Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Mark 2 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 A few days later, when Jesus came back to Capernaum, word spread that he was home. Kwapera mazuva mashoma adounza pakamu kuKaperenaume. Vanhu vadonzva kuti ari pamumba.
2 So many gathered that there was no room left, not even at the door, and he was speaking the word to them. Vadoungana vadowanditsa zvokutadza kukwana mumba, vadotadza kukwana nopachivanze, iye adovaparidzira Shoko.
3 Then some men came, bringing to him a paralyzed man carried by four of them. Zvino varume vanai vadouya kwaari vadotembedzana murume wanga adotonhora nhengo.
4 Unable to bring him to Jesus because of the crowd, they removed the roof over him, dug through it, and lowered the mat the paralyzed man lay on. Pavadotadza kusvika papfupi naye nokuda kwomhomho yovanhu, vadonyandanura denga roimba yakareyo panga padonangana naJesu. Vadobva vadzikisa mukhangara waiva nomuhwere wavo.
5 When Jesus saw their faith, he said to the paralyzed man, "Son, your sins are forgiven." Jesu paadoona kutenda kwavo, adoti kuno adotonhora nhengo, “Mwanakomana wangu, zvitema zvako zvaregerehwa.”
6 Now some of the scribes were sitting there, reasoning in their hearts, Zvino vamwe vanyori vanga vadogarikika makaremo vadonyairira mumwoyo yavo vachiti,
7 "Why does this man speak this way? He is blaspheming! Who can forgive sins but God alone?" “Seiko munhu wakareyu achinyaira zvidodai? Nghutoshora Mwari kwakareku! NdiMwari basi anokona kuregerera zvitadzo peno!”
8 Immediately Jesus knew in his spirit they were reasoning this way within themselves, and said to them, "Why are you reasoning these things in your hearts? Pakarepo Jesu adobva wazivirafuti mumweya mache kuti vari kufunga zvakarezvi mumwoyo yavo, adobva wati kwavari, “Muri kufungireiko zvidodarozvo mumwoyo menyu?
9 Which is easier—telling the paralyzed man, 'Your sins are forgiven,' or, 'Get up, take your mat, and walk'? Nzvipi zvidopusa kuti kumurume adotonhora nhengo, ‘Zvitema zvako zvaregerehwa,’ kana kuti, ‘Sumuka, tora bonde rako, utekaire?’
10 But so you'll know the Son of Man has authority on earth to forgive sins"—he told the paralyzed man, Manje kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu anomasimba panyika yokuregerera zvitema,” adoti kumurume adotonhora nhengo,
11 "I say to you, get up, take your mat, and go home." “Ndinoti kwauri, sumuka, tora bonde rako uende kumba kwako!”
12 He got up, immediately took his mat, and went out before them all, so that everyone was amazed and praised our Father, saying, "We've never seen anything like this." Adosumuka ndokuhwengeratu bonde rache achibirika vadomunangara vese. Vese vadoshamisika ndokurumbidza Mwari vachiti, “Zvidodaizvi hatinati tazviona.”
13 Jesus went out beside the sea again; the whole crowd came to him, and he taught them. Jesu adobirika pakare achienda panyasi pogungwa roGaririya, vanhu vadoungana kwaari, iye ndokuvadzidzisa.
14 Passing by, he saw Levi son of Alphaeus sitting at the tax booth and said, "Follow me." He got up and followed him. Achitekaira daipo, adoona Revhi, mwanakomana waArufiyasi, anozita rokuti Mateo, wanga adogarikika paimba yomutero. Jesu adoti kwaari, “Nditevere.” Iye adosumuka ndokumutevera.
15 While Jesus reclined at the table in Levi's house, many tax collectors and sinners reclined with Jesus and his disciples, since many were following him. Zvino paadogarikika kuti aje pathafura mumba maMateo, vateresi vazinji novatadzi vadogarawo pabodzi naJesu novadzidzi vache, ndava vaimutevera vanga vari vazinji.
