1When Moses finished setting up the tabernacle, he anointed and dedicated it and all its furnishings, the altar and all its utensils, anointing and dedicating them.OSCBMozisi akati apedza kumisa tabhenakeri, akaizodza akaitsaura pamwe chete nemidziyo yayo yose. Akazodzawo nokutsaura aritari nemidziyo yayo yose.
2Then Israel's leaders—heads of their fathers' houses, the tribal leaders in charge of the census—brought an offering.OSCBIpapo vatungamiri veIsraeri, vakuru vedzimba avo vakanga vari vatungamiri vamarudzi vari vatariri vavaya vakanga vaverengwa, vakapa zvipiriso.
3They brought their offering before our Father: six covered wagons, twelve oxen—a wagon per two leaders, an ox for each—then presented them before the tabernacle.OSCBVakauyisa sezvipiriso zvavo pamberi paJehovha, ngoro nhanhatu dzakafukidzirwa nenzombe gumi nembiri, nzombe kubva kumutungamiri mumwe nomumwe uye ngoro kubva kuvaviri vaviri. Izvi zvakaiswa pamberi petabhenakeri.
4And our Father said to Moses,OSCBJehovha akati kuna Mozisi,
5"Take these from them for the tent of meeting's service; give them to the Levites, each according to his service."OSCB“Gamuchira izvi kubva kwavari kuti zvigoshandiswa mubasa paTende Rokusangana. Uzvipe kuvaRevhi maererano nebasa romunhu mumwe nomumwe.”
6So Moses took the wagons and the oxen and gave them to the Levites.OSCBSaka Mozisi akatora ngoro nenzombe akazvipa kuvaRevhi.
7Two wagons and four oxen he gave to the sons of Gershon, according to their service.OSCBAkapa kuvaGerishoni ngoro mbiri nenzombe ina, maererano nezvaidiwa pabasa ravo,
8He gave four wagons and eight oxen to Merari's sons, for their service, under Ithamar son of Aaron the priest.OSCBuye akapa ngoro ina nenzombe tsere kuvaMerari, maererano nezvaidiwa pabasa ravo. Vose vakanga vachirayirwa naItamari mwanakomana waAroni, muprista.
9To the sons of Kohath he gave none, since the holy things' service was theirs—carried on the shoulder.OSCBAsi Mozisi haana kupa chinhu kuvanakomana vaKohati, nokuti vaifanira kutakura zvinhu zvitsvene pamapfudzi avo, iri ndiro raiva basa ravo.
10On the day the altar was anointed, the leaders brought its dedication offering; the leaders brought their offering before the altar.OSCBAritari yakati yazodzwa, vatungamiri vakauya nezvipiriso zvavo zvokukumikidzwa kwayo vakazviisa pamberi pearitari.
11And our Father said to Moses, "Each day one leader is to bring his offering for the altar's dedication."OSCBNokuti Jehovha akanga ati kuna Mozisi, “Zuva rimwe nerimwe, mutungamiri mumwe chete anofanira kuuya nechipiriso chake chokukumikidza aritari.”
12Nahshon son of Amminadab, of Judah's tribe, presented his offering on the first day.OSCBNashoni mwanakomana waAminadhabhi worudzi rwaJudha, ndiye akauya nechipiriso chake pazuva rokutanga.
13His offering: one silver plate, about three and a quarter pounds, and one silver basin, about one and three-quarter pounds, both filled with fine flour mixed with oil for a grain offering.OSCBChipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya imwe chete yokusasa yesirivha yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, rimwe nerimwe rizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
14One gold dish weighing about four ounces, full of incense;OSCBdhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
15one young bull, one ram, and one male lamb a year old, for a burnt offering;OSCBhando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete negwayana rimwe chete romukono wegore rimwe chete, zvechipiriso chinopiswa;
16one male goat for a sin offering;OSCBnhongo imwe chete yembudzi yechipiriso chechivi;
17for the peace offering: two oxen, five rams, five male goats, five year-old male lambs. This was Nahshon son of Amminadab's offering.OSCBuye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaNashoni mwanakomana waAminadhabhi.
18On the second day Nethanel son of Zuar, the leader of Issachar, presented an offering.OSCBPazuva rechipiri, Netaneri mwanakomana waZuari, mutungamiri waIsakari, akauya nechipiriso chake.
