Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Matthew 7 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 "Do not judge, so that you may not be judged. “Rekai kutonga, kuti imipa mureke kutongewawo,
2 For you'll be judged by the judgment you use, and measured by the measure you give. ndava nomutongo wamunotonga nawo abiyenyu ndiwo wamuchatongewawo nawo, nomhimo yamunopima nayo ndiyo yamuchapimihwawo.
3 Why look at the speck in your brother's eye but miss the log in your own? Sei uchiona kasesu kari muziso rohama yako, asi usingaone danda riri muziso rako?
4 Or how can you tell your brother, 'Let me remove the speck from your eye,' when a log is in yours? Kana ungati sei kuhama yako, ‘Reka ndikubise kasesu kari muziso rako’ imo muziso mako iwewe muno danda?
5 Hypocrite, first remove the log from your own eye; then you'll see clearly to remove the speck from your brother's eye. Iwe munyengeri, thanga wabiritsa danda riri muziso rako, ipopo uchaona mushe kubiritsa kasesu kubva muziso rohama yako.
6 "Don't give dogs what is holy, or throw your pearls before pigs—they'll trample them underfoot, then turn and tear you apart. Rekai kupasa imbwa zvinhu zvitsvene, dzingadzochungunuka dzichikukekechurai, futi regai kukhandira humba usanga hwenyu hunokosha, ndava dzingadzohutsika tsika.”
7 "Ask, and you'll receive it; seek, and you'll find; knock, and it'll open for you. “Kumbirai, muchapasiwa, tsvagai, muchawana, gugudzai, muchazururihwa.
8 For everyone who asks receives, whoever seeks finds, and whoever knocks, it will be opened. Nokuti wese anokumbira anopasiwa, noanotsvaga anowana, noanogugudza anozururihwa.
9 Or what person among you, if his son asks him for bread, will give him a stone? Ngupi munhu pakati penyu, angati kana mwanakomana wache akamukumbira zingwa, anomupasa ibhwe?
10 Or if he asks for a fish, will give him a snake? Kana kuti akamukumbira hove anomupasa nyoka?
11 So if you, being evil, know how to give your children good gifts, how much more will your Father in heaven give good things to those who ask him? Manje kana imipa, vadoipa, muchiziva kupasa zvipo zvidonaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachakungudzitsa peno kupasa zvinhu zvidonaka kuno avo vanovaruvira!
12 "So in everything, treat people the way you want them to treat you; for this is the Law and the Prophets. Saka zvese zvamunoda kuti vanhu vakuitirei imipa vaitirei zvakarezvo, ndava zvakarezvi ndizvo zvinoreva mutemo novaporofiti.”
13 "Enter through the narrow gate, for the gate is wide, the road broad, leading to destruction, and many enter through it. “Pindai nomusuwo udosvanika, ndava musuwo udophanyuka nonzira idoreruka kutekaira inoenda pakuparadziwa, novanopinda nayo mbazinji
14 But the gate is narrow, the road narrow, that leads to life; few find it. Nokuti musuwo udosvanika nonzira inonetsa, inoenda kuupenyu, vanoiwana mbashoma.”
15 "Beware false prophets: they come to you in sheep's clothing but are ravenous wolves inside. “Chenjererai vaporofiti vomabhwodo, vanouya kwamuri vadosimira matehwe yomahwai asi mukati yari masvitsi yanorungwa.
16 By their fruit you will recognize them. Are grapes gathered from thornbushes, or figs from thistles? Muchavaziva nozvibereko zvavo. Mazambiringa yanothanziwaba pamwinza, kana huyu pamiti yomwinza.
17 In the same way, every good tree bears good fruit, but the bad tree bears bad fruit. Saka muti wese udonaka unobereka muchero udonaka, asi muti udoipa unobereka muchero udoipa.
18 A good tree cannot bear bad fruit, nor can a bad tree bear good fruit. Muti udonaka unoberekaba muchero udoipa, nomuti udoipa unoberekaba muchero udonaka.
19 Every tree that does not bear good fruit is cut down and thrown into the fire. Muti wese usingabereke muchero udonaka unotemewa uchikhandiwa mumoto.
20 So then, by their fruit you will recognize them. Saka, muchavaziva nozvibereko zvavo peno.”
21 "Not everyone who says to me, 'Lord, Lord,' will enter the kingdom of our Father, but the one who does the will of my Father in heaven. “Haasi wese anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe’ achapinda muumambo hwokudenga peno, asi uyo anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.
22 Many will say to me on that day, 'Lord, Lord, didn't we prophesy in your name, drive out demons in your name, do many miracles in your name?' Pazuva rakarero, vazinji vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe! Hatinai chere kuporofita muzita renyu, nokudzinga mashave muzita renyu nokuita mabasa yosimba mazinji muzita renyu!’
23 Then I will tell them plainly: 'I never knew you; get away from me, you lawbreakers.' Ipopo ndichavadurira, ‘Handinai kukuzivai. Ibvai pano, imimi vaiti vozvidoipa.’”
24 "So anyone who hears these words of mine and does them will be like a wise man whose house was built on the rock. “Saka wese anonzva mashoko yangu yakareya achiyaita achafanana nomumhu adochenjera adovakhira imba yache paruware.
25 Rain fell, floods came, winds blew and beat against that house, but it didn't fall, because it was founded on rock. Mvura idona, mafashamu yadouya, duthu ridopupuza ndokurova imba yakareyo. Asi hainai kuwa, ndava yanga idovakhihwa paruware.
26 And everyone who hears these words of mine and doesn't do them is like a foolish man who built his house on sand. Nowese anonzva mashoko yangu yakareya asingayaite achafanana nomunhu dzemwa adovakhira imba yache pajecha.
27 The rain fell, floods came, winds blew and hit that house, and it fell—and its fall was great." Mvura idona, mafashamu yadouya, duthu ridopupuza richirova imba yakareyo, ichibva yawa. Nokuwa kwayene kudokuritsa peno!”
28 When Jesus had finished saying these words, the crowds were astonished at his teaching, Jesu paadopedza kunyaira kwakareku, gurusvusvu ridoshamisika nomadzidzisiro yache.
29 because he was teaching them as one who had authority, and not as their scribes. Nokuti adovadzidzisa semunhu anoukuru, asingaite kunge vanyori vavo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]