Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Acts 28 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 Once we were brought safely through, we learned that the island was called Malta. Mumasure mokupukunyuka kwedu, tidodzoziva kuti chitsuwa changa chichiitiwa Merita.
2 Local people showed us unusual kindness: they lit a fire and welcomed us all, since rain had started and it was cold. Uye vagari vopakarepo vadotiitira tsitsi dzidonyanya, ndava vadobatidza moto ndokutikokera tese, nokuti kwanga kwathanga kuna uye kwaakutonhora.
3 When Paul gathered a bundle of sticks and put them on the fire, a viper came out from the heat and fastened onto his hand. Phauro wanga waunganidza kasvinga kohuni ndokuisa pamoto, padobva pabirika nyoka nokuda kwokupisa ndokumuruma pajanja rache.
4 Seeing the creature hanging from his hand, the natives said to each other, "This man must be a murderer—though he escaped the sea, Justice won't let him live." Vagari vopanzvimbo yakareyo pavadoona nyokayo yarembera pajanja rache, vadonyairirana vachiti, “Munhu wakareyu imhondi, saka kunyange wapukunyuka zvache kubva pagungwa, kuenzanisa kwamubvumiraba kuchira.”
5 But he shook the creature off into the fire and suffered no harm. Asi zvidodaipo zvazvene Phauro adozunzira nyokayo mumoto futi haanai kunzva kudzimba kudomutambudza nokuti haanai kukuwadziwa.
6 They expected him to swell up or suddenly fall dead. But after watching a long time and seeing nothing wrong happen to him, they changed their minds, calling him a god. Vadomirira, vachimufungira kuti achazvimba kana kundoerekana wakomoka achipfa, asi pavadomirira nguwa irefu vachiona pasinai zvidonyangara zvichiitika kwaari, vadosandura mafungiro yavo, ndokubva vati ndimwari.
7 Near that place were estates belonging to the island's chief official, named Publius, who welcomed us and hosted us kindly for three days. Zvino papfupi nonzvimbo yakareyo kwaiva nonzvimbo yomurume waiva mukuru wochitsuwa, waiitiwa Pabhiriyasi, adotitambira nokutivaraidza zvokwabhwino kwomazuva matatu.
8 Publius's father lay sick with fever and dysentery. Paul went in, prayed, laid hands on him, and healed him. Zvidoitika kuti baba vache Pabhiriyasi vanga vadoenzera vachihwara nomuiri nokuita manyoka, saka Phauro adopinda makaremo ndokunamata, adoturika manja yache pavari ndokuvaporesa.
9 After this, the rest of the sick on the island came and were healed. Pazvidoitika zvakarezvi, vanhu vese vopachitsuwa vanga vachihwara vadouya ndokuporesewa.
10 They paid us many honors, and when we sailed, loaded us with everything we needed. Vadotipasa zvipo zvidowanda, patanga taakuenda, vadotirongedzera zvese zvataida.
11 After three months we sailed in an Alexandrian ship that had wintered at the island, marked with the Twin Brothers. Mumasure momwedzi mitatu tidopinda muchikepe changa chapedza mwaka womhepo chiri muchitsuwa, chikepe chokuArekizandiriya, chidoisiwa mufananidzo womusoro wovakomana mambasa.
12 We put in at Syracuse and stayed there three days. Patidoenzera paSairakasi, tidogara pakarepo kwomazuva matatu.
13 From there we sailed around and arrived at Rhegium. A day later a south wind rose, and on the second day we reached Puteoli. Uye kubva pakarepo tidotenderera ndokusvika paRejiyamu, mumasure mozuva ribodzi duthu rokuchamhembe ridosumuka, zvino pazuva rochipiri tidosvika paPuteyori.
14 There we found brothers and sisters and were urged to stay with them seven days; so we came to Rome. Pakarepo tidowana hama, ndokubva takokewa kuti tigare navo mazuva manomwe. Saka tidosvika kuRoma.
15 The brothers and sisters there heard about us and came to meet us as far as the Forum of Appius and Three Taverns. Seeing them, Paul thanked our Father and took courage. Ipopo hama dzomakaremo, padzidonzva pamusoro pedu, vadouya kudzosangana naisisu vachibva kurefurefu sekuguta raApiyasi nomaguta matatu yaidaidziwa kuti yokutandarira. Phauro paadovaona adotenda Mwari futi zvidomusimbisa.
16 When we entered Rome, Paul was allowed to stay by himself, with the soldier who guarded him. Patidosvika muRoma, Phauro adotendehwa kuti agare wega, adochengetedzewa nomuuto.
