Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

John 20 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 Early on the first day of the week, while dark, Mary Magdalene came to the tomb and saw the stone taken from it. Zvino nozuva rokuthanga rosondo Mariya wokuMagadhara adofumira kuenda kuguwa, utonga huchidotsvuka, ndokuona kuti dombo ranga riri pamuromo poguwa ranga rabiritsiwa.
2 So she ran and came to Simon Peter and the other disciple, the one Jesus loved, and told them, "They've taken the Lord from the tomb, and we don't know where they put him." Saka adomhanyira kuna Simoni Pita nokunoumwe mudzidzi, uyeuye waidiwa naJesu, ndokuti kwavari, “Vabiritsa Ishe muguwa, futi tinozivaba kwavamuisa.”
3 So Peter and the other disciple set out and went toward the tomb. Pita adobva wabirika nomudzidzi biyache vadonanga kuguwa.
4 Both ran together, but the other disciple ran faster than Peter, reaching the tomb first. Vadotizira vese, asi mudzidzi umwe adosiya Pita ndokuthanga kusvika paguwa,
5 And stooping down, he saw the linen cloths lying there, but he did not go in. Paadosongorera achinangara adoona fuko ridondoti kwobvo makaremo, asi haanai kupinda mukati.
6 Simon Peter, following him, arrived and entered the tomb, and saw the linen cloths lying there, Saka Simoni Pita waitevera, adodzosvikawo, ndokupinda muguwa, achiona mapiza nofuko zvidondoti kwobvo,
7 and the cloth that was on his head, not lying with the linen wrappings but folded separately in one place. norimwe jira ranga ridomonerera musoro wache, ranga ridotopetewa ridoisiwa parene rega.
8 The other disciple, first to reach the tomb, then went in too; he saw and believed. Zvino uye umwe mudzidzi, wanga wathanga kusvika paguwa, adodzopindawo, ndokuona achibva watenda,
9 For they still did not understand the Scripture, that he must rise from the dead. nokuti vanga vasati vanzvitsitsa gwaro rokuti waifanira kumuka kuvadopfa.
10 Then the disciples went back to their homes. Saka vadzidzi vadodzodzoka vachienda kudzimba dzavo.
11 But Mary stood outside the tomb, weeping. As she wept, she bent to look into the tomb. Mariya adomira kunze kwoguwa achirira, achirira daipo adokotama achisongorera muguwa,
12 She saw two angels in white, seated where Jesus's body had lain, one at the head, one at the feet. adobva waona ngirozi dziiri dzidosimira zvichena, dzidogarikika panga padoradzikiwa chitunha chaJesu, imwe yanga iri kumusoro imwe kumakumbo.
13 They asked her, "Woman, why are you crying?" She answered, "They took my Lord, and I don't know where they put him." Dzidoti kwaari, “Amai imi, muri kurirei?” Adoti kwadziri, “Ndava vadotora Ishe wangu, futi ndinozivaba kwavadomuisa.”
14 Saying this, she turned and saw Jesus standing there, not knowing it was Jesus. Paadonyaira zvakarezvo adocheuka kumasure ndokuona Jesu adomira, asi haanai kumuziva kuti ndiJesu.
15 Jesus said to her, "Woman, why are you crying? Who are you seeking?" Taking him for the gardener, she said, "Sir, if you carried him off, tell me where you put him, and I'll take him away." Jesu adoti kwaari, “Amai imi, sei muri kurira? Mbani wamuri kutsvaga?” Achifunga kuti ndiye waichengeta dimba, adoti kwaari, “Changamire, kana mamubiritsa, ndiudzei kwamamuisa, kuti ndimutore.”
16 Jesus said to her, "Mary." She turned and said to him in Aramaic, "Rabboni!" (which means Teacher). Jesu adomudaidza achiti, “Mariya.” Iye adochununguka ndokuti kwaari muchiHebheru, “Rabhoni!” zvinoreva kuti mudzidzisi.
17 Jesus said to her, "Do not cling to me, for I have not yet ascended to the Father. But go to my brothers and say to them, 'I am ascending to my Father and your Father.'" Jesu adoti kwaari, “Reka kundibata, ndava handinati ndakwira kuna Baba, asi enda kuhama dzangu, wovanyepa kuti ndiri kukwira kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu.”
