Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Acts 3 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 Peter and John were going up to the temple at around three in the afternoon, the hour of prayer. Zvino rimwe zuva Pita naJohwani vanga vachienda kuimba yaMwari nonguwa yomunamato, iri nguwa yochipfemba.
2 A man lame from birth was carried and placed daily at the temple gate called Beautiful, to beg from those entering the temple. Murume wanga adoremara kubva pakuzvahwa, wanga achitakuhwa mazuva yese, vachimuisa pamusuwo woimba yaMwari udotenzewa kuti Suwo Ridonaka kuitira ambokumbira zvipo kubva kuno vaipinda muimba yaMwari.
3 Seeing Peter and John about to go into the temple, he asked them for money. Paadoona Pita naJohwani vaakutoda kupinda muimba yaMwari, adovakumbira mari.
4 And Peter, gazing at him with John, said, "Look at us." Zvino Pita naJohwani vadomunangaritsa, pakarepo Pita ndokuti, “Tinangare!”
5 And he fixed his attention on them, expecting to receive something from them. Iye ndokunangara kwavari achigurupira kutambira chinhu kubva kwavari.
6 Peter said, "I own no silver or gold, but I give you what I have: in the name of Jesus Christ of Nazareth, rise and walk." Asi Pita adoti kwaari, “Sirivha nondarama handinai, asi ndinokupasa chandinacho, muzita raJesu Khirisitu woNazareta tekaira.”
7 Taking his right hand, he raised him up; instantly his feet and ankles grew strong. Adomubata janja roruji, ndokumusumudza, pakarepo tsoka dzache nozviziso zvotsoka zvidosimbisiwa.
8 Jumping up, he stood, began walking, and entered the temple with them, walking, jumping, and praising our Father. Adochiruka ndokutekaira achipinda muimba yaMwari navo, achitekaira nokuchiruka achirumbidza Mwari.
9 And all the people saw him walking and praising our Father. Uye vanhu vese vadomuona achitekaira achirumbidza Mwari,
10 They recognized him as the beggar who sat at the temple's Beautiful Gate, and were filled with wonder and amazement at what had happened to him. vadomuziva, kuti ndiye waigara pasuwo rinoitiwa Ridonaka roimba yaMwari achikumbira zvipo, vadokanganisika nokushamisika nozvidoitika kwaari.
11 As he held on to Peter and John, all the people ran to them at the portico called Solomon's, utterly astonished. Zvino murume paanga achidobatirira kunaPita naJohwani, vanhu vese vadoshamisika ndokuuya vachitizira kwavari paberere raiitiwa raSoromoni.
12 Seeing this, Peter said to the people, "Israelites, why does this amaze you? Why stare at us, as if by our own power or godliness we made him walk? Manje Pita paadoona zvakarezvi, adoti kwavari, “Hama dzangu vaIzirairi, mashamisiwa neiko pamusoro pozvakarezvi, ndavayei muchitinangaritsa sekunge nhisu taita kuti murume wakareyu atekaire nosimba redu, kana nokururama kwedu?
13 The God of Abraham, Isaac, and Jacob, the God of our fathers, glorified his servant Jesus, whom you handed over and denied before Pilate, when Pilate decided to release him. Mwari waAbhurahamu nowaIsaki nowaJakobho, naMwari womadzibaba vedu, ndiye adokudza muranda wache Jesu, wamudopandukira uye mukamuramba pamberi paPirato, iye wasarudza kuti amusunungure.
14 But you denied the Holy and Righteous One, asking that a murderer be given to you. Asi imimi mudoramba iye Mutsvene adorurama, mudokumbira kuti musunungurihwe mhondi,
15 You killed the Author of life; our Father raised him from the dead. To this we are witnesses. Mudobaya muvambi woupenyu, asi Mwari adomumutsa kubva kuvadopfa kudeiku isisu tiri pfakazi dzozvakarezvi.
16 His name, through faith in his name, has made this man strong—the very man you see and know. And faith in Jesus has given him this complete health right before your eyes. Nokutenda muzita raJesu murume wakareyu wamuri kuona nowamunoziva waporesewa, uye kutenda kwache muna Jesu ndiko kwaita kuti murume wakareyu adomira pamberi penyu aporesewe sezvamuri kuona mese.
17 "And now, brothers, I know that you acted in ignorance, as did also your rulers. Asi zvino, hama dzangu vaIzirairi, ndinoziva kuti mudozviita nokusaya kuziva ndomwenze vatungamiri venyuwo pakamu.
18 But our Father fulfilled what he predicted through all the prophets: his Christ would suffer. Asi yakareya ndiyo mazazisiro yaadoita Mwari pano zvaadonyaira kuburikidza novaporofiti vese achizivisa kuti, Khirisitu waidzotambudzika.
19 Repent, then, and turn back, so your sins are wiped out, Pindukai ndipo, mudzokere kuna Mwari, kuitira kuti zvitadzo zvenyu zvidzimiwe, kuti nguwa dzokusanduriwa dzinobva kuna Ishe dzisvike,
20 that times of refreshing may come from our Father's presence, and that he may send the Christ appointed for you, Jesus, kuti atume Muponisi Jesu waadogadza nokuda kwenyu.
21 whom heaven must receive until all things are restored, about which our Father spoke through his holy prophets long ago. Iye anofanira kuramba ari kudenga kusvikira nguwa yasvika yokuti zvinhu zvese zviitiwe zvitsva sezvidovimbisiwa naMwari kare kuburikidza novaporofiti vache vatsvene.
22 Moses said, 'Your Father will raise up a prophet like me for you, from your brothers. Listen to him in everything he tells you.' Nokuti Mozisi adoti, ‘Ishe Mwari wenyu achakumutsirai muporofiti adofanana nainini kubva pakati pohama dzenyu. Munofanira kumutetekera pazvese zvaanokunyepai.
23 Anyone who does not listen to that prophet will be utterly destroyed from among the people.' Wese asingamutetekere achaparadziwa zvachose kubva pavanhu.’
24 All the prophets who spoke, from Samuel onward, also announced these days. NovaPorofiti vese vadonyaira, kubva panaSamueri novadodzomutevera pamasure, vadonyairawo zvomazuva yakareyano.
25 You are the sons of the prophets and of the covenant our Father made with your fathers, telling Abraham, 'By your offspring all the families of the earth will be blessed.' Imimi muri vaji vonhaka yovaPorofiti, novosungano yaMwari yaadoita nomadzibaba venyu. Paadoti kuna Abhurahamu, ‘Kuburikidza novana vako vanhu vese vopanyika vacharopafadziwa.’
26 Our Father raised up his servant and sent him to you first, to bless you by turning each of you from your evil." Mwari paadomutsa wache, adothanga kumutuma kwamuri kuti akuropafadzei achidzotsa umwe noumwe wenyu kubva panzira dzenyu dzidoipa.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]