17 Three days later he gathered the Jewish leaders. When they assembled, he said to them, "Brothers, though I'd done nothing against our people or our ancestors' customs, I was handed over as a prisoner from Jerusalem into Roman hands. Kwapera mazuva matatu adodaidza pabodzi vatungamiri vovaJudha vomunzvimbo yakareyo, zvino pavadoungana, adoti kwavari, “Hama, kana ndisinai chandidoita ndichitadzira vanhu kana tsika dzomadzibaba vedu, asi zvidodaipo ndidoperekewa mumanja yovaRoma ndiri musungwa kubva kuJerusarema.
18 After examining me, they wanted to release me, since I had no charge deserving death. Pavadondiongorora, vadoda kundisunungura, ndava panga pasinai chikonzero chokuti ndipfe pamurandu wangu.
19 When the Jews objected, I was forced to appeal to Caesar—though I had no charge to bring against my nation. Asi vaJudha pavadopikisa, ndidomanikidzihwa kukwidza nyaya kuna Siza kana pasinai chinhu chandinomhangarira rudzi rangu.
20 That's why I asked to see and speak with you—I wear this chain because of Israel's hope." Nochikonzero chakarechi ndakumbira kuti ndikuonei nokunyaira naimimi, nokuti nochikonzero chotariro yovaIzirairi ndidosungiwa nongetani dzakaredzi.”
21 They said to him: "We received no letters from Judea about you, nor has any brother who came reported or said anything bad about you. Saka vadoti kwaari, “Hatinai kutambira tsamba kubva kuJudhiya pamusoro pako, futi pahama dzese dziri kuuya kuno hapanai adopasa upfakazi kana kunyaira zvidonyangara pamusoro pako.
22 We'd like to hear what you think, since we know this sect is spoken against everywhere." Asi tinoda kunzva kwauri kuti maonero yako njapi, nokuti pamusoro poboka rakareri tinoziva kuti kwesekwese riri kutauriwa zvokuripikisa,”
23 They set a day and came to his lodging in greater numbers. From morning to evening he explained, testifying about the kingdom of our Father and trying to persuade them about Jesus from the Law of Moses and the Prophets. Pavadosarudza zuva rache, vadodzoenda vadowanda kwaanga achigara. Zvino adotsanangura nyaya kwavari kubva mangwanani kusvika mauro, achipa upfakazi hwoumambo hwaMwari nokuedza kuvatendesa pamusoro paJesu zvichibva pamutemo waMozisi novaporofiti.
24 Some were convinced by what he said, but others would not believe. Asi vamwe vadotendesewa nozvaadonyaira, ukuwo vamwe havanai kutenda.
25 Disagreeing among themselves, they left after Paul added one final word: "The Holy Spirit spoke rightly to your ancestors through Isaiah the prophet, saying, Saka, pavasinai kuwirirana pachavo, vadobirika, Phauro paanga wanyaira zvokuti, “Mweya Mutsvene wanga adokohoroka mukunyaira kumadzibaba yenyu kuburikidza namuporofiti Isaya.
26 "'Go to this people and say: You will indeed hear but never understand, and you will indeed see but never perceive. Paadoti, ‘Enda kuvanhu vakareva uti kwavari, Muchanzva chaizvo asi musinganzvitsitse, futi muchaona asi musingaonetsetse,
27 For this people's heart has grown dull, and their ears are hard of hearing, and they have closed their eyes—otherwise they might see with their eyes, and hear with their ears, and understand with their heart, and turn, and I would heal them.' nokuti mwoyo yovanhu vakareva yatindivara, nonzeve dzavo dzaneta kunzva futi vatsinzina meso yavo. Nokuti vangadzoona nomeso yavo, nokunzva nonzeve dzavo, nokunzvitsitsa nomwoyo yavo, vodzopindukira kwandiri, kuti ndivaporese.’”
28 So know: our Father's salvation was sent to the nations—they will listen." Mbazvizikane kwamuri kuti irori ruponiso raMwari ridotumihwa yamwe marudzi, vachatetekera.
29 Not in this edition Paadonyaira mashoko yakareya, maJudha vadobirika ndokuthanga kupikisana pachavo.
30 He stayed two whole years in his own rented place and welcomed all who came to him, Uye adogara pakarepo makore mairi yadozara achizviriritira mumba mache, nokutambira vese vaiuya kwaari,
31 proclaiming our Father's kingdom and teaching about the Lord Jesus Christ, boldly and unhindered. achiparidza umambo hwaMwari nokudzidzisa pamusoro paIshe Jesu Khirisitu zviri pachenu uye asingatadzisiwe.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]