Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Romans 16 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 I commend to you our sister Phoebe, who is a servant of the church at Cenchreae, Ndinoreverera kwamuri hanzvadzi yedu Febhi, muranda wekereke iri paSeniseria.
2 so that you may welcome her in the Lord as befits our Father's people, and help her with whatever she needs from you—she has supported many, myself included. Ndinokukumbirai kuti mumugamuchire muna She sezvinofanira vatsvene uye mumubatsire pazvinhu zvose zvaangashayiwa, nokuti akabatsira zvikuru vanhu vazhinji, kusanganisira neniwo.
3 Greet Prisca and Aquila, my fellow workers in Christ Jesus, Kwazisai Pirisira naAkwira, vanobata neni muna Kristu Jesu.
4 who risked their own necks for my life—not only I thank them, but all the Gentile churches do too. Vakaisa upenyu hwavo panjodzi nokuda kwangu. Kwete ini ndoga asi kuti nekereke dzose dzavaHedheni dzinovatenda zvikuru.
5 Greet also the church gathering in their home. Greet my dear Epaenetus, firstfruit of Asia for Christ. Kwazisaiwo kereke inosangana mumba mavo. Kwazisai Epenetasi mudikani wangu, ndiye akava chibereko changu chokutanga muna Kristu munyika yeEzhia.
6 Greet Mary, who has worked hard among you. Kwazisai Maria, akakushandirai kwazvo.
7 Greet Andronicus and Junia, my fellow Jews and fellow prisoners, notable among the apostles and in Christ before me. Kwazisai Adhironikasi naJuniasi, hama dzangu vakanga vari mutorongo pamwe chete neni. Vakakurumbira pakati pavapostori, uye vakanditangirawo kuva muna Kristu.
8 Greet Ampliatus, my beloved in the Lord. Kwazisai Amupiratasi, uyo wandinoda muna She.
9 Greet Urbanus, our fellow worker in Christ, and my beloved Stachys. Kwazisai Uribhanusi, anobata nesu muna Kristu, uye naSitakisi mudikani wangu.
10 Greet Apelles, who is approved in Christ. Greet those who belong to the household of Aristobulus. Kwazisai Aperesi, akaedzwa uye akaonekwa akakwana muna Kristu. Kwazisai vemhuri yokwaAristobhurusi.
11 Greet Herodion, my fellow Jew. Greet those in the household of Narcissus who are in the Lord. Kwazisai Herodhioni, hama yangu. Kwazisai vari mumhuri yokwaNakisasi vari muna She.
12 Greet Tryphaena and Tryphosa, workers in the Lord. Greet my beloved Persis, who has worked hard in the Lord. Kwazisai Tirifena naTirifosa, vakadzi vanobata nesimba muna She. Kwazisai mudikani wangu wepamwoyo Perisisi, mumwe mukadzi anobata nesimba muna She.
13 Greet Rufus, chosen in the Lord, and his mother and mine. Kwazisai Rufusi, akasanangurwa muna She uye namai vake, vakanga vari mai vanguwo.
14 Greet Asyncritus, Phlegon, Hermes, Patrobas, Hermas, and the brothers and sisters who are with them. Kwazisai Asingiritasi, naFeregoni, naHerimesi, naPatirobhasi, naHerimasi, uye nehama dzavanadzo.
15 Greet Philologus, Julia, Nereus and his sister, and Olympas, and all our Father's people with them. Kwazisai Firorogasi naJuria, naNerea nehanzvadzi yake naOrimbasi uye navatsvene vose vavanavo.
16 Greet one another with a holy kiss. All the churches of Christ greet you. Kwazisanai nokutsvodana kutsvene. Kereke dzose dzaKristu dzinokukwazisai.
17 Brothers and sisters, I urge you: watch for those causing division and obstacles, against the teaching you learned, and turn away from them. Ndinokukumbirai zvikuru, hama dzangu, kuti muchenjerere vaya vanopesanisa uye vanoisa zvigumbuso pamberi penyu vanopikisana nedzidziso yamakadzidza imi. Muve kure navo.
18 For such people do not serve our Lord Christ but their own appetites, deceiving the unsuspecting's hearts with smooth talk and flattery. Nokuti vanhu vakadaro havasi kushumira Ishe wedu Kristu, asi dumbu ravo. Nokutaura kwakanaka uye nokubata kumeso, vanonyengera vanhu vane pfungwa dzisina uchenjeri.
19 Your obedience has reached everyone, so I rejoice over you; but I want you wise about what is good, innocent about what is evil. Vanhu vakanzwa zvokuteerera kwenyu, naizvozvo ndine mufaro mukuru pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera pane zvakanaka, uye muve vasina chavanopomerwa pane zvakaipa.
20 Our Father of peace will soon crush Satan under your feet; our Lord Jesus Christ's grace be with you. Mwari worugare achakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaIshe wedu Jesu ngadzive nemi.
21 Timothy, my fellow worker, greets you; so do Lucius, Jason, and Sosipater, my fellow Jews. Timoti, anobata neni, anokukwazisai, sezvinoita Rusiasi naJasoni naSosipata, hama dzangu.
22 I, Tertius, who wrote down this letter, greet you in the Lord. Ini Teritiasi, ndanyora tsamba iyi ndinokukwazisai muna She.
23 Gaius, host to me and the whole church, greets you. Erastus, the city treasurer, and our brother Quartus also greet you. Gayasi, uyo akandigamuchira ini nekereke yose iri kuno, anokukwazisai. Erastasi mubati wehomwe yemari yeguta nehama yedu Kwatosi vanokukwazisai.
24 Not in this edition Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose. Ameni.
25 Now to him who can strengthen you—by my gospel and the proclamation of Jesus Christ, by the revealing of the mystery hidden for long ages past, Zvino kuna iye anogona kukusimbisai nevhangeri rangu, uye nokuparidzwa kwaJesu Kristu, maererano nokuzarurwa kwechakanga chakavanzika kwamakore namakore akapfuura,
26 but now revealed and made known through prophetic writings, by command of our eternal Father, to bring all nations to the obedience of faith, asi zvino chakaratidzwa uye chikaziviswa kubudikidza nezvinyorwa zvavaprofita nokurayira kwaMwari anogara nokusingaperi, kuti ndudzi dzose dzigomuteerera uye dzimutende,
27 to our only wise Father, through Jesus Christ, be the glory forever! Amen. kuna iye oga Mwari akachenjera ngakuve nokubwinya nokusingaperi kubudikidza naJesu Kristu. Ameni.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]