Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father spoke to Moses in the Sinai wilderness, in the tent of meeting, on the first day of the second month of the second year after they left the land of Egypt. He said: Jehovha akataura naMozisi muTende Rokusangana, vari murenje reSinai, nezuva rokutanga romwedzi wechipiri, mugore rechipiri shure kwokubuda kwavaIsraeri muIjipiti, achiti,
2 "Count the whole community of Israel's people, by clans and fathers' houses—every male, by name, head by head. “Verenga ungano yose yavaIsraeri nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo, uchinyora murume wose wose nezita rake, mumwe nomumwe.
3 Register everyone in Israel twenty and older who can serve in the army—you and Aaron—by their divisions. Iwe naAroni munofanira kuverenga varume vose vari muIsraeri namapoka avo vane makore makumi maviri kana anodarika vanogona kurwa muhondo.
4 A man from each tribe is to be with you, each one the head of his family. Murume mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe, mumwe nomumwe ari mukuru wemhuri yake achakubatsira.
5 "Names of the men who will stand with you: from Reuben, Elizur son of Shedeur. “Aya ndiwo mazita avarume vanofanira kukubatsira: “kubva kwaRubheni, Erizuri mwanakomana waShedheuri;
6 "From Simeon, Shelumiel son of Zurishaddai; kubva kwaSimeoni, Sherumieri mwanakomana waZurishadhai;
7 "From Judah, Nahshon son of Amminadab; kubva kwaJudha, Nashoni mwanakomana waAminadhabhi;
8 "From Issachar, Nethanel son of Zuar; kubva kwaIsakari, Netaneri mwanakomana waZuari;
9 "From Zebulun, Eliab son of Helon; kubva kwaZebhuruni, Eriabhi mwanakomana waHeroni;
10 "From the sons of Joseph: from Ephraim, Elishama son of Ammihud; from Manasseh, Gamaliel son of Pedahzur; kubva kuvanakomana vaJosefa: kubva kuna Efuremu, Erishama mwanakomana waAmihudhi; kubva kuna Manase, Gamarieri mwanakomana waPedhazuri;
11 "From Benjamin, Abidan son of Gideoni; kubva kwaBhenjamini, Abhidhani mwanakomana waGidheoni;
12 "From Dan, Ahiezer son of Ammishaddai; kubva kwaDhani, Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai;
13 "From Asher, Pagiel son of Ochran; kubva kwaAsheri, Pagieri mwanakomana waOkirani;
14 "From Gad, Eliasaph son of Deuel; kubva kwaGadhi, Eriasafi mwanakomana waDheueri;
15 "From Naphtali, Ahira son of Enan. kubva kwaNafutari, Ahira mwanakomana waEnani.”
16 "These were the community's called ones, leaders of their ancestral tribes, heads of Israel's clans." Ava ndivo varume vakatsaurwa kubva paungano, vatungamiri vamarudzi amadzibaba avo. Ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavaIsraeri.
17 So Moses and Aaron took these men who had been designated by name, Mozisi naAroni vakatora varume ava vane mazita avakanga vapiwa,
18 on the first day of the second month they gathered the whole community. The people registered their ancestry by clan and family—every male twenty years old and older, listed by name, one by one, vakaunganidza ungano yose pamwe chete pazuva rokutanga romwedzi wechipiri. Vanhu vakaratidza madzitateguru avo, dzimba dzavo nemhuri dzavo, uye varume vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vakanyorwa mazita avo mumwe nomumwe,
19 as our Father had commanded Moses. So Moses counted them in the wilderness of Sinai. sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Nokudaro akavaverenga muRenje reSinai:
20 From Reuben's descendants, Israel's firstborn: recorded by clan and family, name by name, every male twenty years old and up, able to serve in war. Kubva kuzvizvarwa zvaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakaverengwa uye vakanyorwa mazita, mumwe nomumwe, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
21 Those counted from the tribe of Reuben were 46,500. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaRubheni vaiva zviuru makumi mana nezvitanhatu, namazana mashanu.
22 Simeon's descendants, by clans and families, counted by name, head by head: every male twenty years old and up, fit for the army. Kubva kuzvizvarwa zvaSimeoni: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakaverengwa uye vakanyorwa mazita, mumwe nomumwe, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
23 Those counted from the tribe of Simeon were 59,300. Vakaverengwa vaibva kurudzi rwaSimeoni vaisvika zviuru makumi mashanu nezvipfumbamwe, namazana matatu.
24 From Gad's descendants: by clans, families, and names, every man twenty and older fit for military service. Kubva kuzvizvarwa zvaGadhi: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika, vaigona kurwa muhondo, vakanyorwa mazita maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
25 Those counted from the tribe of Gad were 45,650. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaGadhi vaisvika zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu namakumi mashanu.
26 Judah's descendants, listed by clans and families, by name, every man twenty and older able to serve in the army: Kubva kuzvizvarwa zvaJudha: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
27 those counted from the tribe of Judah were 74,600. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaJudha vaisvika zviuru makumi manomwe nezvina, namazana matanhatu.
