Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

John 19 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 Then Pilate took Jesus and had him flogged. Zvino Pirato adotora Jesu ndokumurova.
2 The soldiers wove a crown of thorns, put it on his head, and wrapped a purple robe around him. Futi mauto yadorukha ngundu yomwinza, ndokuiisa mumusoro mache, futi vadomusimidza jasi ridotsvukuruka,
3 They kept coming to him, saying, "Hail, King of the Jews!" and slapped his face. Vadoramba vachiuya kwaari vachiti, “Moroi Mambo wovaJudha!” Futi vadomurova mambama.
4 Pilate went out again and said to them, "Look, I'm bringing him out to you, so you'll know I find no fault in him." Pirato adobirika panze pakare, ndokuti kwavari, “Nangarai, ndaakumubiritsa kunze kwamuri, kuti muzive kuti mhosva yache ndaisairira.”
5 So Jesus came out wearing the crown of thorns and the purple robe. Pilate told them, "Here is the man!" Saka Jesu adobirika panze adosimira ngundu yomwinza nojasi ridotsvukuruka. Pirato adoti kwavari, “Munhu ndiyeyu!”
6 When the chief priests and guards saw him, they shouted, "Crucify him! Crucify him!" Pilate told them, "Take him yourselves and crucify him, since I find no guilt in him." Vakuru vovaphirisita novatungamiri vovanhu pavadondomuona, vadodaidzira vachiti, “Murovererei pamuchinjikwa, murovererei pamuchinjikwa!” Pirato adoti kwavari, “Mutorei mega mumuroverere pamuchinjikwa, ndava inipano ndasaya mhosva yache.”
7 The Jews answered him, "We have a law; by that law he must die, because he made himself the Son of God." Vatungamiri vovaJudha vadomupindura vachiti, “Tinomutemo, nomutemo wakareyo anofanira kupfa, ndava anozviti Mwanakomana waMwari.”
8 When Pilate heard this, he was even more afraid. Pirato paadonzva mazvi yakareya adotonyanyitsirafuti kucha,
9 He went into headquarters again and asked Jesus, "Where are you from?" But Jesus gave him no answer. adopinda mumuzinda pakare ndokuti kuna Jesu, “Uri wopoi?” Asi Jesu adomupinduraba.
10 So Pilate said to him, "You won't speak to me? Don't you know I have authority to release you, and authority to crucify you?" Pirato adodzoti kwaari, “Unoreka kunyaira kwandiri? Unozivaba nai kuti ndinomasimba yokukusugudura, nomasimba yokukuroverera pamuchinjikwa?”
11 Jesus answered him, "You would have no authority over me at all unless it had been given you from above. That is why the one who handed me over to you bears the greater sin." Jesu adomupindura achiti, “Unoitaba simba pamusoro pangu iwe, kusiya kwokunge waripasiwa kubva kumusoro, saka wandipereka kwauri ndiye anochitadzo chikuru.”
12 From then on, Pilate tried to release him, but the Jews cried out, "If you release him, you're no friend of Caesar. Anyone who makes himself king opposes Caesar." Kubva panguwa yakareyo Pirato adotsvaga zano rokumusunungura, asi vatungamiri vovaJudha vadodaidzira vachiti, “Kana ukasunungura munhu wakareyu, unotsvatsvana naKhesari, wese anozviita mambo anenge achitozviita mhandu yaKhesari.”
13 Hearing these words, Pilate brought Jesus out and sat on the judgment seat at a place called Stone Pavement—Gabbatha in Aramaic. Pirato paadonzva mazvi yakareyo, adobiritsa Jesu panze, ndokugarikika pamupando wokutonga uri panzvimbo yomabhwe inoitiwa Gabhata muchiHebheru.
14 It was Passover Preparation Day, about noon. He told the Jews, "Here is your King!" Manje iroro ranga riri zuva roGadziriro yoSabata, yava masikati paawa yochitanhatu. Adoti kuvaJudha, “Onai mambo wenyu!”
