Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Matthew 8 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 When he came down from the mountain, great crowds followed him. Paadoburuka kubva mugomo, gurusvusvu rikuru ridomutevera.
2 A man with leprosy approached, knelt before him, saying, "Lord, if you're willing, you can make me clean." Pakarepo munhu anomabobo adouya kwaari ndokupfugama pamberi pache achiti, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.”
3 Jesus reached out his hand and touched him: "I am willing; be clean." His leprosy vanished at once. Iye adotambanudza ruoko rache ndokumubata. Achiti kwaari, “Ndinoda, chinatsiwa.” Pakarepo mabobo yache yadobva yanatsiwa.
4 Jesus told him, "Tell no one, but go show yourself to the priest and offer the gift Moses commanded, as testimony to them." Jesu adoti kwaari, “Ona kuti hapanai munhu wawanyepa chinhu, asi enda kozvinangidza kumuphirisita, wopereka chipo chidoraihwa naMozisi, chive upfakazi kuvanhu.”
5 When he entered Capernaum, a centurion came to him, appealing to him, Paanga achipinda muKaperenaume, mukuru wozana romauto adouya kumberi kwache, achimuteterera
6 and saying, "Lord, my servant is lying at home paralyzed, suffering terribly." achiti, “Ishe, muranda wangu adoenzera kumba ari kunetseka nonhengo idotonhora.”
7 He said to him, "I will come and heal him." Zvino adoti kwaari, “Ndichauya kudzomuporesa.”
8 The centurion replied, "Lord, I'm not worthy for you to come under my roof; just say the word, and my servant will be healed. Asi mukuru wozana romauto adomupindura achiti, “Ishe, ndinokodzeraba kuti muuye mumba mangu. Asi ndonyairai shoko basi, muranda wangu anopora.
9 For I too am a man under authority, with soldiers under me. I tell one, 'Go,' and he goes; another, 'Come,' and he comes; my servant, 'Do this,' and he does it." Ndava ndiri munhu anomasimba, ndino mauto yari pasi pangu. Ndinoti kunoumwe, ‘Enda kwakati!’ Iye woenda, ndoti kuno umwe, ‘Uya kuno!’ Iye wouya, ndinoti kumuranda wangu, ita chakati!’ Iye woita.”
10 Hearing this, Jesus was amazed and told his followers, "Truly, I tell you, I have found no one in Israel with such faith. Jesu paadomunzva, adoshamisika ndokuti kuno vanhu vaimutevera, “Chokwadi ndinoti kwamuri, handinai kuona kutenda kudodai kunyange pakati povaIzirairi.
11 I tell you, many will come from east and west and sit at the table with Abraham, Isaac, and Jacob in our Father's kingdom, Ndinokunyepai, vazinji vachabva kumabvazuva nokumadokero vachigara patafura naAbhurahamu, Isaki, naJakobho muumambo hwokudenga,
12 but the kingdom's sons will be thrown into the outer darkness, where there will be weeping and grinding of teeth." asi vanhu voumambo vachakhandihwa murima rokunze, mavacharira vachigedageda meno yavo.”
13 Jesus told the centurion, "Go, let it be done for you as you believed." His servant was healed that hour. Kumukuru wozana Jesu adoti, “Enda mbazviitike kwauri sekutenda kwawaita.” Muranda wache achibva waporerafuti pakarepo.
14 When Jesus entered Peter's house, he saw Peter's mother-in-law lying in bed with a fever. Jesu paadopinda mumba maPita, adoona amezvara vache vadoenzera vachihwara nomuviri.
15 He touched her hand; the fever left her, and she rose and served him. Adovabata ruoko, muviri uchibva wapora, vadosumuka pakarepo ndokumutenairira.
16 That evening they brought him many oppressed by demons; he expelled the spirits with a word and healed everyone sick. Mauro yakareyo, vadouya kwaari novazinji vanga vadogahwa nomashave. Iye ndokudzinga mweya yakareyo noshoko nokuporesa vese vaihwara.
