Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Matthew 9 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 Jesus stepped into a boat, crossed over, and came to his own town. Zvino Jesu adopinda mukamwadiya ndokuyambuka kumhiri achiuya kuguta rache.
2 Some brought him a paralyzed man lying on a mat. Seeing their faith, Jesus told the paralyzed man, "Take heart, son; your sins are forgiven." Ipopo vadouya kwaari nomunhu adotonhora nhengo, adoenzera pabonde rache. Jesu paadoona kutenda kwavo, adoti kuno adotonhora nhengo, “Tsunga mwoyo, mwanakomana wangu! Zvitema zvako zvaregerehwa.”
3 At this, some of the teachers of the law said to themselves, "This man is blaspheming." Zvino vamwe vanyori vadoti mumwoyo mavo, “Munhu wakareyu ari kushora Mwari!”
4 Knowing their thoughts, Jesus said, "Why do you harbor evil in your hearts? Asi Jesu nokuziva pfungwa dzavo, adoti kwavari, “Seiko muchifunga zvidoipa mumwoyo yenyu?
5 Which is easier: to say, 'Your sins are forgiven,' or to say, 'Get up and walk'? Nzvipi zvidopusa kuti, ‘Zvitema zvako zvaregerehwa,’ kana kuti, ‘Sumuka utekaire?’
6 But so you know the Son of Man has authority on earth to forgive sins"—then he told the paralyzed man, "Get up, take your mat, and go home." Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ano masimba panyika yokuregerera zvitema,” adobva wati kumurume adotonhora nhengo, “Sumuka, tora bonde rako, uende kumba kwako!”
7 And the man got up and went home. Iye adosumuka ndokuenda kumba kwache.
8 Seeing this, the crowds were awed and praised our Father, who gave people such authority. Gurusvusvu paridozviona, ridocha, richibva rarumbidza Mwari, adopereka masimba yadodaro kuvanhu.
9 Moving on from there, Jesus saw a man named Matthew sitting at the tax booth. "Follow me," he said. Matthew got up and followed him. Jesu paadobva pakarepo achienda kumberi, adoona murume wanga adogarikika paimba yomutero, murume wacho waiitiwa Mateo. Jesu adobva wati kwaari, “Nditevere.” Iye adosumuka ndokumutevera.
10 As Jesus ate in Matthew's house, many tax collectors and sinners joined him and his disciples at the table. Paanga adogarikika mumba kuti aje pathafura, vateresi vazinji novatadzi vadouyawo koja pabodzi naJesu novadzidzi vache.
11 Seeing this, the Pharisees asked his disciples, "Why does your teacher eat with tax collectors and sinners?" Manje vaFarisi pavadozviona vadoti kuvadzidzi vache, “Anga indava yei mudzidzisi wenyu achija novateresi novatadzi?”
12 On hearing this, Jesus said, "It is not the healthy who need a doctor, but the sick. Asi paadozvinzva adoti kwavari, “Vapuma vanodaba chiremba, asi vanohwara ndivo vanoda chiremba.
13 But go and learn what this means: 'I want mercy, not sacrifice.' For I didn't come to call the righteous, but sinners." Endai kodzidza kuti zvakarezvi zvinorevei, ‘Ndinoda tsitsi, aikona chibairo.’ Ndava ndidouyaba kudzodaidza vadorurama, asi vatadzi.”
14 Then John's disciples came, asking him, "Why do we and the Pharisees fast often, but your disciples don't?" Ipopo vadzidzi vaJohwani Muombeki vadouya kwaari vachiti, “Sei isisu novaFarisi tichitsanya, asi vadzidzi venyu vasingatsanye?”
15 Jesus replied, "Can the groom's friends mourn while he's with them? But days are coming when the groom is taken from them—then they'll fast. Zvino Jesu adoti kwavari, “Ko vadokokewa pamuchato vangarire iye mukwende vanaye chere? Mazuva yachauya pachabiritsiwa mukwende kubva pakati pavo, ipopo ndipo pavachadzotsanya.
16 No one sews an unshrunk patch on an old garment; the patch pulls away from it, leaving a worse tear. Hapanai anosonerera chigamba chitsva pahembe yokare peno, ndava chigamba chitsva chinomwaura hembe, boo roingidzika kukura.
17 People don't pour new wine into old wineskins; otherwise the skins burst, the wine spills, and they're ruined. Instead, new wine goes into new wineskins, so both are kept." Nowaini itsva inoisiwaba muhomwe yogako rokare, ukaita zvakarezvo homwe yogakoyo inophabuka, waini yotaika, nohomwe yodehweyo yoparara. Asi waini itsva inoisiwa muhomwe yogako ritsva, kuti zvese zvichengeteke.”