16 Seeing him eat with sinners and tax collectors, the Pharisees' scribes asked his disciples, "Why does he eat with tax collectors and sinners?" Zvino vanyori vovaFarisi, pavadoona kuti ari kuja novateresi novatadzi vadoti, kuvadzidzi vache, “Anga indava yei achija novateresi novatadzi?”
17 Hearing this, Jesus said to them, "The healthy don't need a doctor, but the sick do. I didn't come to call the righteous, but sinners." Zvino Jesu paadozvinzva adoti kwavari, “Vapuma vanodaba chiremba, asi vanohwara ndivo vanoda chiremba. Ndidouyaba kudzodaidza vadorurama, asi vatadzi.”
18 John's disciples and the Pharisees were fasting. They came and asked him, "Why do John's disciples and the Pharisees' disciples fast, but yours don't?" Vadzidzi vaJohwani novaFarisi vaitsanya. Zvino vamwe vanhu vadouya kwaari vachiti, “Anga indava yei vadzidzi vaJohwani novadzidzi vovaFarisi vachitsanya, asi vadzidzi venyu vasingatsanyewo?”
19 Jesus said to them, "Can wedding guests fast while the bridegroom is with them? As long as they have the bridegroom with them, they cannot fast. Jesu adovapindura achiti, “Anga vadokokewa kumuchato vangatsanye chere mukwende ari pakati pavo? Kana mukwende ari pakati pavo vanotsanyaba.
20 But days will come when the bridegroom is taken from them; then, on that day, they will fast. Mazuva yachasvika pachabiritsiwa mukwende kubva kwavari, ipopo ndipo pavachadzotsanya.
21 No one sews unshrunk cloth on an old garment; otherwise the new patch tears away from the old, and the tear worsens. Hapanai anosonerera chigamba chitsva pabiza rokare, akaita zvakarezvo chigambacho chinomwaura biza, boo ronyanyitsa kukura.
22 No one puts new wine into old wineskins; the wine bursts the skins, and both are ruined. New wine goes into new wineskins." Hapanai anoisa waini itsva muhomwe yodehwe rokare. Akaita zvakarezvo waini itsva inophabura homwe yodehwe, waini yotaika nohomweyo yoparara. Asi waini itsva inoisiwa muhomwe yodehwe ritsva.”
23 One Sabbath, he walked through the grainfields, and as they went, his disciples began picking heads of grain. Noumwe musi woSabata Jesu adopinda nopakati pominda yogorosi. Pavaitekaira daipo, vadzidzi vache vadothanga kuchora hora dzogorosi.
24 The Pharisees said to him, "Look, why are they doing what's not lawful on the Sabbath?" Ipopo vaFarisi vadoti kuna Jesu, “Sei vachiita zvisingatendehwe kuitiwa paSabata?”
25 And he said to them, "Have you never read what David did when he was in need and hungry, he and those with him, Iye adoti kwavari, “Hamunai kuverenga nai zvidoitiwa naDhavhiti paanga waanonzara iye novanhu vaanga anavo?
26 how he entered the house of our Father in the days of Abiathar the high priest, ate the bread of the Presence—which only priests may eat—and gave some to those with him?" Adopinda mumba maMwari pamazuva yomukuru wovaphirisita Abhiyata, achija mazingwa yanoyera. Mazingwayo yanga yasingabvumihwi kujiwa noumwe munhu kusiya kwokujiwa novaphirisita basi. Adopasawo vanhu vaanga anavo.”
27 And he said to them, "The Sabbath was made for people, not man for the Sabbath. Jesu adoti, “Sabata idoitihwa kuti ibatsire munhu, aikona kuti munhu abatsire Sabata.
28 So the Son of Man is Lord even of the Sabbath." Saka Mwanakomana woMunhu ndiShe woSabata pakare.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]