Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Acts 2 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 When the day of Pentecost arrived, they were all together in one place. Zvino zuva roPendekositi paridosvika, vese vanga vari pabodzi, panzvimbo ibodzi.
2 Suddenly a sound like a violent, rushing wind came from heaven and filled the entire house where they sat. Pakarepo nokamangu kuunga kudobva kudenga kunenge kwomhepo inovhuvhuta nosimba, kudozaza imba yese mavanga vadogarikika.
3 What looked like divided tongues of fire appeared and rested on each one of them. Uye vadoona marimi yanenge yomoto, yachiparadzana nokuvhoda pamusoro poumwe noumwe wavo.
4 All were filled with the Holy Spirit and began speaking in other tongues, as the Spirit gave them words to say. Vese vadozaziwa naMweya Mutsvene ndokuthanga kunyaira noimwe mitauro, sekupasiwa kwavadoitiwa naMweya.
5 At that time devout Jews from every nation under heaven were living in Jerusalem. Zvino paJerusarema panga padogara vaJudha vaicha Mwari kubva kunyika dzese dzopasi pano.
6 When this sound rang out, a crowd gathered, confused, since each one heard them speak in his own language. Pavadonzva kuunga kwakareku gurusvusvu rovanhu ridoungana pabodzi, vadoshamisika maninge ndava umwe noumwe adovanzva vachinyaira nomutauro wache.
7 They were amazed and astonished, saying, "Are not all these who are speaking Galileans? Vadokanganisika vese nokushamisika, ndokuti, “Anga ivova vese vanonyairava mbaGaririyaba nai?
8 How is it, then, that each of us hears them in our own native language? Zvino seiko, umwe noumwe wedu tikuvanzva vachinyaira nomutauro wedu watidozvahwa nawo?
9 Parthians, Medes, and Elamites; those who live in Mesopotamia, Judea and Cappadocia, Pontus and Asia, VaPhatiya novaMidhiya novaIrami novanogara kuMesopotamiya, Judhiya noKapadhokiya, Pondasi noEzhiya,
10 Phrygia, Pamphylia, Egypt, the parts of Libya near Cyrene; visitors from Rome, Jews and converts to Judaism; Firigiya noPhamufiriya, Ijipiti nomativi yonyika dzoRibhiya dziri panyasi noKurini, novarendo vadobva kuRoma,
11 Cretans and Arabs—we hear them telling in our own tongues the mighty works of our Father!" vaJudha novadopindukira kuchitendero chochiJudha, vaKhirete novaArabhiya, tinovanzva vachinyaira nomitauro yedu mabasa makurufutiyo yaMwari.”
12 They were all amazed and perplexed, saying to one another, "What does this mean?" Vadoshamisika vese nokukanganisika ndokunyairirana vachiti, “Anga zvakarezvi zvinorevei?”
13 But others mocked and said, "They are full of sweet wine." Asi vamwe vadovanyomba vachiti, “Vakorewa nowaini vaimwitsa.”
14 But Peter stood with the eleven, raised his voice, and declared to them: "Men of Judea, everyone living in Jerusalem—know this and listen carefully to my words. Asi Pita, adomira novanogumi nomubodzi, adosumudza dzinga rache ndokuvaparidzira achiti, “Varume vokuJudhiya novese vanogara muJerusarema, rekai ndikutsanangurirei zvinhu zvakarevi motetekeretsa zvandinokunyepai.
15 These people are not drunk, as you suppose, for it is only nine o'clock in the morning. Nokuti varume vakareva havanai kukorewa sezvamuri kufunga imipa, zvadzichiri nguwa dzochipfemba dzomangwanani.