18 While he spoke, a synagogue leader came, knelt before him, and said, "My daughter just died. But come, lay your hand on her, and she will live." Achiri kunyaira kwavari daipo, padobva pauya mutungamiri achipfugama pamberi pache, achiti, “Mwanasikana wangu wapfa, asi uyai muturike ruoko renyu paari, kuti achire.”
19 Jesus got up and went with him, and so did his disciples. Jesu novadzidzi vache adosumuka ndokumutevera.
20 Just then a woman bleeding twelve years came up behind and touched his cloak's edge. Zvino mukadzi wanga watambura nokubirika gazi kwomakore gumi nomairi adouya mumasure mache ndokubata mukombero wojasi rache,
21 She kept saying to herself, "If I only touch his cloak, I will be healed." ndava adoti mumwoyo mache, “Ndikandobata jasi rache basi, ndichapora.”
22 Jesus turned, saw her. "Courage, daughter," he said, "your faith has healed you." The woman was healed at that moment. Jesu adochununguka, paadomuona adoti, “Tsunga mwoyo mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa.” Pakarepo, mukadzi adobva wapora.
23 When Jesus entered the synagogue leader's house and saw the flute players and the noisy crowd, Jesu paadosvika kumba kwomutungamiri, achiona vanoridza tumukubwe, nogurusvusvu richirira maundu,
24 he said, "Go away. The girl is not dead but asleep." But they laughed at him. adoti kwavari, “Birikai, ndava musikana haanai kupfa, wandoenzera.” Asi ivo vadomuseka.
25 When the crowd was sent out, he went in, took her hand, and the girl got up. Asi padodzobiritsiwa gurusvusvu, adopinda ndokubata ruoko rache, musikana achibva wamuka.
26 News of this spread through all that region. Hwenye hwakarehwo hudosvika mumatunhu yakareyo yese.
27 As Jesus left there, two blind men followed, shouting, "Have mercy on us, Son of David!" Zvino Jesu achipfuurira kubva pakarepo, mapofu mairi yadomutevera, yachidaidziritsa, “Mwanakomana waDhavhiti, tinzvirei tsitsi.”
28 Entering the house, the blind men came to him. He asked, "Do you believe I am able to do this?" "Yes, Lord," they said. Paadopinda mumba, mapofu yadouya kwaari, zvino Jesu adoti kwayari, “Munotenda nai kuti ndinokona kuita zvakarezvi?” Vadoti kwaari, “Inde, Ishe.”
29 Then he touched their eyes and said, "Let it be done to you according to your faith". Ipopo adobata meso yavo, achiti, “Maererano nokutenda kwenyu mbazviitiwe kwamuri.”
30 Their eyes opened. Jesus warned them sternly, "See that no one knows about this." Meso yavo yadopenya ndokuona. Jesu adovatsindikiritsa, “Onai kuti hapanai wazviziva.”
31 But they went out and spread the news about him all over that region. Asi vadoenda vachiparadzira hwenye hwakarehwo mumatunhu yese.
32 As they went out, a mute, demon-possessed man was brought to Jesus. Pavanga vaakubirika, chimumumu changa chinoshave chidoisiwa kwaari.
33 Once the demon was driven out, the mute man spoke. The crowds were amazed and said, "Nothing like this has ever appeared in Israel." Padodzingiwa shave, chimumumu chidotaura, gurusvusvu ridoshamisika richiti, “Zvidodaizvi hazvinati zvaoneka muIzirairi.”
34 But the Pharisees said, "He drives out demons by the prince of demons." Asi vaFarisi vadoti, “Anodzinga mashave nomukuru womashave.”
35 Jesus traveled every town and village, teaching in their synagogues, announcing the good news of our Father's kingdom, and healing every disease and sickness. Jesu adotenderera mumaguta nomumisha yese. Adodzidzisa mumasinagoge yavo, futi achiparidza vhangeri roumambo, adoporesa matenda yese nohodza dzese.
36 Seeing the crowds, he felt compassion for them, because they were troubled and helpless, like sheep without a shepherd. Paadoona gurusvusvu, adorinzvira mutsa, ndava raidzungaidziwa pasinai chibatsiro, kunge hwai dzisinai nyakabusa.
37 Then he said to his disciples, "The harvest is plentiful but the workers are few. Ipopo adoti kuvadzidzi vache, “Kukohwa nghukuru, asi vashandi mbashoma,
38 So ask the Father of the harvest to send out workers into his harvest field." namatai ndipo kuti mwenekachiro wokukohwa atume vashandi pagoho rache.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]