28 Issachar's descendants, listed by clan and family, by name, every man twenty years and older fit for war: Kubva kuzvizvarwa zvaIsakari: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
29 those counted from the tribe of Issachar were 54,400. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaIsakari vaisvika zviuru makumi mashanu nezvina, namazana mana.
30 Zebulun's descendants: registered by clan and family, by name, every man twenty years old or older fit for military service. Kubva kuzvizvarwa zvaZebhuruni: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
31 Those counted from the tribe of Zebulun were 57,400. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaZebhuruni vaisvika zviuru makumi mashanu nezvinomwe, namazana mana.
32 Sons of Joseph, Ephraim's line: recorded by clan and family, by name, every man twenty and older fit for military service. Kubva kuvanakomana vaJosefa: Kubva kuzvizvarwa zvaEfuremu: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
33 Those counted from the tribe of Ephraim were 40,500. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaEfuremu vaisvika zviuru makumi mana, namazana mashanu.
34 Manasseh's descendants, listed by clans and families, by name, each man twenty years or older able to serve in the army: Kubva kuzvizvarwa zvaManase: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
35 those counted from the tribe of Manasseh were 32,200. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaManase vaisvika zviuru makumi matatu nezviviri, namazana maviri.
36 From Benjamin's descendants, recorded by clan and family, by name, every man twenty years old and older, fit for military service: Kubva kuzvizvarwa zvaBhenjamini: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba nezvemhuri dzavo.
37 those counted from the tribe of Benjamin were 35,400. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaBhenjamini vaisvika zviuru makumi matatu nezvishanu, namazana mana.
38 From Dan's descendants, listed by clan and family, by name, every man twenty years old and older fit for war: Kubva kuzvizvarwa zvaDhani: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika, vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
39 those counted from the tribe of Dan were 62,700. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaDhani vaisvika zviuru makumi matanhatu nezviviri, namazana manomwe.
40 Asher's descendants, listed by clan and family, by name: every man twenty years old and up, fit for military service. Kubva kuzvizvarwa zvaAsheri: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo uye nezvemhuri dzavo.
41 Those counted from the tribe of Asher were 41,500. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaAsheri vaisvika zviuru makumi mana nechimwe chete, namazana mashanu.
42 Naphtali's descendants: by clan and family, counted by name, every man twenty and older fit for war. Kubva kuzvizvarwa zvaNafutari: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
43 Those counted from the tribe of Naphtali were 53,400. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaNafutari vaisvika zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana.
44 Moses, Aaron, and Israel's twelve leaders counted these men, each for his family. Ava ndivo varume vakaverengwa naMozisi naAroni navatungamiri veIsraeri gumi nevaviri, mumwe nomumwe achimiririra mhuri yake.
45 All Israel's people were counted by families, every man twenty years old and older, fit to serve in Israel's army. VaIsraeri vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo yeIsraeri vakaverengwa maererano nemhuri dzavo.
46 All those counted came to 603,550. Vose vakaverengwa vakasvika zviuru mazana matanhatu nezvitatu, namazana mashanu ana makumi mashanu.
47 But the Levites were not counted among them by their ancestral tribe. Kunyange zvakadaro, mhuri dzavaRevhi hadzina kuverengwa pamwe chete navamwe.
48 For our Father had said to Moses: Jehovha akanga ati kuna Mozisi:
49 "Do not count the tribe of Levi or list them among the Israelites. “Haufaniri kuverenga rudzi rwaRevhi kana kuvabatanidzira pakuverengwa kwavamwe vaIsraeri.
50 Instead, put the Levites in charge of the tabernacle of the testimony, all its furnishings, and everything belonging to it. They must carry the tabernacle and its furnishings, care for it, and camp around it. Asi ugadze vaRevhi kuti vave vatariri vetabhenakeri yeChipupuriro, napamusoro pemidziyo yayo yose; vanofanira kutakura tabhenakeri nemidziyo yayo yose; vanofanira kuichengeta nokuikomberedza nemisasa yavo.
51 When the tabernacle sets out, Levites take it down; when it is pitched, Levites set it up. Any outsider who comes near is to be put to death. Panguva yose inobviswa tabhenakeri, vaRevhi ndivo vanofanira kuidzikisa pasi, uye panguva yose yainomiswa, vaRevhi ndivo vanofanira kuita izvozvo. Ani zvake mumwewo anoswedera kwairi achaurayiwa.
52 Israel's people are to camp, each by his own camp, each under his own banner, by their companies. VaIsraeri vanofanira kudzika matende avo namapoka avo, murume mumwe nomumwe mumusasa wake pasi pomureza wokwake.
53 The Levites must camp around the tabernacle of the testimony, so no wrath falls on the Israelite community; the Levites are to guard the tabernacle of the testimony." Zvakadaro hazvo, vaRevhi, vanofanira kudzika matende avo vakapoteredza tabhenakeri yeChipupuriro kuitira kuti hasha dzirege kuwira pamusoro peungano yavaIsraeri. VaRevhi ndivo vane basa rokuchengeta tabhenakeri yeChipupuriro.”
54 The people of Israel did everything our Father had commanded Moses; that is exactly what they did. VaIsraeri vakaita izvi zvose sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]