Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Mark 1 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 The beginning of the gospel of Jesus Christ, the Son of our Father. Aya ndiyo mathangiro yoNyaya Dzidonaka dzaJesu Khirisitu, Mwanakomana waMwari.
2 As written in Isaiah the prophet: "Look, I send my messenger ahead of you, who will prepare your way. Semanyorehwo yazvidoitiwa nomuporofiti Isaya achiti, “Ona, ‘ndinotuma nhume yangu pamberi pako achanhadzira nzira yako.’
3 A voice calling out in the wilderness: 'Prepare the way of the Lord, make his paths straight.'" Izvi roanokuwa musango, ‘nhadzirai mugwagwa waIshe, yororai nzira dzache!’”
4 John appeared, baptizing in the wilderness and proclaiming a baptism of repentance for the forgiveness of sins. Johwani Muombeki adooneka musango achiparidza ruombeko rokupinduka kuti vanhu varegerehwe zvitema.
5 All Judea and everyone in Jerusalem went out to him, and he baptized them in the Jordan River as they confessed their sins. Vanhu vazinji vadosvokonoka kuenda kwaari vese vomunyika yoJudhiya novanhu vese vomuJerusarema, vadoombekewa naye muhwizi roJorodhani, vachireurira zvitadzo zvavo.
6 John was dressed in camel's hair, with a leather belt around his waist, eating locusts and wild honey. Zvokusimira zvaJohwani zvanga zviri zvoukuse hwongamera, pakamu wanga anobhande rochikumba muchiuno chache. Zvokuja zvache zvanga zviri mabombo nouchi hwomusango.
7 He announced: "After me comes one stronger than I; I'm not worthy to stoop and untie his sandal strap. Iye adoparidza achiti, “Pano mukurufutiyo anokunda inini ari kuuya kumasure kwangu, inini ndinokodzeraba kukotama ndichisugudura murau woshangu dzache.
8 I have baptized you with water, but he will baptize you with the Holy Spirit." Ndakuombekai nomvura asi iye achakuombekai noMweya Mutsvene.”
9 In those days Jesus came from Nazareth of Galilee and was baptized by John in the Jordan. Mumazuva yakareyo Jesu adouya achibva kuNazareta mudunhu roGaririya achibva waombekewa naJohwani muJorodhani.
10 Immediately, as he came up out of the water, he saw the heavens split open and the Holy Spirit come down on him like a dove. Jesu paadobirika mumvura, kabodzi nokabodzi adoona denga razururiwa futi Mweya achiburukira paari adoita kunge njiva.
11 And a voice came from heaven: "You are my beloved Son; in you I delight." Zvino izvi ridobva kudenga ndokuti, “Ndiwe Mwanakomana wangu wandinoditsa, iwepa unondifadza zvidonyanya.”
12 And immediately the Holy Spirit drove him out into the wilderness. Nokamangu Mweya adomuendesa kusango,
13 He was in the wilderness forty days, tempted by Satan, with the wild animals, and the angels served him. kwaadogara mazuva makumi manai, achiedzewa naSathani, nozvirombo zvomusango zvanga zviri kwakareko, futi ngirozi dzidomushandira.
14 Now after John was arrested, Jesus came into Galilee, proclaiming the gospel of our Father, Zvino mumasure mokusungiwa kwaJohwani, Jesu adoenda kuGaririya koparidza Nyaya Idonaka yaMwari.
15 and saying, "The time is fulfilled, and our Father's kingdom is near; repent and believe the good news." Jesu adoti, “Nguwa yazazisiwa, futi umambo hwaMwari hwava papfupi! Pindukai kubva muzvitema zvenyu mutende Nyaya Idonaka!”
16 Passing the Sea of Galilee, he saw Simon and his brother Andrew casting a net in the sea, for they were fishermen. Paanga achifamba nomunyasi mogungwa roGaririya, adoona Simoni naAndireya vaiva mukoma nomunin'ina vachikhandira mambure yavo mugungwa, ndava vaiva vabati vohove.
17 And Jesus said to them, "Follow me, and I will make you become fishers of people." Jesu adoti kwavari, “Nditeverei, ndikuitei varauri vovanhu.”
18 And immediately they left their nets and followed him. Nokamangu vadosiirafuti mambure yavo, ndokumutevera.
19 Going a little farther, he saw James son of Zebedee and John his brother in their boat, mending the nets. Paadondotekaira pashoma, adoona Jakobho mwanakomana waZebhedhiya, naJohwani waiva mukoma nomunin'ina’ina naye, vaiva mukamwadiya vachinhadziridza mambure yavo.
20 At once he called them; leaving their father Zebedee in the boat with the hired hands, they followed him. Nokamangu adovadaidza, vadobva vasiya baba vavo Zebhedhiya vari mukamwadiya pabodzi novashandi ivo ndokutevera Jesu.
21 They went to Capernaum. At once, on the Sabbath, he entered the synagogue and began teaching. Zvino vadoenda kuKaperenaume, nomusi woSabata adopinda musinagoge nokamangu ndokuvadzidzisa.
22 They were amazed at his teaching, for he taught them with authority, not like the scribes. Ivo vadoshamisika nomadzidzisiro yache, ndava adovadzidzisa semunhu anochikuriri, asingaite kunge vanyori.
