Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Matthew 6 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 "Take care not to practice your righteousness before others to be seen by them, or you have no reward from your Father in heaven. Chenjerai kumboitira buya panovanhu kuti vakuonei, ndava munodzowanaba mubairo kubva kuna Baba venyu vari kudenga.
2 So when you give to the needy, don't announce it with a trumpet, like the hypocrites do in synagogues and streets, to be praised by people. I assure you: they've already received their full reward. Saka kana muchipereka ruyamuro, rekai kuti zvizikane, fanike zvinoitiwa novanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa, kuti varumbidziwe novanhu. Chokwadi ndinoti kwamuri, vatotambira mubairo wavo.
3 But when you give to the needy, don't let your left hand know what your right hand does, Asi kana muchipereka ruyamuro, rekai kuita kuti ruoko renyu romamose rizive zviri kuitiwa noruoko renyu roruji peno.
4 so that your gift stays secret. Your Father, who sees in secret, will repay you. Kuitira kuti ruyamuro renyu rive romuchihwande. Ndava Baba venyu vanoona zvomuchihwande vachakupasai mubairo.
5 "When you pray, don't be like hypocrites who love praying standing in synagogues and on street corners to be seen by others. Truly, I tell you: they've already received their full reward. “Futi kana muchinamata, rekai kuita kunge vanyengeri, ndava vanofarira kunamata vadomira mumasinagoge nopamhararano dzonzira, kuti vaonewe novanhu. Chokwadi ndinoti kwamuri, vatotambira mubairo wavo.
6 But when you pray, go into your room, shut the door, and pray to your Father in secret. Your Father who sees in secret will reward you. Asi kana maakunamata, pindai mumba menyu mukwedekere sasa, monamata kuna Baba venyu ari padohwanda. Ivo Baba vako vanoona padohwanda vachakupasa mubairo peno.
7 When you pray, don't babble like those who don't know the Father, because they think many words will get them heard. Pakare pakunamata rekai kumbondotutira mashoko kunge zvinoitiwa novasiri vaJudha, ndava vanofunga kuti vachanzviwa nokuda kwomashoko yavo mazinji.
8 Do not be like them, for your Father knows what you need before you ask him. Rekai kuita kunge vakarevo. Ndava Baba venyu vanoziva zvamunoda musinati mavakumbira.
9 This, then, is how you should pray: 'Our Father in heaven, may your name be honored as holy, Saka namatai muchidai, ‘Baba vedu vari kudenga, Zita renyu mbarikudziwe noutsvene,
10 your kingdom come, your will be done, on earth as it is in heaven. umambo hwenyu mbahuuye, kuda kwenyu mbakuitiwe panyika sezvazviri kudenga.
11 Give us today our daily bread. Tipasei nasi kuja kwedu kwomazuva yese.
12 And forgive us our debts, as we also have forgiven our debtors. Mutiregerere kutadza kwedu, sekuregererawo kwatinoita vanotitadzira.
13 And lead us not into temptation, but deliver us from the evil one.' Rekai kutipinza pamuedzo, Asi tihwirei kubva pano adoipa.
14 "For if you forgive others their sins, your heavenly Father will also forgive you. Ndava kana muchiregerera vanhu kutadza kwavo, Baba venyu vokudenga vachakuregereraiwo.
15 But if you do not forgive others their sins, neither will your Father forgive your sins. Asi kana musingaregerere vanhu kutadza kwavo, naBaba venyu havakuregerereiwo kutadza kwenyu.”
16 "When you fast, don't look gloomy like the hypocrites—they disfigure their faces to show others they're fasting. Truly, I tell you, they have their full reward. “Pakare kana muchitsanya, rekai kuoneka kudodoma kaso, kunge vanyengeri. Ndava vanosina pazviso kuti kutsanya kwavo kuonewe novanhu. Chokwadi ndinoti kwamuri, vatotambira mubairo wavo.
17 But when you fast, put oil on your head and wash your face, Asi kana uchitsanya, shamba chiso chako uzore mapfuta musoro wako,
18 so you don't appear to others as fasting, but only to your Father, who is hidden. Then your Father, who sees what's hidden, will reward you. kuti kutsanya kwako kureke kuonewa novanhu asi naBaba vako vari padohwanda. Ivo Baba vako vanoona padohwanda vachakupasa mubairo.”
