Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 Chronicles 11 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Then all Israel gathered to David at Hebron, saying, "Look, we are your bone and flesh. VaIsraeri vose vakaungana kuna Dhavhidhi paHebhuroni vakati, “Isu tiri nyama yenyu neropa renyu.
2 Even before, while Saul was king, you led Israel out and back. Your Father told you, 'You will shepherd my people Israel; you will be ruler over my people Israel.'" Kare kunyange Sauro paaiva mambo ndimi maitungamirira Israeri kundorwa. Uye Jehovha Mwari wenyu akati kwamuri, ‘Uchafudza vanhu vangu vaIsraeri uye uchava mutongi wavo.’ ”
3 All Israel's elders came to the king at Hebron, and David made a covenant with them at Hebron before our Father. Then they anointed David king over Israel, as our Father had said through Samuel. Vakuru vose veIsraeri pavakauya kuna mambo Dhavhidhi paHebhuroni, akaita sungano navo paHebhuroni pamberi paJehovha, uye vakazodza Dhavhidhi kuti ave mambo weIsraeri sezvakanga zvavimbiswa naJehovha kubudikidza naSamueri.
4 David and all Israel went to Jerusalem (that is, Jebus), where the Jebusites, its residents, lived. Dhavhidhi navaIsraeri vose vakaenda kuJerusarema (ndiro Jebhusi). VaJebhusi vaigaramo
5 Jebus's people told David, "You won't enter here." But David took the stronghold of Zion—the city of David. vakati kuna Dhavhidhi, “Hamusi kuzopinda muno.” Kunyange zvakadaro Dhavhidhi akatapa nhare yeZioni, Guta raDhavhidhi.
6 David said, "Whoever strikes the Jebusites first becomes head and commander." Joab son of Zeruiah went up first and became head. Dhavhidhi akanga ati, “Achatungamirira kundorwisa vaJebhusi ndiye achava mukuru wavarwi.” Joabhu mwanakomana waZeruya ndiye akatanga kuenda, saka akapiwa utungamiri hwacho.
7 David then settled in the stronghold; that is why it was called the city of David. Dhavhidhi akagara munhare yeZioni, saka rakazodaidzwa kuti Guta raDhavhidhi.
8 He built the city all around, from the Millo to the encircling wall, while Joab restored the rest of the city. Akavaka guta richipoteredza, kubva pamihomba yokutsigira kusvikira kurusvingo rwakanga rwakapoteredza, Joabhu achivaka patsva chimwe chikamu chose cheguta.
9 And David became more and more powerful, for the Father of heaven's armies was with him. Uye Dhavhidhi akaramba achiva nesimba guru nokuti Jehovha Wamasimba Ose aiva naye.
10 These are the chiefs of David's mighty men, who gave him strong support in his kingdom, with all Israel, to make him king, by our Father's word concerning Israel. Ava ndivo vaiva vakuru pakati pavarume voumhare vaiva naDhavhidhi, avo pamwe chete neIsraeri yose, vakatsigira umambo hwake zvakasimba kuti husvike munyika yose sokuvimbisa kwakanga kwaita Jehovha.
11 This is the list of David's mighty men: Jashobeam, a Hachmonite, head of the Three, used his spear to kill 300 men in a single encounter. Aya ndiwo mazita avarume voumhare vaiva naDhavhidhi: Jashobheami, muHakimoni, aiva mukuru wamachinda ehondo; akasimudza pfumo rake akarwa navarume mazana matatu, avo vaakauraya pakurwisana panguva imwe chete.
12 After him, Eleazar son of Dodo the Ahohite, one of the three mighty warriors. Aimutevera ainzi Ereazari mwanakomana waDhodhai muAhohi mumwe wavarume voumhare vatatu.
13 He was with David at Pas-dammim when Philistines gathered there for battle, in a field full of barley; the people fled from the Philistines, Aiva naDhavhidhi paPasi Dhamimi vaFiristia pavakaungana ipapo kuzorwa. Pane imwe nzvimbo paiva nomunda wakanga uzere nebhari, varwi vakatiza vaFiristia.
