbi pabasa resimbi uye matanda pabasa ramatanda, pamwe chete neonikisi, namabwe okuisa mukati namatombo amavara akasiyana-siyana, namamwe mabwe akaurungana amarudzi ose namamwe machena, zvose izvi zvakawanda kwazvo.
3 Because I delight in my Father's house, I give my personal treasure of gold and silver to my Father's house, beyond all I've provided for the holy house: Pamusoro pezvo mukuzvipira kwangu kutemberi yaMwari wangu zvino ndava kupa upfumi hwangu pachangu hwegoridhe nesirivha kutemberi yaMwari wangu, ndichiwedzera pamusoro pezvose zvandakapa kutemberi iyi tsvene zvinoti:
4 about 112 tons of gold, gold of Ophir, and about 262 tons of refined silver, to overlay the buildings' walls. Matarenda zviuru zvitatu egoridhe (goridhe reOfiri) namatarenda zviuru zvinomwe esirivha yakanatswa yokufukidza madziro edzimba,
5 Gold for the gold, silver for the silver, and every task for craftsmen's hands. Now who is willing to dedicate himself today to our Father? kuitira basa regoridhe, nebasa resirivha uye kuti basa rose riitwe navarume voumhizha. Zvino ndiani anoda kuzvitsaurira kuna Jehovha nhasi!”
6 Then the clan leaders, the tribal leaders of Israel, the commanders of thousands and hundreds, and the officials over the king's work offered willingly. Ipapo vatungamiri vemhuri, vakuru vamarudzi eIsraeri, vatungamiri vezviuru, vatungamiri vamazana namachinda aitungamirira basa ramambo vakapa nomwoyo unoda.
7 For the service of our Father's house, they gave about 188 tons of gold and 10,000 darics, 375 tons of silver, 675 tons of bronze, and 3,750 tons of iron. Vakapa kubasa rapatemberi matarenda zviuru zvishanu namadhariki zviuru gumi egoridhe, matarenda zviuru gumi esirivha, matarenda zviuru gumi nezvisere endarira, namatarenda zviuru zana esimbi.
8 Whoever had precious stones gave them to our Father's house treasury, under Jehiel the Gershonite's care. Ani naani akanga ane matombo anokosha akapa ose kuimba yokuchengeta pfuma yetemberi yaJehovha zvichichengetwa naJehieri muGerishoni.
9 The people rejoiced at their willing gifts, offered freely to our Father with a whole heart; King David also rejoiced greatly. Vanhu vakapembera nomufaro pavakaona kuti vatungamiri vavo vakanga vapa nomwoyo unoda, nokuti vakanga vapa kuna Jehovha vakasununguka uye nomwoyo wose. Mambo Dhavhidhi akafarawo zvikuru.
10 So David blessed our Father before the whole assembly. And David said, "Blessed are you, the Father of Israel our father, from everlasting to everlasting. Dhavhidhi akarumbidza Jehovha pamberi peungano yose achiti, “Rumbidzwai imi Jehovha, Mwari wababa vedu Israeri, kubva kusingaperi kusvika kusingaperi.
11 Yours, our Father, are the greatness, the power, the glory, the victory, and the majesty—for everything in the heavens and on earth is yours. Yours is the kingdom, our Father; you are lifted up as head over all. Ukuru nesimba ndezvenyu, imi Jehovha, kukudzwa noushe nokubwinya, nokuti zvose zviri kudenga napasi ndezvenyu. Umambo ndohwenyu, imi Jehovha munokudzwa somusoro wezvose.
12 Riches and honor come from you; you rule over all. Power and might are in your hand; it is in your hand to make great and to give strength to all. Upfumi nokuremekedzwa zvinobva kwamuri; ndimi mutongi wezvinhu zvose. Mumaoko enyu mune simba noushe kuti musimudzire uye musimbise vanhu vose.
13 And now, our Father, we give thanks to you and praise your glorious name. Zvino, Mwari wedu, tinokuvongai, uye tinorumbidza zita renyu rakanakisa.
14 Who am I, and who are my people, that we could offer so willingly? Everything comes from you—we have only given you what's from your own hand. “Asi ini ndini aniko, uye vanhu vangu ndivanaaniko kuti tingakwanisa kupa zvakawanda kudai? Zvose zvinobva kwamuri, uye tangokupai chete zvinobva mumaoko enyu.
15 We are foreigners and guests before you, as all our ancestors were; our days on earth are like a shadow, with no hope of staying. Tiri vatorwa navapfuuri pamberi penyu, sezvakanga zvakaita madzibaba edu ose. Mazuva edu panyika akaita somumvuri, asina tariro.
16 O our Father, all this wealth we gathered to build you a house for your holy name comes from your hand, and all of it is yours. Imi Jehovha, Mwari wedu, izvi zvose zvakawanda kudai zvatapa kuti temberi yenyu ivakwe nokuda kweZita renyu Dzvene zvinobva muruoko rwenyu uye zvose ndezvenyu.