19 "Do not store up treasures for yourselves on earth, where moth and rust destroy, and thieves break in and steal. “Rekai kuzvichengetera pfuma panyika, pano tukumo nongura zvinoiparadza nombavha dzinopasura dzichiba.
20 But store up treasures in heaven for yourselves, where neither moth nor rust destroys, and thieves can't break in and steal. Asi, zvichengeterei pfuma kudenga, kusinai tukumo nongura zvinoiparadza, kusinai kamu mbavha dzinophasura dzichiba.
21 For where your treasure is, there your heart will be also. Ndava pano pfuma yako nomwoyo wako uchavawo pakarepo.”
22 "The eye is the body's lamp. If your eye is clear, your whole body will be full of light. “Ziso ndiro mwenje womuviri. Saka kana ziso rako ridonaka, muviri wako wese unenge udozara chiedza,
23 But if your eye is bad, your whole body will be dark. If then the light in you is darkness, how great that darkness is! asi kana ziso rako ridonyangara, muviri wako wese unenge udozara rima. Manje kana chiedza chiri mauri chiri rima, rima rakarero ridokungudza peno!”
24 "No one can serve two masters: he'll hate one and love the other, or hold to one and despise the other. You can't serve our Father and money. “Hapanai angashandire anatenzi vairi, ndava achavenga mubodzi achida umwe, kana kuti achatetekera mubodzi achinyozera umwe. Hamukwanise kushandira Mwari nomari.
25 "So I tell you: don't worry about your life—what you'll eat or drink—or body—what you'll wear. Isn't life more than food, body more than clothes? Saka ndinokunyepai, kuti mureke kushushikana pamusoro poupenyu hwenyu chamuchaja kana chamuchamwa, kana pamusoro pomuiri wenyu chamuchasimira. Ko upenyu hunokundaba chokuja nai, nomuviri unokundaba chokusimira nai?
26 Look at the birds in the sky: they don't plant, harvest, or store in barns, yet your heavenly Father feeds them. Aren't you worth more than they? Nangarai tushiri tomudenga, hatujari kana kukohwa kana kuunganidzira muzvitura, asi zvidodaipo Baba venyu vokudenga vanotuposha! Ko imipa mudokoshaba kutukunda?
27 Can any of you by worrying add a single hour to your life? Anga mbani wenyu angaingidzire kurepha kwoupenyu hwache nokushushikana?
28 And why worry about clothing? Consider the lilies of the field, how they grow: they don't work or spin. Manje munonetsekerei pamusoro pozvokusimira? Cherechedzai maruva yomusango kuti yanokura tini, hayashande kana kurukha.
29 Yet I tell you: not even Solomon, in all his glory, was dressed like one of these. Asi zvidodaipo ndinokunyepai, kuti kana naiye Soromoni pakubhwinya kwache kwese haanai kusimidziwa fanike rimwe royakareya.
30 If our Father clothes the field's grass like this—here today, thrown into the fire tomorrow—won't he much more clothe you, you of little faith? Zvino kana Mwari achisimidza zvidodai usva hwomusango, hunondovapo nasi huchidzokhandiwa mumoto hwedza, angareke nai kunyanya kukusimidzai vakaremi? Vanhu vokutenda kudiki!
31 "So don't worry, asking, 'What will we eat?' or 'What will we drink?' or 'What will we wear?' Saka rekai kushushikana muchiti, ‘Tichajei’ kana kuti ‘Tichamwei’ kana kuti ‘Tichapfekei?’
32 For those who don't know the Father chase all these things, but your heavenly Father knows you need them. Ndava voyamwe marudzi vasiri vaJudha vanotsvaga zvinhu zvakarezvi zvese. Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munozvida zvese.
33 But seek first our Father's kingdom and his righteousness, and all these will be added to you. Asi thangai kutsvaga umambo hwaMwari nokururama kwache, nozvakarezvi zvese zvichava zvenyu kamu.
34 So don't worry about tomorrow—it will worry about itself. Each day has enough trouble of its own." Saka rekai kunetseka pamusoro poramangwana, ndava ramangwana richazvinetsekera rega. Rekai dambudziko rozuva rikwanirane nozuva rakarero.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]