19His offering: one silver plate weighing about three and a quarter pounds, one silver bowl weighing about one and three-quarter pounds, both filled with fine flour mixed with oil for a grain offering.OSCBChipiriso chaakauya nacho chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya imwe chete yokusasa yesirivha yairema makumi manomwe amashekeri, zvose zviri zviviri zvaiva zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo, maererano neshekeri renzvimbo tsvene;
20One gold dish weighing about four ounces, full of incense;OSCBdhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
21one young bull, one ram, and one male lamb a year old, for a burnt offering;OSCBhando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete nomukono wegwayana regore rimwe chete, zvechipiriso chinopiswa;
22one male goat for a sin offering;OSCBnhongo imwe chete yembudzi yechipiriso chechivi;
23for the peace offering: two oxen, five rams, five male goats, five year-old male lambs. This was Nethanel son of Zuar's offering.OSCBuye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaNetaneri mwanakomana waZuari.
24On the third day it was Eliab son of Helon, the leader of the sons of Zebulun.OSCBPazuva rechitatu, Eriabhi mwanakomana waHeroni, mutungamiri wavanhu vokwaZebhuruni, akauya nechipiriso chake.
25His offering: one silver plate weighing about three and a quarter pounds, one silver basin weighing about one and three-quarter pounds, both full of fine flour mixed with oil for a grain offering;OSCBChipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya imwe chete yokusasa yesirivha yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chechivi;
26one gold dish weighing about four ounces, full of incense;OSCBdhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
27one young bull, one ram, and one male lamb a year old, for a burnt offering;OSCBhando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete nomukono wegwayana regore rimwe chete zvechipiriso chinopiswa;
28one male goat for a sin offering;OSCBnhongo imwe chete yembudzi yechipiriso chechivi;
29for the peace offering sacrifice: two oxen, five rams, five male goats, five male lambs a year old. This was Eliab son of Helon's offering.OSCBuye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaEriabhi mwanakomana waHeroni.
30On the fourth day it was Elizur son of Shedeur, the leader of the sons of Reuben.OSCBPazuva rechina, Erizuri mwanakomana waShedheuri, mutungamiri wavanhu vokwaRubheni, akauya nechipiriso chake.
31His offering: one silver plate, about three and a quarter pounds, and one silver basin, about one and three-quarter pounds—both full of fine flour mixed with oil for a grain offering.OSCBChipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya imwe chete yokusasa yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
32One gold dish weighing about four ounces, full of incense;OSCBdhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
33one young bull, one ram, and one male lamb a year old, for a burnt offering;OSCBhando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete nomukono mumwe chete wegwayana regore rimwe chete zvechipiriso chinopiswa;
34one male goat for a sin offering;OSCBnhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;
35and for the peace offering sacrifice: two oxen, five rams, five male goats, five male lambs a year old. This was Elizur son of Shedeur's offering.OSCBuye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaErizuri mwanakomana waShedheuri.
36On the fifth day it was Shelumiel son of Zurishaddai, the leader of the sons of Simeon.OSCBPazuva rechishanu, Sherumieri mwanakomana waZurishadhai, mutungamiri wavanhu vokwaSimeoni akauya nechipiriso chake.
37His offering: one silver plate, about three and a quarter pounds, one silver basin, about one and three-quarter pounds, both full of fine flour mixed with oil for a grain offering.OSCBChipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yakanga ichirema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
38One gold dish weighing about four ounces, full of incense;OSCBdhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
39one young bull, one ram, and one male lamb a year old, for a burnt offering;OSCBhando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete uye mukono wegwayana mumwe chete wegore rimwe chete zvechipiriso chinopiswa;
40one male goat for a sin offering;OSCBnhongo imwe chete yechipiriso chechivi;
41for the sacrifice of peace offerings: two oxen, five rams, five male goats, five year-old male lambs. This was Shelumiel son of Zurishaddai's offering.OSCBuye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaSherumieri mwanakomana waZurishadhai.
42On the sixth day it was Eliasaph son of Deuel, the leader of the sons of Gad.OSCBPazuva rechitanhatu, Eriasafi mwanakomana waDheueri, mutungamiri wavanhu vokwaGadhi, akauya nechipiriso chake.
43His offering was one silver plate, about three and a quarter pounds, and one silver basin, about one and three-quarter pounds, both filled with fine flour mixed with oil for a grain offering.OSCBChipiriso chake chakanga chiri ndiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
44One gold dish weighing about four ounces, full of incense;OSCBdhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
45one young bull, one ram, and one male lamb a year old, for a burnt offering;OSCBhando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete uye mukono mumwe chete wegwayana regore rimwe chete, zvechipiriso chinopiswa;
46one male goat for a sin offering;OSCBnhongo imwe chete yembudzi yechipiriso chechivi;
47for the peace offering: two oxen, five rams, five male goats, five male yearling lambs. This was Eliasaph son of Deuel's offering.OSCBnenzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaEriasafi mwanakomana waDheueri.
