Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

James 1 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 James, a servant of our Father and the Lord Jesus Christ, to the twelve tribes scattered among the nations: greetings. Kubva kana Jakobho, muranda waMwari nowaIshe Jesu Khirisitu. Kumarudzi gumi nomairi yadofararira pakati pomarudzi, Moroi.
2 Consider it pure joy, my brothers and sisters, whenever you face trials of many kinds, Hama dzangu, mbondotii mufaro basi, pese pamunopinda mumiedzo idosiyanasiyana,
3 because you know that the testing of your faith produces perseverance. ndava munoziva kuti kuedzewa kwokutenda kwenyu kunozvara kutsungirira.
4 Let perseverance finish its work so that you may be mature and complete, lacking nothing. Kutsungirira kunofanira kupedza basa rakwene kuti muve mipurumira idokwana pasinai chamunosaya.
5 If any of you lacks wisdom, ask our Father, who gives freely to all without criticizing, and it will be given you. Kana panoumwe wenyu anosaya uchenjeri, mbaakumbire Mwari, anondopereka zvidotambanuka kuvanhu vese uye asingatsvage mhosva, achahupasiwa.
6 Ask in faith, without doubting, for the doubter is like a sea wave, driven and tossed by the wind. Asi mbaakumbire nokutenda asingatsakidze, ndava anotsakidza adoita kunge fungu rogungwa rinosundiwa nokupupurutsiwa nomhepo.
7 That person should not expect to receive anything from our Father. Munhu wakareyo mbaareke kutarisira kuti achatambira chinhu kuna Ishe,
8 Such a person is double-minded and unstable in all their ways. munhu adodaroyo anomifungo miviri, anodekharikaba pazvese zvaanoita.
9 Let the believer in humble circumstances take pride in their high position, Hama iri pasipasi mbaidade nokukwiridzihwa kwayene,
10 but let the rich boast in their low state, since they'll pass like a wildflower. nomupfumi mbaadade nokuderedzewa kwache, ndava achapfuruka kunge ruva romusango.
11 The sun rises with scorching heat and withers the grass. Its flower falls; its beauty vanishes. So the rich fade away amid their pursuits. Ndava zuva rinobirika nochithuthu charene rosvavisa usva, ruva rousvaho rinokuhumuka, kunaka kwarene kunoparara. Ndizvo zvichaita mupfumi achaumbuka ari pakati pokuita maronda yache.
12 Blessed is the one who endures trial, because once tested they'll receive the crown of life our Father promised to those who love him. Adokomborehwa munhu anotsungirira pamuedzo, ndava kana wakunda pakuedzewa achatambira korona youpenyu idovimbisiwa naMwari kuno avo vanomuda.
13 When tempted, no one should say, "Our Father is tempting me." Evil can't tempt our Father, and he tempts no one. Pakuedzewa, mbapareke kuva nomunhu anoti, “Ndiri kuedzewa naMwari,” Ndava Mwari anoedzewaba nozvidoipa, naiye pachake anoedzaba munhu.
14 But each person is tempted, dragged away and lured by their own evil desire. Asi munhu wese anoedzewa kana zvido zvache zvidoipa zvamukwezva nokumunyengedza.
15 Then desire conceives and gives birth to sin; sin, full-grown, gives birth to death. Zvino kana chido chidoipa chabata, chinozvara chitadzo, chitadzo kana chakuritsa, chinozvara ipfa.
16 Don't be deceived, my dear brothers and sisters. Hama dzangu dzinodikana rekai kunyengedzewa.
17 Every good and perfect gift is from above, coming down from the Father of lights, who never changes or casts a shifting shadow. Chidonaka chese nochipo chese chidokwana chinoburuka chichibva kudzuru, kuna Baba vozviedza vasingasanduke kunge mimvuri inonyedza.
18 By his choice, he gave us birth through the word of truth, so we'd be a kind of firstfruits of his creation. Vadosarudza kutizvara kuburikidza noshoko rochokwadi, kuti tive chibereko chokuthanga chozvisikwa zvavo.
19 Know this, my dear brothers and sisters: everyone should be quick to listen, slow to speak, slow to anger, Hama dzangu dzinodikana, zivai zvinhu zvakarezvi. Munhu wese mbaakurumidze kunzva, achehwe kunyaira futi achehwe kukaripa,
20 because human anger does not produce the righteousness of our Father. ndava ukari hwomunhu hunouyisaba kururama kunodiwa naMwari.
21 So strip off all moral filth and excess evil; humbly receive the word planted in you, able to save your souls. Saka bisai tsambwa dzese nokuipa kudowanda, nokuzvininipisa mutambire shoko ridotimbikiwa mamuri, rinogona kukuponesai.
22 Do not merely listen to the word, and so deceive yourselves. Do what it says. Rekerai kuzvinyengedza nokundotetekera shoko basi, asi itai zvarinoreva.
23 Anyone who hears the word but doesn't act on it is like one who looks at his natural face in a mirror, Wese anotetekera shoko asi asingaite zvarinoreva adofanana nomunhu anoona chiso chache pachiringiriro,
24 and, after looking at himself, goes away and immediately forgets what he looks like. anoti kana wabva kuzvinangara, anoenda achibva wakangamwirafuti kuti adoita tini.
25 But whoever peers into the perfect law of freedom, continuing in it—not a forgetful hearer but a doer who acts—will be blessed in his doing. Asi munhu anonatsa kunangara mutemo udokwana unosunungura, kana akaramba achiita daro, asingakoshiwe zvaanzva, asi achizviita, acharopafadziwa panozvaanoita.
26 If anyone thinks himself religious but doesn't control his tongue, he deceives his own heart—his religion is worthless. Uyo anozviona semunamati asi asingadzore chirimi chache, anozvinyengedza nokunamata kwacheko hakunai nokabonyo kese.
27 Pure and spotless religion before our Father is this: caring for orphans and widows in their distress, and keeping oneself unstained from the world. Kunamata kunotambihwa naMwari Baba sekudochena kusinai tsambwa nghuku, kuchengeta hungwa novajiche pakutambudzika kwavo nokuzvichengeta kubva pakusvipisiwa nonyika.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]