16 No, this is what was spoken through the prophet Joel: asi zvakarezvi ndizvo zvidonyaihwa namuporofiti Juweri achiti,
17 'And in the last days, says our Father, I will pour out my Spirit on all people; your sons and your daughters will prophesy, your young men will see visions, and your old men will dream dreams. ‘Mwari anoti mumazuva yokupedzisira, Ndichadurura Mweya wangu pamusoro povanhu vese, vanakomana venyu novanasikana venyu vachaporofita, majaha yenyu vachaona zviratidzo, noharahwa dzenyu dzicharota hope,
18 Even on my male servants and my female servants in those days I will pour out my Spirit, and they will prophesy. Inde, kana nopamusoro povaranda vangu vanhurume novanhukadzi ndichadurura Mweya wangu, mumazuva yakareyo vachaporofita.
19 I will show wonders in the heavens above and signs on the earth below—blood and fire and billows of smoke. Uye ndichaita zvinoshamisa kudenga kumusoro, nozviratidzo panyika pasi, magazi, nomoto, nokupwititika kwoutsi,
20 The sun will be turned to darkness and the moon to blood, before the great and glorious day of the Lord comes. zuva richasanduriwa kuva rima nomwedzi uchasanduriwa kuva gazi, zuva raIshe rikuru rinoshamisa risinati rasvika.
21 And everyone who calls on the name of the Lord will be saved.'" Zvino wese anodaidza kuzita raIshe achaponesewa.’
22 "Men of Israel, hear these words: Jesus of Nazareth—a man our Father attested to you through miracles, wonders, and signs our Father did through him among you, as you yourselves know. Hama vaIzirairi, tetekerai mashoko yakareya, Jesu woNazareta, murume adoisiwa kwamuri naMwari nomabasa yosimba nozvishamiso nozviratidzo zvidoitiwa naMwari kuburikidza naye pakati penyu, sezvamunozviziva imipa pachenyu,
23 This man, handed over by our Father's set plan and foreknowledge, you crucified and killed by the hands of lawless men. Murume wakareyu Jesu, adoisiwa kwamuri maererano nourongwa chaihwo hwaMwari nokuziva kwache zviri kumberi, imipa mudomurovera pamuchinjikwa ndokumubaya kuburikidza nomanja yovanhu vadoipa.
24 But our Father raised him, freeing him from death's agony, since death could not hold him. Asi Mwari adomumutsa, kubva kuvadopfa achimusunungura kubva kumahwadzo yoipfa, nokuti zvaikonekaba kuti ipfayo irambe idomubata.
25 For David says of him: 'I saw our Father always before me, for he's at my right hand, so I won't be shaken.' Nokuti Dhavhiti adonyaira pamusoro pache achiti, ‘Ndidoona Ishe pamberi pangu nguwa dzese, nokuti ari kuruji kwangu, kuti ndireke kugwetedzewa.
26 Therefore my heart was glad and my tongue rejoiced; moreover, my body also will rest in hope. Nokudaro mwoyo wangu unofara nochirimi changu chinofaritsa, uyewo muviri wangu, uchazorora mutariro,
27 For you will not abandon my soul to the grave, nor let your Holy One see decay. nokuti munosiyaba mweya wangu uri munzvimbo yovadopfa, kana kutendera Mutsvene wenyu kuti aone kuora.
28 You have shown me the paths of life; you will fill me with gladness in your presence." Mudondizivisa nzira dzoupenyu, muchandizaza nokufara muhuvepo hwenyu.’
29 "Brothers, I can tell you plainly: our ancestor David died, was buried, and his tomb remains with us to this day. Hama vaIzirairi, ndinokunyairirai pachenu zvateteguru vedu Dhavhiti, kuti iye adopfa, ndokuvikhiwa, guwa rache riri pakati pedu kusvikira nasi
30 Since he was a prophet, he knew our Father had sworn an oath to seat one of his descendants on his throne, Asi wanga ari muporofiti, waiziva kuti Mwari adomupikira mhiko yokuti achagadza pamupando wache woushe umwe wozvizvahwa zvache.
31 he foresaw and spoke of the Christ's resurrection, that he was not abandoned to the grave, nor his body saw decay. adoona zvanga zvichidzouya pamberi, ndokunyaira pamusoro pokumuka kwoMuponisi, kuti haanai kusiiwa ari munzvimbo yovadopfa, nomuviri wache haunai kuona kuora.