48On the seventh day it was Elishama son of Ammihud, the leader of the sons of Ephraim.OSCBPazuva rechinomwe, Erishama mwanakomana waAmihudhi, mutungamiri wavanhu vokwaEfuremu, akauya nechipiriso chake.
49His offering: one silver plate, about three and a quarter pounds, and one silver basin, about one and three-quarter pounds, both filled with fine flour mixed with oil for a grain offering;OSCBChipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo,
50one gold dish weighing about four ounces, full of incense;OSCBdhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
51one young bull, one ram, and one male lamb a year old, for a burnt offering;OSCBhando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete uye mukono wegwayana wegore rimwe chete, kuti zvive chipiriso chinopiswa;
52one male goat for a sin offering;OSCBnhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;
53for the sacrifice of peace offerings: two oxen, five rams, five male goats, five male lambs a year old. This was Elishama son of Ammihud's offering.OSCBuye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaErishama mwanakomana waAmihudhi.
54On the eighth day it was Gamaliel son of Pedahzur, the leader of the sons of Manasseh.OSCBPazuva rorusere Gamarieri mwanakomana waPedhazuri, mutungamiri wavanhu vokwaManase akauya nechipiriso chake.
55His offering: one silver plate, about three and a quarter pounds, and one silver basin, about one and three-quarter pounds, both full of fine flour mixed with oil for a grain offering.OSCBChipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
56One gold dish weighing about four ounces, full of incense;OSCBdhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
57one young bull, one ram, and one male lamb a year old, for a burnt offering;OSCBhando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete uye mukono mumwe chete wegwayana regore rimwe chete, sechipiriso chinopiswa;
58one male goat for a sin offering;OSCBnhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;
59for the peace offering: two oxen, five rams, five male goats, five year-old male lambs. Offering of Gamaliel son of Pedahzur.OSCBuye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaGamarieri mwanakomana waPedhazuri.
60On the ninth day it was Abidan son of Gideoni, the leader of the sons of Benjamin.OSCBPazuva repfumbamwe, Abhidhani mwanakomana waGidheoni mutungamiri wavanhu vokwaBhenjamini, akauya nechipiriso chake.
61His offering: one silver plate, about three and a quarter pounds, one silver basin, about one and three-quarter pounds, both full of fine flour mixed with oil for a grain offering.OSCBChipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye nembiya yesirivha yokusasa yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo.
62One gold dish weighing about four ounces, full of incense;OSCBNdiro yegoridhe imwe chete yairema mashekeri gumi, izere nezvinonhuhwira;
63one young bull, one ram, and one male lamb a year old, for a burnt offering;OSCBhando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete uye mukono mumwe chete wegwayana regore rimwe chete, sechipiriso chinopiswa;
64one male goat for a sin offering;OSCBnhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;
65for the peace-offering sacrifice: two oxen, five rams, five male goats, five yearling male lambs. This was Abidan son of Gideoni's offering.OSCBuye nzombe mbiri makondobwe mashanu, nhongo dzembudzi shanu namakwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaAbhidhani mwanakomana waGidheoni.
66On the tenth day it was Ahiezer son of Ammishaddai, the leader of the sons of Dan.OSCBPazuva regumi, Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai, mutungamiri wavanhu vokwaDhani, akauya nechipiriso.
67His offering: one silver plate weighing about three and a quarter pounds, one silver basin weighing about one and three-quarter pounds, both full of fine flour mixed with oil for a grain offering.OSCBChipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
68One gold dish weighing about four ounces, full of incense;OSCBdhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi rizere nezvinonhuhwira;
69one young bull, one ram, and one male lamb a year old, for a burnt offering;OSCBhando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete nomukono mumwe chete wegwayana wegore rimwe chete, sechipiriso chinopiswa;
70one male goat for a sin offering;OSCBnhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;
71for the peace-offering sacrifice: two oxen, five rams, five male goats, five male year-old lambs. This was Ahiezer son of Ammishaddai's offering.OSCBuye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi namakwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaAhiezeri mwanakomana waAmishadhai.
72On the eleventh day it was Pagiel son of Ochran, the leader of the sons of Asher.OSCBPazuva regumi nerimwe, Pagieri mwanakomana waOkirani, mutungamiri wavanhu vokwaAsheri, akauya nechipiriso chake.