14 but they stood their ground in the middle of the field, defended it, and struck down the Philistines; our Father saved them with a great victory. Asi ivo vakaramba vamire pakati pomunda vakaurwira vakauraya vaFiristia uye Jehovha akaita kuti vakunde nokukunda kukuru.
15 Three of the thirty top warriors went down to David at the rock by Adullam's cave, while a Philistine unit camped in the Rephaim Valley. Vatatu pakati pamakumi matatu avakuru vakaburukira kuna Dhavhidhi kuDombo pabako reAdhurami, uye hondo yavaFiristia yakanga yadzika matende muMupata weRefaimi.
16 At that time David was in the stronghold, and a Philistine garrison was at Bethlehem. Panguva iyoyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye boka rehondo yavaFiristia rakanga riri paBheterehema.
17 David craved water: "If only someone would get me a drink from Bethlehem's well by the gate!" Dhavhidhi akanzwa nyota akati, “Haiwa, dai mumwe munhu ainondicherera mvura yokunwa kubva mutsime riri pedyo nesuo reBheterehema!”
18 The three broke through the Philistine camp, drew water from Bethlehem's well by the gate, and brought it to David. But he wouldn't drink it—he poured it out to our Father. Saka Vatatu ava vakapinda napakati pehondo dzavaFiristia, vakachera mvura kubva mutsime raiva pedyo nesuo reBheterehema vakaenda nayo kuna Dhavhidhi. Asi akaramba kuinwa akaidururira pasi pamberi paJehovha.
19 He said, "May my Father forbid it! Should I drink the blood of men who put their lives at risk? They brought it by risking their lives." So he refused to drink it. These were the deeds of the three warriors. Dhavhidhi akati, “Mwari ngaandidzivise ndiregere kunwa izvi! Ndinganwa here ropa ravarume ava vaenda vachiisa upenyu hwavo panjodzi?” Nokuti vakaisa upenyu hwavo panjodzi kuti vadzoke vanayo, Dhavhidhi akaramba kuinwa. Aya ndiwo mamwe amabasa okukunda akaitwa navarume voumhare vatatu.
20 Abishai the brother of Joab was chief of the Thirty. He used his spear to kill 300 men, and he made a name for himself among the Three. Abhishai mununʼuna waJoabhu akanga ari mukuru waVatatu Ava. Akasimudza pfumo rake kuti arwise varume mazana matatu, akavauraya, uye akava nomukurumbira saVatatu Vaya.
21 Most honored of the Thirty, he became their commander—yet not one of the Three. Akaremekedzwa zvakapetwa kaviri pamusoro paVatatu Vaya uye akaitwa mutungamiri wavo, kunyange zvazvo akanga asina kuverengerwa pakati pavo.
22 Benaiah son of Jehoiada, a valiant man from Kabzeel, did great deeds: he struck down two of Moab's mightiest, and went down into a pit on a snowy day and killed a lion. Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva murwi woumhare aibva kuKabhizeeri, akaita mabasa makuru. Akauraya mhare mbiri dzapamusoro dzavaMoabhu. Akapindawo mugomba mumwe musi kuine chando akauraya shumba.
23 He also killed an Egyptian, a man of great size, about seven and a half feet tall, who had a spear like a weaver's beam. Benaiah went at him with a club, tore the spear from the Egyptian's hand, and killed him with his own spear. Uye akauraya muIjipita akanga akareba makubhiti mashanu. Kunyange zvazvo muIjipita akanga akapakata pfumo rainge tsvimbo yomuruki muruoko rwake, Bhenaya akamurwisa netsvimbo. Akabvuta pfumo kubva muruoko rwomuIjipita akamuuraya nepfumo rake.
24 These were Benaiah son of Jehoiada's deeds; he gained a name among the three mighty men. Aya ndiwo aiva mabasa aBhenaya mwanakomana waJehoyadha; naiyewo akaita mukurumbira savarume vatatu voumhare.