32 This Jesus our Father raised up, and we are all witnesses of it. Mwari adomutsa wakareyu Jesu kubva kuvadopfa isisu tese tiri pfakazi dzozvakarezvi.
33 So, lifted up to our Father's right hand, having received the promised Holy Spirit from the Father, he poured out what you now see and hear. Zvino paadosumudzihwa kujanja roruji raMwari, adopasiwa chipikihwa choMweya Mutsvene kubva kunaBaba, wadzodurura zvakarezvi zvamuri kuona nokunzva.
34 For David never went up into heaven, but he himself says: "Our Father said to my Lord, 'Sit at my right hand, Nokuti Dhavhiti haanai kukwira kudenga, asi iye adoti pachake, ‘Ishe adoti kuna Ishe wangu, garikika kujanja rangu roruji,
35 until I make your enemies a footstool for your feet.'" kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chotsoka dzako.’
36 "So let the whole house of Israel know for certain: our Father made this Jesus, whom you crucified, both Lord and Christ." Zvino imba yese yovaIzirairi mbaizvizivitsitse kuti Jesu wakareyu, wamudorovera, Mwari adomuita zvese Ishe naMuponisi.”
37 Cut to the heart at this, they asked Peter and the other apostles, "Brothers, what should we do?" Zvino vanhu pavadonzva zvakarezvi, vadobaiwa pamwoyo ndokuti kuna Pita nodzimwe nhumwa, “Hama, anga manje toita tini?”
38 Peter said to them, "Repent, and each of you be baptized in the name of Jesus Christ for the forgiveness of your sins, and you will receive the gift of the Holy Spirit. Pita adoti kwavari, “Pindukai umwe noumwe wenyu aombekewe muzita raJesu Khirisitu kuti murekerehwe zvitema zvenyu, uye muchatambira chipo choMweya Mutsvene.
39 For the promise is for you, your children, and all far off—as many as the Sovereign our Father will call to himself." Nokuti chipikihwa nyhenyu novana venyu, novese vari kurefurefu vachadzodaidziwa naIshe Mwari wedu.”
40 And with many other words he warned and urged them, saying, "Save yourselves from this corrupt generation." Uye adopfakaza noyamwe mashoko mazinji achivayambira nokuvakohomedza achiti, “Zviponesei kubva parudzi rakareri ridoipa.”
41 So those who welcomed his message were baptized, and about 3,000 people were added that day. Zvino avo vadotambira shoko rache vadoombekewa, zuva rakarero vanhu vanoda kusvika kuzviuru zvitatu vadoingidzihwa kuungano yavo.
42 They devoted themselves to the apostles' teaching and deep communion, to the breaking of bread and the prayers. Vadozvipira kudzidziso dzonhumwa nopakuwadzana, nopakukomora mazingwa, nopaminyengetero.
43 Awe came over everyone, and many wonders and signs were done through the apostles. Kucha kudouya kuvanhu vese, nokuda kwozvishamiso nozviratidzo zvizinji zvidoitiwa nonhumwa.
44 All who believed were together and had all things in common. Vatendi vese vanga vari pabodzi vaiti zvinhu zvese nzvedu tese.
45 They sold their property and possessions and distributed the proceeds to all, as anyone needed. Vadotengesa pfuma yavo nozvinhu ndokuzvikovera kuno vese, umwe noumwe pakushaiwa kwache.
46 Every day, devoting themselves together in the temple, breaking bread house to house, they shared food with joyful, sincere hearts, Zuva rimwe norimwe, vaikumana muimba yaMwari vari pabodzi, vachikomora mazingwa mudzimba dzavo, vachija zvokuja zvavo nomufaro, nomwoyo udonaka,
47 praising our Father, with favor among all the people. The Lord added to their number daily those being saved. Vachirumbidza Mwari, vachidiwa novanhu vese, zuva rimwe norimwe Ishe adoingidzira vaiponesewa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]