Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Philemon 1 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 Paul, a prisoner of Christ Jesus, and Timothy our brother, to Philemon, our dear friend and co-worker, Phauro, musungwa nokuda kwaKhirisitu Jesu, naTimoti hama yedu, Kuna Firimoni mudikani wedu watinoshanda naye
2 and to our sister Apphia, our fellow soldier Archippus, and the church that meets in your house: naAfiya hanzvadzi yedu nokunaAkipasi muhwi pabodzi naisisu, nokukherekhe iri mumba mako.
3 Grace and peace to you from our Father and the Lord Jesus Christ. Mutsa norunyararo zvinobva kunaMwari Baba vedu naIshe Jesu Khirisitu.
4 I always thank my Father as I remember you in my prayers, Ndinotenda Mwari wangu nguwa dzese pandinokurangarira muminamato yangu,
5 because I hear of your love and faith in the Lord Jesus and for all his holy people. ndava ndinonzva zvorudo rako nozvokutenda kwaunako muna Ishe Jesu nokuvatsvene vese,
6 I pray your shared faith becomes effective as you come to understand every good thing we have in Christ. uye ndinonamata kuti kukovera kwako kutenda kusumudzire kuzikana kwozvidonaka zvese zvinova zvedu muna Khirisitu.
7 Your love has brought me great joy and comfort, brother, since you've refreshed the hearts of his holy people. Nokuti ndidowana mufaro mukuru nokunyaradziwa kubva parudo rako, hama yangu, ndava mwoyo yovatsvene idovandudziwa nokuda kwako.
8 Therefore, although in Christ I am bold enough to command you to do what is right, Zvidondodaro, kunyange ndinochivindi muna Khirisitu chokukuraira kuti uite zvinodiwa,
9 instead, for love's sake I appeal—I, Paul, an old man, now also a prisoner of Christ Jesus. asi nondava yokuti ndinokuda ndinotoita zvokukukumbira inipano Phauro, mumiririri pakare musungwa iyezvino nokuda kwaKhirisitu Jesu.
10 I appeal to you for my child Onesimus, whose father I became while I was in chains. Ndinokumbira kwauri nokuda kwomwana wangu, Onesimasi, wandidova baba vache muusungwa hwangu,
11 He was once useless to you, but now is useful to you and me. kare wanga asingakubatsire, asi iyezvino anobatsira tese iwewe nainini.
12 I am sending him back to you—and in doing so I am sending my very heart. Ndiri kumutumira kuti adzoke futi kwauri, kunge ndiri kutumira mwoyo wangu chaiwo.
13 I wanted to keep him with me, to serve me on your behalf while I'm in chains for the gospel. Ndaiditsa chaizvo kuti agare neni, kuti andishumire panzvimbo yako pakusungiwa kwangu nokuda kwovhangeri,
14 But I wanted to do nothing without your consent, so your good deed would not be forced, but voluntary. asi ndanga ndisingade kuita chinhu iwewe usinati wachitendera, kuitira kuti zvidonaka zvaungaite zvireke kuitiwa nokusukumidziwa asi nokuda kwako.
15 Perhaps this is why he was separated from you briefly, so you'd have him back forever. Nokuti pamwe udoparadzanisiwa naye kwokanguwa kadiki kuti udzova naye pakamu nokusingapere,
16 No longer as a slave, but more than a slave—a beloved brother, especially to me, but even more to you, both in the flesh and in the Lord. asisiri muranda, asi wava muranda ari nani, hama inodiwa, kunyanya kwandiri nokwauri munyama nomuna Ishe.
17 So if you consider me a partner, welcome him as you would welcome me. Saka kana uchinditora semubiyako, mutambire kunge kutambira kwaunondiita inini.
18 If he wronged you at all, or owes anything, put it on my account. Kana zviripo zvaadokutadzira kunyange anochikwerete newe, mbachive changu.
19 I, Paul, write this with my own hand: I'll repay it—not to mention you owe me yourself as well. Inini, Phauro, ndinonyora zvakarezvi nojanja rangu, ndichazviripa, ndisingataure kuti unochikwerete kwandiri iwewe pachako.
20 Yes, brother, do me this favor in the Lord—refresh my heart in Christ. Ehe, hama, ndinoda kuwana chinobatsira kubva kwauri muna Ishe. Mutsiridza mwoyo wangu muna Khirisitu.
21 Trusting you'll obey, I write to you, knowing you'll do even more than I ask. Mukugutsikana nokutetekera kwako, ndinokunyorera, ndichiziva kuti uchaita zvidopindiridza kukunda zvandinonyaira.
22 Also prepare a guest room for me—I hope through your prayers to be graciously given back to you. Panguwa ibodzibodziyo, ndigadzirire kamuri yovarendo, ndava ndiri kutarisira kuburikidza nominamato yenyu kuperekewa kwamuri.
23 Epaphras, my fellow prisoner in Christ Jesus, sends you greetings, Epafurasi musungwa pabodzi naini nokuda kwaKhirisitu ari kukumoresa,
24 and so do Mark, Aristarchus, Demas, and Luke, my fellow workers. naMariko, naArisitako, naDhimasi naRuka, vashandi biyangu.
25 The grace of the Lord Jesus Christ be with your spirit. Amen. Mutsa waIshe Jesu Khirisitu mbauve nomweya wenyu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]