73He offered a silver plate, about three and a quarter pounds, and a silver basin, about one and three-quarter pounds, both filled with fine flour mixed with oil for a grain offering;OSCBChipiriso chake chakanga chiri chendiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
74one gold dish weighing about four ounces, full of incense;OSCBdhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
75one young bull, one ram, and one male lamb a year old, for a burnt offering;OSCBhando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete nomukono wegwayana wegore rimwe chete, kuti zvive chipiriso chinopiswa;
76one male goat for a sin offering;OSCBnhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;
77and for the sacrifice of peace offerings: two oxen, five rams, five male goats, five male lambs a year old. The offering of Pagiel son of Ochran.OSCBuye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi namakwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaPagieri mwanakomana waOkirani.
78On the twelfth day it was Ahira son of Enan, the leader of the sons of Naphtali.OSCBPazuva regumi namaviri, Ahira mwanakomana waEnani, mutungamiri wavanhu vokwaNafutari, akauya nechipiriso chake.
79His offering: one silver plate, about three and a quarter pounds, and one silver basin, about one and three-quarter pounds, both filled with fine flour mixed with oil for a grain offering.OSCBChipiriso chake chakanga chiri chendiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe zvose zviri zviviri zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
80One gold dish weighing about four ounces, full of incense;OSCBdhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
81one young bull, one ram, and one male lamb a year old, for a burnt offering;OSCBhando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete uye nomukono wegwayana wegore rimwe chete, kuti zvive chipiriso chinopiswa;
82one male goat for a sin offering;OSCBnhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;
83and for the peace-offering sacrifice: two oxen, five rams, five male goats, five male lambs a year old. Ahira son of Enan's offering.OSCBuye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi namakwayana makono mashanu egore rimwe chete kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaAhira mwanakomana waEnani.
84This was the altar's dedication offering when it was anointed, from Israel's leaders: twelve silver plates, twelve silver basins, twelve gold dishes.OSCBIzvi ndizvo zvakanga zviri zvipiriso zvavatungamiri veIsraeri pakukumikidzwa kwearitari payakazodzwa; ndiro dzesirivha gumi nembiri, mbiya dzesirivha dzokusasa gumi nembiri namadhishi egoridhe gumi namaviri.
85Each silver plate weighed about three and a quarter pounds, each basin about one and three-quarter pounds; all the silver of the vessels totaled about sixty pounds.OSCBNdiro imwe neimwe yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu uye mbiya imwe neimwe yokusasa yairema mashekeri makumi manomwe. Pamwe chete madhishi esirivha airema zviuru zviviri namazana mana amashekeri, maererano neshekeri renzvimbo tsvene.
86The twelve gold dishes full of incense weighed about four ounces each; all the gold totaled about three pounds.OSCBMadhishi egoridhe gumi namaviri akanga azere nezvinonhuhwira airema mashekeri zana namakumi maviri.
87All the cattle for the burnt offering: twelve bulls, twelve rams, twelve year-old male lambs, with their grain offering; and twelve male goats for the sin offering.OSCBUwandu hwezvipfuwo zvechipiriso chinopiswa pamwe chete hwaiti hando duku gumi nembiri, makondobwe gumi namaviri namakondobwe maduku egore rimwe chete gumi namaviri, pamwe chete nechipiriso chadzo chezviyo. Nhongo dzembudzi gumi nembiri dzakashandiswa pachipiriso chechivi.
88All the cattle for the peace offering sacrifices: twenty-four bulls, sixty rams, sixty male goats, sixty male year-old lambs. This was the altar's dedication offering, after it was anointed.OSCBUwandu hwezvipfuwo zvechibayiro chokuwadzana pamwe chete hwaiti nzombe makumi maviri neina, makondobwe makumi matanhatu, nhongo dzembudzi makumi matanhatu namakondobwe maduku egore rimwe chete makumi matanhatu. Izvi ndizvo zvakanga zviri zvipiriso zvokukumikidzwa kwearitari shure kwokuzodzwa kwayo.
89When Moses entered the tent of meeting to speak with our Father, he heard the voice speaking to him from above the mercy seat on the ark of the testimony, between the two cherubim—so our Father spoke with him.OSCBMozisi akati apinda muTende Rokusangana kundotaura naJehovha, akanzwa inzwi richitaura naye richibva napakati pamakerubhi maviri pamusoro pechifukidzo cheareka yeChipupuriro. Uye akataura naye.