Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 Chronicles 28 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 David assembled at Jerusalem all Israel's officials: officials of the tribes, commanders of the divisions serving the king, commanders of thousands and hundreds, stewards over all the king's and his sons' property and livestock, with the court officials, the mighty men, and all valiant warriors. Dhavhidhi akarayira vabati veIsraeri vose kuti vaungane paJerusarema: vabati pamusoro pamarudzi, vatungamiri vamapoka aishandira mambo, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana, navabati vaichengeta zvinhu nezvipfuwo zvamambo uye navanakomana vake, pamwe chete navabati vomumuzinda wamambo, varume vane simba nemhare dzose dzakashinga.
2 King David rose to his feet and said, "Listen to me, my brothers and my people. I had it in my heart to build a house of rest for the ark of our Father's covenant, the footstool for his feet, and I prepared to build it. Mambo Dhavhidhi akasimuka akamira akati, “Teererai kwandiri, hama dzangu navanhu vangu. Zvakanga zviri mumwoyo mangu kuti ndivake imba senzvimbo yokuzororera yeareka yesungano yaJehovha, kuti zvive chitsiko chetsoka dzaMwari wedu, uye ndakaita urongwa hwokuivaka.
3 But our Father told me, 'You won't build a house for my name, because you're a man of war who has shed blood.' Asi Mwari akati kwandiri, ‘Iwe hausi kuzovakira Zita rangu imba, nokuti uri murwi uye wakateura ropa.’
4 Yet our Father of Israel chose me, from my whole father's house, to reign over Israel forever. For our Father chose Judah to lead, and within Judah's house, chose my father's house; and of my father's sons he delighted to make me king over all Israel. “Asi Jehovha, Mwari waIsraeri, akandisarudza kubva kumhuri yangu yose kuti ndive mambo pamusoro paIsraeri nokusingaperi. Akasarudza Judha kuti ave mhuri yangu, uye kubva muvanakomana vababa vangu akafadzwa nokundiita mambo pamusoro peIsraeri.
5 Of all my sons—our Father has given me many—he chose Solomon my son to sit on the throne of our Father's kingdom over Israel. Pavanakomana vangu vose, uye Jehovha akandipa vakawanda kwazvo, iye akasarudza mwanakomana wangu Soromoni kuti agare pachigaro choumambo hwaJehovha pamusoro paIsraeri.
6 He told me, 'Solomon your son will build my house and my courts, for I chose him as my son, and I will be his father.' Akati kwandiri, ‘Soromoni mwanakomana wako ndiye achavaka imba yangu nezvivanze zvangu, ndichava baba vake.
7 I will establish his kingdom forever if he stays firm to keep my commands and judgments, as he does today. Ndichasimbisa umambo hwake nokusingaperi kana iye akatsungirira mukuita zvandakarayira nemitemo yangu sezviri kuitwa panguva ino.’
8 "So now, before all Israel, the assembly of our Father, and in his hearing, keep and seek out every command of your Father, so you may possess this good land and leave it to your children after you forever. “Saka zvino ndinokurayira pamberi peIsraeri yose uye napamberi peungano yaJehovha, uye Mwari wedu achinzwa: Chenjerera kuti utevere kurayira kwose kwaJehovha senhaka kuvana vako nokusingaperi.
9 You, Solomon my son, know the God of your father, and serve him with a whole heart and willing mind—our Father searches every heart, understands every plan and thought. Seek him and you'll find him; abandon him and he'll reject you forever. “Newewo mwanakomana wangu Soromoni, ziva Mwari wababa vako, uye umushumire nomwoyo wose uye nepfungwa dzako dzose, nokuti Jehovha anonzvera mwoyo uye anonzwisisa chinangwa chipi nechipi chiri mupfungwa. Ukamutsvaga achawanikwa newe, asi kana ukamurasa, iye achakuramba nokusingaperi.
10 Take note, since our Father chose you to build a house for the sanctuary. Be strong, act." Funga zvino, nokuti Jehovha akusarudza kuti uvake temberi senzvimbo tsvene. Iva nesimba uye uite basa iri.”