25 He was honored above the Thirty, but not among the Three. David put him in charge of his own guard. Akakudzwa nokuremekedzwa kukuru kupfuura Vaya Makumi Matatu, asi akanga asiri pakati paVatatu Vaya. Uye Dhavhidhi akamuita mutariri wavarindi vake.
26 The mighty warriors were: Asahel the brother of Joab, Elhanan son of Dodo of Bethlehem, Varume voumhare vaiva: Asaheri mununʼuna waJoabhu, Erihanani mwanakomana waDhodho aibva kuBheterehema.
27 Shammoth the Harorite, Helez the Pelonite, Shamoti muHarori, Herezi muPeroni,
28 Ira son of Ikkesh of Tekoa, Abiezer of Anathoth, Ira mwanakomana waIkeshi aibva kuTekoa, Abhiezeri aibva kuAnatoti,
29 Sibbecai the Hushathite, Ilai the Ahohite, Sibhekai muHushati, Irai muAhohi,
30 Maharai of Netophah, Heled son of Baanah of Netophah, Maharai muNetofati, Heredhi mwanakomana waBhaana muNetofati,
31 Ithai son of Ribai of Gibeah of the Benjaminites, Benaiah of Pirathon, Itai mwanakomana waRibhai aibva kuGibhea muBhenjamini, Bhenaya muPiratoni,
32 Hurai of the brooks of Gaash, Abiel the Arbathite, Hurai aibva kuhova dzeGaashi, Abhieri muAribhati,
33 Azmaveth of Baharum, Eliahba the Shaalbonite, Azimavheti muBhaharumi, Eriabha muShaaribhoni,
34 the sons of Hashem the Gizonite, Jonathan son of Shagee the Hararite, vanakomana vaHashemi muGizoni, Jonatani mwanakomana waShage muHarari,
35 Ahiam son of Sachar the Hararite, Eliphal son of Ur, Ahiami mwanakomana waSaka muHarari, Erifari mwanakomana waUri,
36 Hepher the Mecherathite, Ahijah the Pelonite, Heferi muMekerati, Ahija muPeroni,
37 Hezro of Carmel, Naarai son of Ezbai, Heziro muKarimeri, Naarai mwanakomana waEzibhai,
38 Joel the brother of Nathan, Mibhar son of Hagri, Joere mununʼuna waNatani, Mibha mwanakomana waHagiri,
39 Zelek the Ammonite, Naharai of Beeroth, the armor-bearer of Joab son of Zeruiah, Zereki muAmoni, Naharai muBheroti, mubati wenhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya,
40 Ira the Ithrite, Gareb the Ithrite, Ira muItiri, Garebhi muItiri,
41 Uriah the Hittite, Zabad son of Ahlai, Uria muHiti, Zabhadhi mwanakomana waArai,
42 Adina son of Shiza the Reubenite, a leader of the Reubenites, and thirty with him, Adhina mwanakomana waShiza muRubheni iye aiva mukuru wavaRubheni, navaya makumi matatu, vaaiva navo,
43 Hanan son of Maacah, Joshaphat the Mithnite, Hanani mwanakomana waMaaka, Joshafati muMitini,
44 Uzzia the Ashterathite, Shama and Jeiel the sons of Hotham the Aroerite, Uzia muAshiterati, Shama naJeyeri vanakomana vaHotamu muAroeri,
45 Jediael son of Shimri, and Joha his brother, the Tizite, Jedhieri mwanakomana waShimiri, mununʼuna wake Joha muTizi,
46 Eliel the Mahavite, Jeribai and Joshaviah the sons of Elnaam, Ithmah the Moabite, Erieri muMahavhi, Jeribhai naJoshavhia vanakomana vaErinaami, Itima muMoabhu,
47 Eliel, Obed, and Jaasiel the Mezobaite. Erieri, Obhedhi naJaasieri muMezobhai.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]