Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Romans 1 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 Paul, a servant of Christ Jesus, called to be an apostle, set apart for the gospel of our Father, Phauro muranda waJesu Khirisitu, adodaidziwa kuti ave nhumwa, adokamurihwa vhangeri raMwari
2 the gospel he promised beforehand through his prophets in the holy Scriptures, raadogara wavimbisa kare kuburikidza novaporofiti vache muMagwaro Matsvene,
3 concerning his Son, who in his earthly life was descended from David, pamusoro poMwanakomana wache, anova mwana waDhavhiti panyama,
4 and was declared to be the Son of our Father in power according to the Spirit of holiness by his resurrection from the dead—Jesus Christ our Lord. adozivisiwa nosimba kuburikidza noMweya woutsvene kuti ndiye Mwanakomana waMwari nokumuka kwaadoita kubva kuvadopfa, iye Jesu Khirisitu Ishe wedu.
5 Through him we received grace and apostleship for the obedience of faith among all the nations, for his name's sake, Kuburikidza naye tidotambira mutsa nounhumwa kuti tidaidze vanhu kubva pakati povese vasiri vaJudha kuti vauye pakuteerera kunobva pakutenda.
6 and you also are among those called to belong to Jesus Christ. Naimimiwo muri pakati paivo vadodaidziwa kuti vave vaJesu Khirisitu.
7 To all in Rome, loved by our Father and called his holy people: Grace to you and peace from our Father and the Lord Jesus Christ. Kunovese vari kuRoma vadodiwa naMwari vadodaidziwa kuti vave vatsvene. Mutsa norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe wedu Jesu Khirisitu mbazvive kwamuri.
8 First, I thank my Father through Jesus Christ for all of you, since your faith is reported worldwide. Kuthanga, ndinotenda Mwari wangu kuburikidza naJesu Khirisitu nondava yenyu mese, ndava kutenda kwenyu kuri kutauhwa munyika dzese.
9 For our Father is my witness, whom I serve with my spirit in the gospel of his Son, that I constantly remember you in my prayers, Mwari wandinoshumira nomwoyo wangu wese pakuparidza vhangeri roMwanakomana wache, ndiye chapupu changu kuti ndinogara ndichikufungai
10 asking that somehow by our Father's will I may now at last succeed in coming to you. nguwa dzese muminamato yangu, futi ndinonamata kuti dai zvino kwava kuda kwaMwari kuti nzira indivhurikire ndibudirire kuuya kwamuri.
11 For I long to see you, to share a spiritual gift that strengthens you, Ndinosuva kukuonai kuitira kuti ndikupungurirei chimwe chipo chomweya chikusimbisei.
12 that is, that we may be mutually encouraged by each other's faith, both yours and mine. ndiko kuti, imipa nainini tikurudzirane pakutenda.
13 I want you to know, brothers and sisters: I often planned to visit you, but was kept from it until now—to reap some harvest among you too, as among the rest of the nations. Handidi kuti murekere kuziva, hama, kuti kazinji ndaironga kuuya kwamuri (asi ndaitadzisiwa kuzviita kusvikira zvino) kuitira kuti ndivewo nochokukohwa pakati penyu sezvandidoita pakati podzimwe Ndudzi.
14 I'm obligated to Greeks and non-Greeks, to wise and foolish. Ndiri musungwa kunovese vaGiriki novasiri vaGiriki, kuno vadochenjera novadozungaira.
15 So I am eager to preach the gospel to you also who are in Rome. Ndicho chikonzero ndichida kuparidza vhangeri kwamuriwo vari kuRoma.
16 I'm not ashamed of the gospel—it is our Father's power for salvation to everyone who believes, to the Jew first, and also the Greek. Handinyare kuparidza vhangeri nokuti isimba raMwari rokuponesa anotenda: kuthanga nomuJudha tevere wodzimwe Ndudzi.
17 For in it our Father's righteousness is revealed, from faith to faith, as it is written: "The righteous will live by faith." Ndava muvhangeri kururama kunobva kuna Mwari kudoisiwa pachenu, kururama kunouya nokutenda kubva pamavambo kusvika pamagumo, sekunyohwa kwazvidoitiwa, “Adorurama achararama nokuenda.”
