Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Proverbs 20 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Wine is a mocker, strong drink a brawler, and whoever staggers under it is not wise. Waini museki uye doro mupopoti; ani naani anotsauswa nazvo haana kuchenjera.
2 The terror of a king is like the growl of a lion; whoever provokes him to anger forfeits his own life. Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba; uyo anomutsamwisa anotadzira upenyu hwake.
3 It is an honor for a person to keep clear of strife, but every fool is quick to quarrel. Munhu achakudzwa kana akagara kure nokukakavara, asi benzi rimwe nerimwe rinokurumidza kupopota.
4 A lazy person will not plow in autumn; so at harvest he looks for a crop and finds nothing. Simbe hairimi mumwaka wokurima; saka panguva yokukohwa anotsvaka asi hapana chaanowana.
5 The purposes of a person's heart are deep waters, but one who has understanding draws them out. Zvinangwa zvomwoyo womunhu imvura yakadzika, asi munhu akachenjera achaichera.
6 Many a person proclaims his own loyal love, but a faithful one—who can find? Vanhu vazhinji vanoti vane rudo rusingagumi, asi munhu akatendeka angawanikwa kupiko?
7 The righteous walk in their integrity; blessed are their children after them! Munhu akarurama anorarama upenyu hwakanaka; vana vake vanomutevera vakaropafadzwa.
8 A king seated on the throne of judgment winnows out all evil with his eyes. Kana mambo achinge agara pachigaro chake kuti atonge, anopepeta zvakaipa zvose nameso ake.
9 Who can say, "I have kept my heart pure; I am cleansed from my sin"? Ndiani angati, “Ndakachengeta mwoyo wangu wakachena; ndakachena uye handina zvivi”?
10 Unequal weights and unequal measures—our Father detests them both. Zviereso zvakasiyana nezvipimo zvakasiyana Jehovha anozvivenga zvose.
11 Even a child is known by his actions, by whether his conduct is pure and upright. Kunyange mwana anozivikanwa nezvaanoita, kuti tsika dzake dzakanaka uye kuti dzakarurama here.
12 The hearing ear and the seeing eye—our Father made them both. Nzeve dzinonzwa nameso anoona, Jehovha ndiye akazviita zvose zviri zviviri.
13 Do not love sleep, or you will grow poor; open your eyes, and you will have plenty of bread. Usafarira kurara kana kuti uchava murombo; svinudza meso ako ipapo uchava nezvokudya zvakawanda.
14 "Worthless, worthless!" says the buyer—then off he goes and boasts of his bargain. “Hazvina kunaka, hazvina kunaka!” ndizvo zvinotaura mutengi; ipapo hoyo oenda achizvirumbidza pamusoro pezvaatenga.
15 There is gold and an abundance of jewels, but lips that speak knowledge are a rare treasure. Goridhe riripo, uye matombo anokosha amarubhi azere, asi miromo inotaura zivo ndicho chinhu chinokosha chisipo.
16 Take the garment of one who puts up security for a stranger; hold it as a pledge when he does so for foreigners. Mutorerei nguo yake, uyo anoitira mutorwa rubatso; itorei sorubatso kana azviitira mukadzi asingazvibati.
17 Bread gained by deceit tastes sweet, but afterward the mouth is full of gravel. Zvokudya zvakawanikwa nokunyengera zvinonaka kumunhu, asi achapedzisira ava nomukanwa mazara jecha.
18 Plans are established by counsel; so wage war only with wise guidance. Ita urongwa nokutsvaga mazano; kana uchironga hondo, tsvaka kutungamirirwa.
19 A gossip betrays a confidence; so do not keep company with a babbler. Guhwa rinoputsa chivimbo; saka furatira munhu anotaurisa.
20 Whoever curses his father or mother—his lamp will be snuffed out in deepest darkness. Kana munhu akatuka baba vake kana mai vake, mwenje wake uchadzimwa parima guru.
21 An inheritance gained too quickly at the start will not be blessed in the end. Nhaka yakakurumidza kuwanikwa pakutanga haingaropafadzwi pamagumo ayo.
22 Do not say, "I will pay back evil for evil." Wait for our Father, and he will deliver you. Usati, “Ndichatsiva zvawanditadzira izvi!” Mirira Jehovha, uye iye achakubatsira.
23 Our Father detests unequal weights, and dishonest scales are no good. Jehovha anovenga zviereso zvinosiyana, uye zviero zvinonyengera hazvimufadzi.
24 A person's steps are directed by our Father; how then can anyone understand his own way? Kufamba kwomunhu kunotungamirirwa naJehovha. Zvino munhu anganzwisisa sei nzira yake?
25 It is a trap to rashly dedicate something and only later reconsider the vow. Musungo kumunhu kuti akumikidze chimwe chinhu nokukurumidza uye ozorangarira mhiko dzake pava paya.
26 A wise king winnows out the wicked and drives the threshing wheel over them. Mambo akachenjera anopepeta zvakaipa; anofambisa vhiri rokupura pamusoro pavo.
27 The human spirit is the lamp of our Father, searching every inmost part. Mwenje waJehovha unonzvera mweya womunhu; unonzvera zviri mukatikati make.
28 Loyal love and faithfulness preserve a king; by loyal love his throne is upheld. Rudo nokutendeka zvinochengetedza mambo; kubudikidza norudo chigaro chake chinosimbiswa.
29 The glory of the young is their strength, but the splendor of the old is gray hair. Kukudzwa kwamajaya ndiro simba ravo, bvudzi jena kubwinya kwavakwegura.
30 Wounding blows scrub away evil, and beatings cleanse the inmost parts. Kurohwa nokukuvadzwa zvinobvisa zvakaipa, uye kurohwa neshamhu kunovaka munhu womukati.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]