15 They yelled, "Take him away! Take him away! Crucify him!" Pilate asked them, "Crucify your king?" The chief priests answered, "We have no king but Caesar." Vadodaidzira vachiti, “Mubiritsei pano! Muroverei!” Vatungamiri vovaphirisita vadopindura vachiti, “Hatinai umwe mambo kusiya kwaKesari.”
16 So then he handed him over to them to be crucified. So they took Jesus, Saka adomupereka kwavari kuti arovehwe pamuchinjikwa. Saka vadotora Jesu
17 carrying his own cross, he went out to the place called The Place of a Skull, called Golgotha in Aramaic. Adobirika adotakura muchinjikwa wache, ndokuenda kunzvimbo inoitiwa Kadehenya, asi muchiHebheru ichiitiwa Gorogota.
18 There they crucified him, with two others, one on each side, Jesus in the middle. Pakarepo vadomurovera pamuchinjikwa, pabodzi novamwe vairi, vanga vari kumativi yache, iye ari pakati pavo.
19 Pilate also wrote a sign and put it on the cross: Jesus of Nazareth, King of the Jews. Pirato adonyora chikwangwari chaiti, “Jesu woNazareta, Mambo wovaJudha” ndokuchiturika pamuchinjikwa
20 Many Jews read this sign, since the place Jesus was crucified was near the city; it was written in Aramaic, Latin, and Greek. VaJudha vazinji vadoriverenga, ndava panzvimbo panga padorovehwa Jesu, panga pari papfupi nomuguta, futi panga padonyohwa muchiHebheru, muchiRatini nomuchiGiriki.
21 So the Jewish chief priests said to Pilate, "Don't write 'The King of the Jews,' but 'This man said, I am King of the Jews.'" Vatungamiri vovaphirisita novakuru vovaJudha vadodzoti kuna Pirato, “Reka kunyora kuti, ‘Mambo wovaJudha,’ asi kuti, Munhu uyu waiti, ‘Ndiri Mambo wovaJudha.’”
22 Pilate answered, "What I have written, I have written." Pirato adopindura achiti, “Zvandanyora ndanyora.”
23 After crucifying Jesus, the soldiers took his clothes and split them into four shares, one per soldier, and took the tunic too. The tunic was seamless, woven in one piece from top to bottom. Mauto pavadorovera Jesu vadotora zvipfeko zvache ndokuzviita zvipenga zvinai, uto regarega ridoita charene, nochipfeko chache chomukati. Asi chipfeko chomukati changa chisinai musono, changa chidondoita chibodzi kubva kumusoro kusvika kumukombero,
24 So they said to each other, "Let's not tear it, but cast lots for who gets it." This was to fulfill the Scripture that says, "They divided my clothes among themselves, and cast lots for my garment." So the soldiers did this. Mauto yadonyairirana yachiti, “Mbatiregei kurikerura, asi mbatikhandei hakata kuti tione kuti richava raani.” Zvakarezvi zvanga zviri kuzazisa gwaro rinoti, “Vadokovana majasi yangu, ndokukhanda hakata pazvipfeko zvangu.” Saka mauto yadoita zvakarezvi.
25 His mother, his mother's sister, Mary wife of Clopas, and Mary Magdalene stood near Jesus' cross. Panyasi pomuchinjikwa waJesu panga padomira Mariya, amai vache nomunin'ina wavo, naMariya mukadzi waKhiropasi, naMariya Magadharini.
26 Seeing his mother and the disciple he loved standing there, Jesus told her, "Woman, here is your son." Jesu paadoona amai vache, nomudzidzi waaida vadomira papfupi, adoti kuna maache, “Amai, uyu ndiye mwanakomana wenyu!”
27 Then he said to the disciple, "Here is your mother." From that hour, the disciple took her into his home. Manje adodzoti kumudzidzi, “Ava ndivo amai vako!” Futi kubvira pakarepo mudzidzi adovatora kuenda kogara navo kumba kwache.
28 After this, knowing all was now finished, Jesus said, to fulfill Scripture, "I am thirsty." Mumasure mozvakarezvi, Jesu achiziva kuti zvese zvanga zvapera, kuti azazise gwaro adoti, “Ndava nonyota.”
