Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 Chronicles 10 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The Philistines fought Israel; Israel's men fled before them and fell slain on Mount Gilboa. Zvino vaFiristia vakarwisa vaIsraeri; vaIsraeri vakatiza pamberi pavo, vazhinji vakaurayiwa paGomo reGiribhoa.
2 Philistines pursued Saul and his sons, and struck down Jonathan, Abinadab, and Malchishua, sons of Saul. VaFiristia vakatevera Sauro navanakomana vake kwazvo uyezve vakauraya vanakomana vake Jonatani, Abhinadhabhi naMariki-Shua.
3 The fighting grew fierce around Saul; the archers caught up with him and badly wounded him. Hondo yakarwiwa zvinotyisa kumativi ose aSauro uye vapfuri vouta pavakamubata, vakamukuvadza.
4 Saul told his armor-bearer, "Draw your sword, run me through, or these uncircumcised men will come and abuse me." But he refused, afraid. So Saul took the sword himself and fell on it. Sauro akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa, “Vhomora munondo wako undibaye nawo kuti varume ava vasina kudzingiswa varege kuuya vakanditambudza.” Asi mubati wenhumbi dzake dzokurwa akatya kwazvo akasada kuzviita; saka Sauro akatora munondo wake akazviwisira pauri.
5 When his armor-bearer saw that Saul was dead, he too fell on his sword and died. Mubati wenhumbi dzake dzokurwa paakaona kuti Sauro afa, iyewo akazviwisira pamunondo wake akafa.
6 So Saul died, and his three sons, and all his household died together. Saka Sauro navanakomana vake vatatu neimba yake yose vakafa pamwe chete.
7 When the Israelites in the valley saw the army had fled and Saul and his sons were dead, they abandoned their towns and fled. The Philistines came and settled in them. Zvino vaIsraeri vose vakanga vagere pamupata vakati vaona kuti varwi vose vakanga vatiza uye Sauro navanakomana vake vatatu vakanga vafa, vakasiya maguta avo vakatiza. Uye vaFiristia vakauya vakagara maari.
8 Next day, Philistines came to strip the dead and found Saul and his sons fallen on Mount Gilboa. Zuva raitevera, vaFiristia pavakauya kuzokutunura nhumbi dzavakanga vafa; vakawana Sauro navanakomana vake vakafa pagomo reGiribhoa.
9 They stripped him, took his head and armor, and sent messengers throughout Philistine land to proclaim it to their idols and the people. Vakamukutunura nhumbi dzake uye vakatora musoro wake nezvombo zvake vakatuma nhume munyika yose yavaFiristia kuti vandoparadzira shoko iri pakati pavamwari vavo uye navanhu vavo.
10 They put his weapons in their gods' temple and nailed his head in Dagon's temple. Vakaisa zvombo zvake mutemberi yavamwari vavo vakaturika musoro wake mutemberi yaDhagoni.
11 But when all the people of Jabesh-gilead heard everything the Philistines had done to Saul, Vagari vose vomuJabheshi Gireadhi pavakanzwa zvose zvakanga zvaitwa navaFiristia kuna Sauro,
12 all their fighting men set out, took Saul's body and his sons' bodies, brought them to Jabesh, buried their bones under Jabesh's oak, and fasted seven days. mhare dzose dzakasimuka dzikandotora zvitunha zvaSauro, navanakomana vake vakauya nazvo kuJabheshi vakaviga mapfupa avo pamuti mukuru weJabheshi uye vakatsanya kwamazuva manomwe.
13 So Saul died for his unfaithfulness against our Father—he did not keep our Father's word, and even consulted a medium for guidance. Sauro akafa nokuti akanga asina kutendeka kuna Jehovha, haana kuchengeta shoko raJehovha uyezve akandobvunzira kumasvikiro kuti atungamirirwe.
14 He did not seek our Father, so our Father killed him and turned the kingdom over to David son of Jesse. Haana kubvunza kuna Jehovha. Saka Jehovha akamuuraya akapa umambo kuna Dhavhidhi mwanakomana waJese.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]