11 David gave Solomon his son the plan of the portico of the temple, its buildings, its storerooms, its upper rooms, its inner rooms, and the room of the mercy seat, Ipapo Dhavhidhi akapa mwanakomana wake Soromoni urongwa hwebiravira retemberi, dzimba dzayo, matura ayo, makamuri ayo okumusoro, makamuri ayo omukati uye nenzvimbo yokuyananisira.
12 and the plan of all he had in mind for the courts of our Father's house, for all the surrounding rooms, for the storerooms of his house, and for the storerooms of the dedicated gifts; Akamupa urongwa hwazvose zvakanga zvaiswa noMweya mupfungwa make pamusoro pezvivanze zvetemberi yaJehovha namakamuri ose akapoteredza, pamusoro pamatura epfuma yetemberi yaMwari napamusoro pamatura ezvinhu zvakakumikidzwa.
13 for the divisions of the priests and Levites, for all the work of service in our Father's house, and all the vessels for service in his house. Akamurayira zvokuita pamusoro pamapoka avaprista navaRevhi uye napamusoro pebasa rose rokushumira mutemberi yaJehovha, uyewo napamusoro pemidziyo yaizoshandiswa mubasa rayo.
14 He gave gold by weight for each gold article for every kind of service, and silver by weight for each silver article for every kind of service. Akarayira uremu hwegoridhe remidziyo yose yaizoshandiswa mumhando dzose dzokushumira, nouremu hwesirivha yemidziyo yose yaizoshandiswa mumhando dzose dzokushumira:
15 The weight for the gold lampstands and their gold lamps, the weight of gold for each gold lampstand and its lamps, and the weight of silver for each silver lampstand and its lamps, according to each lampstand's use. Uremu hwegoridhe rezvigadziko zvemwenje zvegoridhe nemwenje yazvo, nouremu hwechigadziko chomwenje chimwe nechimwe, nemwenje yacho, maererano nokushandiswa kwechigadziko chemwenje chimwe nechimwe.
16 Gold's weight for each table of the bread of the Presence; and silver for the silver tables. Uremu hwegoridhe retafura imwe neimwe yechingwa chakatsaurwa; uremu hwesirivha yetafura dzesirivha;
17 The forks, basins, and pitchers of pure gold; the weight for each gold dish; the weight for each silver dish; uremu hwegoridhe rakanatswa reforogo, ndiro dzokusasa nemikombe; uremu hwegoridhe nedhishi rimwe nerimwe regoridhe; uremu hwesirivha yedhishi rimwe nerimwe resirivha;
18 refined gold by weight for the incense altar; gold for the design of the chariot—the cherubim spreading their wings and covering the ark of the covenant of our Father. uye uremu hwegoridhe rakanatswa nearitari yezvinonhuhwira. Akamupawo mufananidzo wengoro iyo ina makerubhi egoridhe akatambanudza mapapiro awo achifukidza areka yesungano yaJehovha.
19 "All this," David said, "I have in writing from our Father's hand, who gave me understanding of all the plan's details." Dhavhidhi akati, “Zvose izvi ndakazviziviswa zvanyorwa noruoko rwaJehovha uye akaita ndinzwisise urongwa hwake hwose.”
20 David told his son Solomon, "Be strong and courageous; do the work. Don't fear or be discouraged, for my Father is with you. He won't fail or abandon you until all the work for the service of the house of our Father is finished. Dhavhidhi akatiwo kumwanakomana wake Soromoni, “Simba utsunge mwoyo, uye uite basa iri. Usatya kana kuora mwoyo, nokuti Jehovha Mwari, Mwari wangu, anewe. Haachazokusiyi kana kukurasa, kusvikira basa rose rokushandira temberi yaJehovha rapera.
21 Look—the priests and Levites are divided, ready for all the service of our Father's house. Every skilled, willing man will join you in any task, with the officials and all the people, fully at your command." Mapoka avaprista navaRevhi akagadzirira kuita basa rose rapatemberi yaMwari, uye murume wose anoda uye ane umhizha hupi nehupi pamabasa amaoko achakubatsira pabasa iri rose. Vabati vose navanhu vose vachateerera kurayira kwako kwose.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]