Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

3 John 1 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 The elder, to the beloved Gaius, whom I love in truth. Kubva kumukuru Kumudikani Gaiyasi, wandinoda pachokwadi.
2 Beloved, I pray you prosper in every way and stay healthy, as your soul prospers. Mudikani, ndinonamatira kuti zvese zvikutekairire zvidonaka sematekairiro yadonaka yazviri kuita kumweya wako.
3 I rejoiced greatly when brothers arrived and testified about your faithfulness to the truth—for you truly are walking in it. Nokuti ndidopasiwa mufaro udokungudza padouya vamwe vatendi vachipfakaza pamusoro pomatendekero yaudoita kuchokwadi, vachinyaira kuenderera mberi kwako uchitekaira machiri.
4 I have no greater joy than this: to hear that my children are walking in the truth. Handinai mufaro mukuru unokunda wakareyu, kunzva kuti vana vangu vari kurarama muchokwadi.
5 Beloved, you act faithfully in all you do for the brothers, even strangers. Mudikani, chinhu chidotendeka chauri kuitira hama, zvidonyanya kunaka kana uchizviitira varendo.
6 They testified to your love before the church. Send them on in a way worthy of our Father. Vadopfakazira rudo rako pamberi pokherekhe. Ndapota gonekanai navo vatekaire munzira yavo nomutoo unoremekedza Mwari.
7 For they went out for the sake of the Name, accepting nothing from the Gentiles. Ndava vadobirika nokuda kwache uye hapanai chavadotambira kubva kunovasingatende.
8 Therefore we ought to support such people, so that we may be fellow workers for the truth. Tinofanira kupasa rubatsiro kuno vadodaro kuti tive vanoshanda pabodzi pashoko rochokwadi.
9 I wrote something to the church, but Diotrephes, who loves being first among them, does not receive us. Ndidonyora tsamba kukherekhe, asi Dhiyotirefasi anoda kuzviita wokuthanga haatitambire.
10 So if I come, I'll expose what he's doing—slandering us with malicious words. Not satisfied with that, he refuses to welcome the brothers, stops those who want to, and throws them out of the church. Saka pandichauya ndipo pandichabiritsa pachenu zvaari kuita, kumwaya mazvi yadoipa pamusoro pedu. Zvisiri zvakarezvi basi, asi anotoramba kutambira vamwe vatendi. Futi adotorambidza vaye vaida kuzviita, ndokutovabiritsa mukherekhe.
11 Beloved, don't imitate evil, but good. Whoever does good is from our Father; whoever does evil hasn't seen our Father. Mudikani, reka kuteedzera zvidoipa asi zvidonaka. Wese anoita zvidonaka ngwaMwari, wese anoita zvidoipa haanai kuona Mwari.
12 All speak well of Demetrius, and so does the truth. We testify too, and you know our testimony is true. Munhu wese anonyaira zvidonaka pamusoro paDhimetiriyasi, futi nochokwadi pakare chinonyairawo zvidonaka pamusoro pache, anopfakazihwa zvidonaka novanhu vese.
13 I had much to write to you, but I would rather not write with pen and ink. Ndino zvokukunyorerai zvidowanda, asi handidi kukunyorerai ndichishandisa penzura noingi.
14 I hope to see you soon, and we will talk face to face. Ndinotarisira kudzokuona tsotsono, tonyairirana chiso nochiso.
15 Peace to you. The friends send their greetings. Greet each of the friends by name. Rugare mbarive newe. Shamwari dziri kuno dziri kukumoresa. Moresa shamwari dzese kwakareko.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]