Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Romans 2 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 So you have no excuse, whoever you are, when you judge another—in judging them you condemn yourself, since you do the same things. Saka haunai chokunenera, iwepa munhu unotonga umwe, ndava chese chaunotongera umwe uri kutozvitonga wega, ndava iwepa unoisa mutongo unoita zvibodzi bodzi.
2 Now we know that our Father's judgment rightly falls on those who do such things. Zvino tinoziva kuti mutongo waMwari pamusoro paivo vanoita zvinhu zvakarezvi uri pachokwadi.
3 Do you think, whoever judges others for such things while doing them yourself, that you'll escape our Father's judgment? Saka iwe munhu unotonga vanoita zvakarezvo asi iwepa uchiitawo zvibodzi bodzizvo, unofunga kuti unopunyuka mutongo waMwari nai?
4 Or do you despise the riches of his kindness and restraint and patience, not realizing that our Father's kindness is meant to lead you to repentance? Kana kutoti uri kutozvidza pfuma yokunaka kwache, nomwoyo murefu wache usingazive kuti kunaka kwaMwari kunokutungamirira pakupinduka?
5 But because of your hard, unrepentant heart, you are storing up wrath for yourself, for the day of wrath when our Father's righteous judgment will be revealed. Asi nondava yomutindi wako nomwoyo wako usingapinduke, uri kuzvichengetera ukari pazuva roukari hwaMwari, pachanangidziwa kutonga kwache kwokururama.
6 He will repay each person according to what they have done. Mwari achapasa munhu wese maererano nozvaadoita.
7 To those who through persistent good work seek glory, honor, and immortality, he will give eternal life. Avo vano mwoyo murefu pakuita zvidonaka ndivo vanotsvaga kubhwinya, kuremekedzewa nokusapfa, ndivo vaachapasa upenyu husingapere.
8 But those who are self-seeking, reject the truth, and follow wickedness face wrath and rage. Asi vaye vanozvitsvagira zvavo vachiramba chokwadi nokutevera zvidoipa, vachaitihwa ukari nohasha.
9 Trouble and distress for everyone who does evil—the Jew first, then the Greek, Pachava nonhamu nokushupika kumunhu wese anoita zvidoipa, kuthanga nomuJudha kwodzouyawo vodzimwe Ndudzi,
10 but glory, honor, and peace for all who do good—Jew first, then Greek too. asi kubhwinya, kuremekedzewa norunyararo kumunhu wese anoita zvidonaka, kuthanga nomuJudha, tevere wodzimwe Ndudzi.
11 For our Father shows no favoritism. Ndava Mwari haanai tsvete.
12 Sinners without the law also perish without it; sinners under the law will be judged by it. Vese vanotadza vasinai mutemo vachapararawo pasinai mutemo, novese vanotadza vari pasi pomutemo vachatongewa nomutemo.
13 For not those who hear the law are righteous before our Father, but those who obey it will be justified. Ndava havasi vaye vanonzva mutemo vadorurama pamberi Mwari, asi mbaye vanoteerera mutemo ndivo vachanzi vadorurama.
14 Indeed, when Gentiles, who do not have the law, do by nature what the law requires, the law is at work within them, even though they do not have the law. Ndizvo kuti vodzimwe Ndudzi, vasinai mutemo, kana muunhu hwavo vakaita zvinhu zvinodiwa nomutemo wava mutemo kwavari, kana nepo mutemo wacho vasinai,
15 They show the law's work written on their hearts, their conscience bearing witness, and their conflicting thoughts accusing or defending them. sezvo vachinangidza kuti zvinodiwa nomutemo zvidonyohwa pamwoyo yavo, hana yavo ichivapupurira, nopfungwa dzavo dzichiti pamwe dzinovanenera mhosva pamwe dzinovareverera.
16 This happens on the day our Father judges everyone's secrets through Jesus Christ—so my gospel says. Zvakarezvi zvichaitika pazuva iro Mwari raachatonga zvidohwanzika zvovanhu kuburikidza naJesu Khirisitu, sezvinorehwa novhangeri rangu.
17 But if you call yourself a Jew, rely on the law, and boast in our Father, Zvino iwewe kana uchizvidaidza kuti muJudha, udotsamira pamutemo uchizvitutumadza nokuda kwoukama hwako naMwari,
18 if you know our Father's will and approve what is excellent because you are instructed by the law, uchiziva kuda kwache nokupatsanura zvidokodzera nondava yokuti udoraihwa nomutemo,
19 if you're convinced you are a guide for the blind, a light for those in darkness, kana unochokwadi chokuti uri mutungamiri womarombe, nochiedza choavo vari murima,
20 a corrector of the foolish, teacher of the immature, holding in the law the shape of knowledge and truth. murairiri womadzemwa, mudzidzisi wovana, ndava mumutemo muno zvese, ruzivo nochokwadi.
21 You teach others—do you not teach yourself? You preach against stealing—do you steal? Zvino iwepa unodzidzisa vamwe, hauzvidzidzisewo nai? Iwepa unoparidza uchirambidza kuba, ndiwe womboba kamu?
22 You who tell others not to commit adultery—do you commit it? You who detest idols—do you rob temples? Iwepa unoti vanhu havafanire kuita upombwe, ndiwe wombopomba kamu? Iwepa unosema zvifananidzo, ndiwe kamu unoba zvomuimba yaMwari?
23 You who boast in the law, do you dishonor our Father by breaking the law? Iwepa unozvitutumadza nokuda kwomutemo, ndiwe unozvidza Mwari nokuchora kwaunoita mutemo kamu?
24 As it is written: "Our Father's name is blasphemed among the nations because of you." Sekunyohwa kwazvidoitiwa kuti, “Zita raMwari rinoshohwa pakati povasiri maJudha nondava yenyu.”
25 Circumcision helps if you keep the law; break it, and your circumcision becomes being uncircumcised. Kuchecheudziwa kudokosha kana uchichengeta mutemo, asi kana uchichora mutemo, wandoita kunge usinai kuchecheudziwa.
26 So if the uncircumcised keep the law's requirements, won't their uncircumcision be counted as circumcision? Kana vasinai kuchecheudziwa vakachengeta zvinodiwa nomutemo, vangareke nai kutohwa kunge vaye vadochecheudziwa?
27 The physically uncircumcised who keep the law will judge you who, with the letter and circumcision, break the law. Munhu asinai kuchecheudziwa panyama asi achiteerera mutemo achakupasa mhosva iwewe udochecheudziwa uye uno chinyohwa, asi uchichora mutemo.
28 For being a Jew isn't merely about the outside, nor circumcision merely about the body. Munhu haasi muJudha kana uJudha hwache huri hwokunze basi, nokuchecheudziwa hakusi iko kana kuri kwonyama, kwokunze.
29 Rather, one is a Jew inwardly, circumcision being of the heart, by the Spirit, not the written code; that one's praise is not from people but from our Father. MuJudha nguye ari muJudha mukati, nokuchecheudziwa nghuye kwomwoyo kunoitiwa pamweya aikona kwochaiko. Kurumbidziwa kwomunhu adodai kunobvaba kuvanhu asi kuna Mwari.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]