29 A jar full of sour wine sat there; they soaked a sponge in it, fixed it on a hyssop stalk, and lifted it to his mouth. Panga pano mbiya idozara vhiniga pakarepo, saka vadotora siponji ndokuijungirira kukamuti kohisopu ndokuinyika muvhiniga vachibva vaiisa kumuromo kwache.
30 Jesus took the sour wine and said, "It is finished." He bowed his head and gave up his spirit. Zvino Jesu paadondosvuta vhiniga, adoti, “Zvapera,” Ipopo adogurama ndokuregedzera mweya wache achibva warosa.
31 Since it was Preparation Day, and they didn't want the bodies remaining on the cross during the Sabbath—that Sabbath was a special day—the Jews asked Pilate to break their legs and remove the bodies. Nondava yokuti ranga riri Zuva Rogadziriro, kuti vareke kusiya zvitunha zviri pamuchinjikwa paSabata ndava Sabata yakarei yanga iri zuva rinokosha, vaJudha vadokumbira Pirato kuti makumbo yovadorovehwa vacho yachohwe, uye kuti vabiritsiwe.
32 So soldiers came and broke the legs of the first man, then the other crucified with him. Saka mauto yadoenda ndokuchora makumbo yowokuthanga, noyoumwe waanga adoroverehwawo pabodzi naye,
33 But coming to Jesus, seeing he was already dead, they didn't break his legs. asi pavadosvika panga pana Jesu vachiona kuti wanga wapfa kare, havanai kumuchora makumbo yache.
34 But one of the soldiers pierced his side with a spear, and blood and water immediately came out. Asi rimwe uto ridomubaya parutivi nopfumo, ndokubva gazi nomvura zvabirika pakarepo,
35 The eyewitness has testified—his testimony is true, and he knows he speaks the truth—so you also may believe. Iye adozviona adopasa upfakazi - upfakazi hwache ngwochokwadi, futi anoziva kuti anonyaira chokwadi, kuitira kuti naimimiwo mutende.
36 For these things happened to fulfill the Scripture: "Not one of his bones will be broken." Ndava zvinhu zvakarezvi zvidoitika kuti gwaro rizadzisiwe rinoti, “Hapanai bvupa rache richachohwa.”
37 And again another Scripture says, "They will look on the one they have pierced." Pakare rimwe gwaro rinoti, “Vachanangara kuna iye wavadojunga.”
38 Afterward, Joseph of Arimathea—a disciple of Jesus, but secretly, for fear of the Jews—asked Pilate to let him remove Jesus' body. Pilate agreed, so he came and removed it. Mumasure mozvakarezvo Josefa woAramatiya, wanga ari mudzidzi waJesu, asi asingazikane, nondava yokucha vatungamiri vovaJudha, adokumbira Pirato kuti amubvumire kutora chitunha chaJesu, Pirato adobva wamupasa mvumo. Saka adoenda ndokuburutsa chitunha chaJesu.
39 Nicodemus, who had first come to Jesus at night, also came, bringing a mixture of myrrh and aloes, about seventy-five pounds. Nikodhimo wokuenda kuna Jesu usiku, adouyawo nomusanganisiwa womura nogavakava zvairema makhirogiramu makumi matatu.
40 They took Jesus's body and wrapped it in linen cloths with spices, as is Jewish burial custom. Vadotora chitunha chaJesu, ndokuchiputiridza nofuko pabodzi nozvinonushira, mumaitiro yotsika yovaJudha kana vachiviga chitunha.
41 Where he was crucified there was a garden, and in the garden a new tomb where no one had yet been laid. Zvino panyasi ponzvimbo paiva nodimba uye mudimba manga munoguwa ritsva ranga risina adombovigiwa makaremo.
42 Because it was the Jewish Preparation day, and the tomb was near, they laid Jesus there. Saka nondava yozuva Rogadziriro yovaJudha, vadobva vaviga Jesu muguwa rakarero ranga riri papfupi.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]