18 Mary Magdalene went and told the disciples, "I have seen the Lord," and that he had said these things to her. Mariya wokuMagadhara adoenda ndokuti kuvadzidzi, “Ndaona Ishe, futi wandinyepa zvakarezvi zvese.”
19 That evening, the first day of the week, with the doors locked where the disciples were, for fear of the Jewish leaders, Jesus came, stood among them, and said, "Peace be with you." Kumauro kwozuva rakarero rokuthanga kwosondo, vadzidzi vanga vadoungana pabodzi vadovhara sasa romumba mavanga vari nondava yokucha vatungamiri vovaJudha, Jesu adosvika ndokuti puru pakati pavo achiti kwavari, “Runyararo kwamuri.”
20 After saying this, he showed them his hands and side. The disciples rejoiced to see the Lord. Mumasure mukunyaira zvakarezvi, adobva wavanangidza manja yache noparutivi pache. Saka vadzidzi vadodzokondwa pavadoona Ishe.
21 Jesus said to them again, "Peace to you. As the Father has sent me, so I send you." Pakare Jesu adoti kwavari, “Runyararo mbarive nemi. Sekutumiwa kwandidoitiwa naBaba naininiwo ndinokutumai.”
22 After saying this, he breathed on them and said to them, "Receive the Holy Spirit. Futi paadonyaira zvakarezvi, adovafuridzira, ndokuti kwavari, “Tambirai Mweya Mutsvene.
23 If you forgive anyone's sins, they're forgiven; if you hold back forgiveness from anyone, it's held back." Kana munhu upi zvache wamaregerera zvitema, watoregerehwa, kana mukasaregerera zvitema munhu upi zvache haaregerehwe.”
24 Now Thomas, one of the Twelve, called the Twin, was not with them when Jesus came. Manje Thomasi, waiitiwa woMamhasa ari umwe wovanogumi novairi, anga asiri pabodzi naabiyache padouya Jesu.
25 The other disciples kept telling him, "We've seen the Lord!" But he told them, "Unless I see the nail marks in his hands, put my finger where they were, and put my hand in his side, I'll never believe." Saka vadzidzi biyache vadomunyepa vachiti, “Taona Ishe.” Asi adoti kwavari, “Kusiya kwokutoti ndatoona mbonje mumaoko yache, ndabata nokakumo kangu mbonje dzozvipikiri, nokubata nojanja rangu parutivi pache ndinotendaba.”
26 Eight days later, his disciples were indoors again, Thomas with them. Though the doors were locked, Jesus came, stood among them, and said, "Peace be with you." Mumasure momazuva masere, vadzidzi vache vanga vari mumba pakare, naTomasi anga anavo. Masasa yanga yadozarihwa, asi Jesu adouya ndokuti puru pakati pavo, adobva wati, “Runyararo mbarive kwamuri.”
27 Then he said to Thomas, "Put your finger here, see my hands. Reach your hand out, put it in my side. Leave doubt behind—believe." Manje adodzoti kuna Thomasi, “Isa kakumo kako apa, uone maoko yangu futi, utambanudze ruoko rako, uriise parutivi pangu, reka kutsakidza, asi tenda.”
28 Thomas answered him, "My Lord and my God!" Thomasi adomupindura achiti, “Ishe wangu naMwari wangu!”
29 Jesus said to him, "Have you believed because you've seen me? Blessed are those who haven't seen, yet believe." Jesu adoti kwaari, “Watenda ndava wandiona? Vadoropafadziwa vasinai kuona asi vachitenda.”
30 Jesus did many other signs before his disciples, not written in this book. Zvino Jesu adoita zvimwe zviratidzo zvizinji pamberi povadzidzi, zvisinai kunyorewa mubhuku rakareri,
31 But these are written so you'll believe Jesus is the Christ, the Son of our Father, and by believing have life in his name. asi zvakarezvi zvidonyorehwa kuti mutende kuti Jesu ndiye Khirisitu, Mwanakomana waMwari, futi matenda daipo mova noupenyu muzita rache.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]