17 This fulfilled the prophet Isaiah's words: "He took our weaknesses and carried our diseases." Uku kwanga kuri kuzazisa zvidorehwa namuporofiti Isaya, “Adobisa hodza dzedu ndokutakura matenda yedu.”
18 When Jesus saw a crowd around him, he ordered them to cross to the other side. Zvino Jesu paadoona gurusvusvu rikuru rovanhu ridomupoteredza, adoraira vadzidzi kuti vaende kumhiri kurimwe divi.
19 And a scribe came up and said to him, "Teacher, I will follow you wherever you go." Ipopo munyori adouya ndokuti kwaari, “Mudzidzisi, ndichakuteverai kwese kwamunoenda.”
20 Jesus told him, "Foxes have dens and birds of the sky have nests, but the Son of Man has nowhere to lay his head." Zvino Jesu adoti kwaari, “Makava yanomisina, notushiri tokudenga tunousanza, asi Mwanakomana woMunhu haanai pokutsamidza musoro wache.”
21 Another of the disciples said to him, "Lord, let me first go and bury my father." Umwe wovadzidzi adoti kwaari, “Ishe rekai ndithange ndaenda kovikha baba vangu.”
22 But Jesus said to him, "Follow me, and leave the dead to bury their own dead." Asi Jesu adoti kwaari, “Nditevere, siya vadopfa vavikhe vadopfa vavo.”
23 When he got into the boat, his disciples followed him. Zvino paadopinda mukamwadiya, vadzidzi vache vadomutevera.
24 Suddenly a great storm arose on the sea, so waves covered the boat—but he was asleep. Pakarepo duthu rikuru ridomuka pagungwa, zvokuti kamwadiya kanga kaakunyudziwa nomapfeni yomvura. Asi iye wanga adoenzera.
25 So they woke him: "Lord, save us! We're dying!" Vadoenda komumutsa vachiti, “Tiponesei Ishe, taakunyura!”
26 He said to them, "Why are you afraid, you of little faith?" Then he stood and rebuked the winds and sea, and a great calm followed. Iye adoti kwavari, “Munochireiko imi vokutenda kudiki?” Ipopo adosumuka ndokudzuma duthu nomapfeni yogungwa, ndokubva zvarosa nokudekhara.
27 The men were amazed: "What kind of man is this—even winds and sea obey him?" Varume vadoshamisika. Ndokunyairirana vachiti, “Anga munhu wakareyu mbani? Anototetekehwa noduthu nogungwa!”
28 Crossing to the other side, to the region of the Gadarenes, two demon-possessed men came out of the tombs to meet him, so violent no one could pass that way. Jesu paadosvika kumhiri kunyika yovaGarasa, adokumana novairi vanga vadopotehwa nomashave vachibva mumakuwa. Vaichisa zvokuti hapanai waipinda nonzira yakareyo.
29 They shouted, "What do you want with us, Son of God? Have you come here to torment us before the time?" Pakarepo ivo, vadodaidzira vachiti, “Munei nesu, Mwanakomana waMwari? Matouya kotidzudza nguwa isinati yasvika nai?”
30 Now a herd of many pigs was feeding at some distance from them. Zvino boka rohumba dzizinji ranga richifura padotaramukana nopakarepo.
31 And the demons begged him, "If you cast us out, send us into the herd of pigs." Mashave yadomuteterera, “Kana matidzinga, tiendesei kuboka rohumba.”
32 He told them, "Go." They came out and entered the pigs, and the whole herd rushed down the cliff into the sea and died in the waters. Iye adoti kwayari, “Endai.” Saka yadobirika yachipinda muhumba, ipopo boka rese ridotizirana kumapiripiri richichudumukira mugungwa, richimwira nhondwa.
33 The herdsmen fled into the city and reported everything, including what had happened to the demon-possessed men. Anyakabusa vadotiza, vachipinda muguta, ndokutaura zvese, nozvidoitika kuno vanga vanomashave.
34 The whole city came out to meet Jesus; seeing him, they begged him to leave their region. Pakarepo guta rese ridobirika kokumana naJesu, pavadomuona, vadomuteterera kuti abirike mudunhu ravo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]