23 And immediately there was in their synagogue a man with an unclean spirit, and he cried out. Pasinai nonhambwe yese musinagogemo manga muno munhu waiva nomweya udoipa,
24 Why meddle with us, Jesus of Nazareth? Have you come to destroy us? I know who you are—God's Holy One! iye adokuwa achiti, “Munei nesu, Jesu woNazareta? Mauya kudzotiparadza chere? Ndinokuzivai kuti muri Mutsvene waMwari.”
25 But Jesus rebuked him, saying, "Be silent, and come out of him!" Asi Jesu adomudzuma achiti, “Nyarara, ubirike maari!”
26 And the unclean spirit, convulsing him and crying out with a loud voice, came out of him. Mweya udoipa udodzutsa munhu wakareyo zvinosimba, uchikuwa noruzha, ndokubva wabirika maari.
27 All were amazed, and they questioned each other: "What is this? A new teaching with authority - he commands even the unclean spirits, and they obey him!" Vese vadoshamisiwa nazvo ndokuthanga kubvunzana vachiti, “Anga chiiko ichochi? Ikoku kudzidzisa kutsva chere? Anotodzuma nosimba mweya idoipa, iyo ichimuteerera!”
28 And at once his fame spread everywhere throughout all the surrounding region of Galilee. Nokamangu nhau pamusoro pache dzidopararira muGaririya rese.
29 Immediately he left the synagogue and went to Simon and Andrew's house, with James and John. Nokamangu adobirika musinagoge, ndokupinda mumba maSimoni naAndireya, pabodzi naJakobho naJohwani.
30 Now Simon's mother-in-law lay sick with a fever, and immediately they told him about her. Zvino amezvara vaSimoni vanga vachihwara nomuviri vadotoenzera, nokamangu, vadonyepa Jesu pamusoro pavo.
31 He came, took her hand, raised her up. The fever left her, and she served them. Iye adosvika, ndokuvabata ruoko achivamutsa. Pakarepo muviri udopora, vachibva vavatenairira.
32 That evening, when the sun set, they brought him all who were sick and those oppressed by demons. Mauro yakareyo zuva rakunyura ratoti piriviri, vadouya kwaari novese vanga vachihwara novadogahwa nomashave.
33 And the whole city was gathered together at the door. Gurusvusvu rovanhu ridoungana pamusuwo richibva munzvimbo dzese dzoguta.
34 He healed many sick with various diseases and drove out many demons, not letting the demons speak, since they knew him. Iye adoporesa vahwere vadowanda vanga vanomatenda yadosiyana siyana nokudzinga mashave mazinji. Adorambidza mashave kunyaira, ndava yaimuziva kuti mbani.
35 Long before dawn, while still dark, he got up, went out to a deserted place, and prayed there. Mambakwedza, kuchidosvipa, Jesu adomuka ndokubirika. Adoenda kwache wega, konamata.
36 And Simon and those who were with him searched for him, Simoni naabiyake vadoenda kumutsvaga,
37 and they found him and said to him, "Everyone is looking for you." pavadomuwana, vadoti kwaari, “Vanhu vese vari kukutsvagai.”
38 He said, "Let us go elsewhere, to the neighboring towns, so I can preach there too, for that is why I came." Iye adoti kwavari, “Mbatiendei kunoyamwe maguta. Ndinofanira ndiparidzewo kwakareko, nokuti ndizvo zvandidovinga.”
39 And he went throughout all Galilee, preaching in their synagogues and casting out demons. Nokudaro adofamba muGaririya rese, achiparidza mumasinagoge yavo nokudzinga mashave.
40 A man with leprosy came, knelt, and begged him, "If you're willing, you can make me clean." Munhu wanga anomabobo adouya kuna Jesu, ndokupfugama, achimuteterera achiti, “Kana muchida munogona kundinatsa.”
41 Moved with deep compassion, he stretched out his hand, touched him, and said to him, "I am willing; be clean." Jesu adomunzvira tsitsi, ndokutambanudza ruoko rache achimubata. Adoti kwaari, “Ndinoda, chinatsiwa.”
42 And immediately the leprosy left him, and he was made clean. Kabodzi nokabodzi mabobo yadobirika kwaari, achibva wapora.
43 Sternly warning him, he sent him away at once, Zvino Jesu adomutsindikira ndokumunyepa kuti aende zvache,
44 and told him, "Make sure you tell no one—but go, show yourself to the priest, and offer what Moses commanded for your cleansing, as proof to the people." Adoti kwaari, “Ona kuti hapanai waunozvinyepa. Asi enda kozvinangidza kumuphirisita, wopereka chibairo chokunatsiwa kwako sezvidoraihwa naMozisi kuti chive upfakazi kuvanhu.”
45 But he went out, proclaiming it freely and spreading the news, so Jesus could no longer enter a town openly, but stayed in lonely places. Yet people came to him from everywhere. Asi paadobirika kuenda, adothanga kuzvitaura taura, achiparadzira nhau yakareyo, zvokuti Jesu haanai kudzogona kupinda muguta zviri pachenu, asi adogara kunze munzvimbo dzache wega. Asi vanhu vadoramba vachiuya kwaari vachibva kwese kwese.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]