17 I know, my Father, you test the heart and delight in integrity. In my heart's integrity I have freely given all this, and now I see your people found here, giving to you with joy. Ndinoziva, Mwari wangu, kuti munoedza mwoyo uye munofadzwa nokururama. Zvinhu zvose izvi ndakupai ndichida uye nomwoyo wakatendeka. Uye zvino ndaona ndikafadzwa namapiro aita vanhu venyu vari pano kwamuri nomwoyo unoda.
18 O God of Abraham, Isaac, and Israel, our fathers, keep this intent forever in your people's hearts, and direct their hearts toward you. Imi Jehovha, Mwari wamadzibaba edu Abhurahama, Isaka, naIsraeri, chengetedzai kudokwairira kwakadai mumwoyo yavanhu venyu nokusingaperi, uye muite kuti mwoyo yavo irambe yakazvipira kwamuri.
19 Give my son Solomon a whole heart to keep your commands, testimonies, and statutes, to do all this, and build the temple I have provided for." Uye ipai mwanakomana wangu Soromoni mwoyo wakaperera kuti achengete mirayiro yenyu, zvose zvamunoda nemitemo yenyu uye kuti aite zvose kuti avake muzinda wandagadzirira zvose izvi.”
20 David told the whole assembly, "Bless your Father now." So they all blessed the God of their fathers, bowed their heads, and fell facedown before our Father and the king. Ipapo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Rumbidzai Jehovha Mwari wenyu.” Saka vose vakarumbidza Jehovha, Mwari wamadzibaba avo; vakakotamira pasi vakawira pasi nezviso pamberi paJehovha naMambo.
21 They sacrificed sacrifices to our Father and offered burnt offerings to our Father the next day: 1,000 bulls, 1,000 rams, 1,000 lambs, with their drink offerings, and abundant sacrifices for all Israel. Zuva raitevera vakapa zvipiriso kuna Jehovha vakapa zvipiriso zvinopiswa kwaari zvinoti: hando chiuru, makondobwe chiuru, namakwayana makono chiuru, pamwe chete nezvipiriso zvavo zvokunwa, nezvimwe zvibayiro zvakawanda zveIsraeri.
22 They ate and drank before our Father that day with great joy, made Solomon son of David king again, anointed him ruler for our Father, and Zadok priest. Vakadya uye vakanwa nomufaro mukuru pamberi paJehovha zuva iroro. Ipapo vakazogamuchira Soromoni mwanakomana waDhavhidhi samambo kechipiri, vakamuzodza pamberi paJehovha kuti ave mutongi, uye Zadhoki ave muprista.
23 Solomon sat on our Father's throne as king in place of David his father. He thrived, and all Israel obeyed him. Saka Soromoni akagara pachigaro choushe chaJehovha samambo panzvimbo yababa vake Dhavhidhi. Akabudirira uye Israeri yose yakamuteerera.
24 Also all the leaders and mighty warriors, and also all King David's sons, submitted to King Solomon. Vatungamiri vose pamwe chete navarume voumhare, pamwe chete navanakomana vose vaMambo vaDhavhidhi vakavimbisa kuzviisa pasi paMambo Soromoni.
25 And our Father made Solomon exceedingly great in the sight of all Israel, giving him royal majesty beyond any king before him in Israel. Jehovha akasimudzira Soromoni kwazvo pamberi peIsraeri yose akaisa paari kukudzwa kwoumambo kusina kumbopiwa mumwe mambo weIsraeri akamutangira.
26 David son of Jesse reigned over all Israel. Dhavhidhi mwanakomana waJese aiva mambo pamusoro peIsraeri yose.
27 His reign over Israel lasted forty years—seven in Hebron, thirty-three in Jerusalem. Akatonga Israeri kwamakore makumi mana, manomwe muHebhuroni uye makumi matatu namatatu muJerusarema.
28 He died at a good old age, full of days, wealth, and honor; Solomon his son reigned in his place. Akafa akwegura zvikuru ararama upenyu hurefu, hune upfumi nokukudzwa. Mwanakomana wake Soromoni akamutevera paumambo.
29 Now the acts of King David, first and last, are written in the records of Samuel the seer, the records of Nathan the prophet, and the records of Gad the seer, Kana zviri zvinhu zvakaitika panguva yokutonga kwaMambo Dhavhidhi kubva pakutanga kusvika kumagumo, zvakanyorwa muzvinyorwa zvaSamueri muoni, zvinyorwa zvaNatani muprofita, uye nomuzvinyorwa zvaGadhi muoni,
30 with all his reign and might, and the events that came upon him, Israel, and all the kingdoms of the lands. pamwe chete nenhoroondo dzokutonga kwake, uye nesimba, nezvinhu zvakaitika kwaari iye neIsraeri noumambo hwedzimwe nyika dzose.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]