18 For our Father's wrath is revealed from heaven against all human godlessness and injustice, people who suppress the truth by injustice. Ndava ukari hwaMwari hudonangidziwa kubva kudenga pamusoro pokurega kunamata Mwari kwese nokuipa kwovanhu vanotsikirira chokwadi nokuipa kwavo,
19 What can be known about our Father is evident to them, for he has made it evident to them. sezvo zvingade kuzikana pamusoro paMwari zviri pachenu kwavari, ndava Mwari adozvinangidza kwavari.
20 Since the world's creation, his invisible qualities—eternal power and divine nature—are clearly seen, understood from what he made. So they have no excuse. Ndava kubva pakusikiwa kwonyika umwari hwache husingaoneke, iro simba rokusingapere roumwari hwache, rinooneka zvidojeka, nokunzvitsitsika kubva pazvinhu zvaadoita, kuitira kuti vanhu vasaye chokunenera.
21 Though they knew our Father, they didn't honor him as God or thank him—instead their thinking became empty, and their senseless hearts grew dark. Ndava kana nepo vaiziva Mwari, havanai kumukudza saMwari kana kumbomutendawo nikisi, asi kufunga kwavo kudoita chidzimira nomwoyo yavo youdzemwa idoita rima.
22 Claiming to be wise, they became fools, Kana zvavo vaiti tidochenjera, vadova madzemwa
23 and exchanged our immortal Father's glory for images shaped like mortal man and birds and animals and reptiles. vadotsinhanisa kubhwinya kwaMwari asingapfe nozvifananidzo zvidoumbiwa kunge munhu kana tushiri nomhuka nozvinosvova.
24 So our Father gave them over to their hearts' desires, to impurity, dishonoring their bodies among themselves, Saka Mwari adovasiya vari muzvido zvokutadza kwomwoyo yavo nokutsambwa dzoupombwe vachiita pakati pavo zvinozvidza miviri yavo.
25 because they traded the truth about our Father for a lie, worshiping and serving the creation instead of the Creator, who is blessed forever. Amen. Vadotsinhanisa chokwadi chaMwari nomabwodo, ndokunamata nokushumira zvisikwa panzvimbo yoMusiki, anorumbidziwa nokusingapere Ameni.
26 Because of this, our Father gave them over to shameful desires. Their women exchanged natural relations for unnatural ones. Nochikonzero chakarechi, Mwari adovasiya vari pakuchiva kunonyadzisa. Zvokuti novakadzi vavo vadotsinhanisa ukama hwochisikihwo vachitora hwavasinai kusikihwa.
27 Likewise, men too abandoned natural relations with women, burning with lust for each other—men committing indecency with men, and receiving in themselves the penalty their error deserved. Nonzira ibodzi bodziyo varume vadosiyawo ukama hudosikiwa kuti huve pakati pavo novakadzi ndokubva vapfiririra kudanana vega vega. Varume vachiita zvisinai mutsigo novarumebiyavo, muunhu hwavo vachitambira mubairo wouyanga hwavo.
28 Since they refused to keep our Father in their knowledge, he handed them over to an unfit mind, to do improper things. Pamusoro paizvozvo, sezvo vasinai kuona zvidokodzera kuti vachengetedze kuziva Mwari, saka Mwari adovareka vanopfungwa idofuririka inovakweerera kuita zvisingafanire kuitiwa.
29 They were filled with all injustice, evil, greed, and malice; full of envy, murder, conflict, deceit, and spite; they are gossips, Vadozaziwa nokuipa kwomarudzi yese, kunyangadza, nhafu noutadzi. Vadozara noruchiva, umhondi, mungu, unyengeri nokunyangarihwa. Vanomakuhwa,
30 slanderers, haters of our Father, insolent, arrogant, boastful, inventors of evil, disobedient to their parents, vanofudza, vanozonda Mwari, vanomhanda, vanozvitutumadza vanomutindi, vanorukha nzira dzokuita nadzo zvidoipa, vasingateerere vabereki,
31 foolish, faithless, heartless, ruthless. havafunge, havanai kutenda, havanai rudo, vanocheni.
32 Though they know our Father's righteous decree that those who do such things deserve death, they not only do them but applaud those who do them. Kana nepo vaiziva chirevo chaMwari chokururama chokuti avo vanoita zvinhu zvidodaro vanofanira ipfa, havasi kundoramba vachiita zvinhu zvakarezvo basi asi vanotobvumirana novanozviita vacho.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]