Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

2 John 1 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 The elder, to the chosen lady and her children, whom I love in truth—not only I, but all who know the truth, Kubva kumukuru Kumukadzi adosarudziwa naMwari nokuvana vache, vandinoda pachokwadi, aikona inini ndega, asi novese vanoziva chokwadi,
2 because of the truth that lives in us and will be with us forever. ndava chokwadi chacho chinogara matiri futi chichava naisisu nokusingapere.
3 Grace, mercy, and peace will be with us from our Father and from Jesus Christ, our Father's Son, in truth and love. Mutsa, notsitsi norugare, zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Jesu Khirisitu, Mwanakomana waBaba, zvichava naisisu muchokwadi nomurudo.
4 I was overjoyed to find some of your children walking in truth, as our Father commanded us. Zvidondipasa mufaro mukuru kuwana vamwe vana vako vachitekaira muchokwadi sezvidoraihwa naMwari.
5 Now I ask you, dear lady: not a new command, but one we've had from the start—love one another. Mukadzi, ndinokukumbiritsa zvino, handisi kukunyorera murairo mutsva, asi uye watanga tinawo kubva pakuthanga, wokuti tive vanodanana.
6 This is love: that we walk by his commands. This is the command, as you heard from the beginning: that you walk in love. Zvino rudo ndiri, rokuti titetekere mirairo yache, fanike zvaudonzva kubva pakuthanga, kuti mutevere rudo.
7 For many deceivers have gone out into the world, denying that Jesus Christ came in the flesh. This is the deceiver and the antichrist. Nokuti vanyengeri vazinji vadopinda munyika, vanhu vasingatambire kuuya kwaJesu Khirisitu panyama. Wese adodaro munyengeri nomupikisi waKirisitu.
8 Watch yourselves, so that you don't lose what we have worked for, but receive a full reward. Zvichenjererei kuti mureke kupukunyukiwa nozvamudoshandira, asi kuti mupasiwe mubairo udozara.
9 Anyone who oversteps, not remaining in Christ's teaching, lacks our Father; whoever remains in the teaching has both our Father and the Son. Wese anopinimidza pamberi asingagare mudzidziso yaKhirisitu haanai Mwari. Wese anoramba ari mukudzidzisa kwaKhirisitu anovese, Baba noMwanakomana.
10 If someone comes to you without this teaching, don't welcome them into your home or greet them, Kana umwe munhu akauya kwamuri asinai kudzidzisa kwakareku, rekai kumutambira kana kumupinza mumba menyu,
11 for whoever greets him shares in his evil deeds. wese anomutambira anokovana naye mumabasa yache yadoipa.
12 I have much to write, but I'd rather not use paper and ink. I hope to come and speak with you face to face, so our joy may be complete. Kunyange zvazvene ndino zvidowanda zvokukunyorerai, ndinosarura kureka kushandisa pepa noingi, asi ndinotarisira kuuya kuti tinyaire tidonangarana chiso nochiso, kuti mufaro wedu uve udozara.
13 The children of your chosen sister greet you. Vana vomukoma wako adosaruhwa naMwari vanokumoresa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]