Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Leviticus 27 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father spoke to Moses, saying: Jehovha akati kuna Mozisi,
2 "Speak to Israel: When anyone makes a special vow to me, dedicating a person by their equivalent value, “Taura navaIsraeri uti kwavari, ‘Kana munhu akaita mhiko yakasarudzika yokuti akumikidze vanhu kuna Jehovha nokupa mutengo wakaenzanirana,
3 if the valuation is for a male from twenty years old to sixty years old, the value is 1.2 pounds of silver, by the sanctuary standard. utare mutengo womunhurume ane makore ari pakati pamakumi maviri namakumi matanhatu pamashekeri makumi mashanu esirivha, zvichienzaniswa neshekeri rapanzvimbo tsvene;
4 If it is a female, the valuation is to be about twelve ounces. uye kana ari munhukadzi, utare mutengo wake pamashekeri makumi matatu.
5 For ages five to twenty, the valuation is about eight ounces for a male and about four ounces for a female. Kana ari munhu ana makore ari pakati pamashanu namakore makumi maviri, utare mutengo womunhurume pamashekeri makumi maviri, uye munhukadzi pamashekeri gumi.
6 If from one month to five years old, the valuation is about two ounces of silver for a male and about one.two ounces for a female. Kana ari munhu ari pakati pomwedzi mumwe namakore mashanu, utare mutengo womunhurume pamashekeri mashanu esirivha uye utare pamunhukadzi mashekeri matatu esirivha.
7 If sixty or older, the valuation is about six ounces for a male, four ounces for a female. Kana munhu ane makore makumi matanhatu kana anopfuura, utare mutengo womunhurume pamashekeri gumi namashanu, uye pamunhukadzi mashekeri gumi.
8 But if he is too poor for the valuation, he is to be presented before the priest, and the priest is to set his value; the priest is to value him according to what the one who vowed can afford. Kana munhu wose anenge achiita mhiko ari murombo zvikuru zvokutotadza kuripa muripo wakatarwa, anofanira kuuya nomunhu uyu kumuprista, achatara mutengo wake zvichienderana nezvinokwaniswa nomunhu ari kuita mhiko.
9 "If the vow is an animal that may be offered to me, every such one given to me is holy. “ ‘Kana chaakapika chiri mhuka inogamuchirika sechipiriso kuna Jehovha, mhuka yakadai inopiwa kuna Jehovha ichava tsvene.
10 He must not exchange or substitute it, good for bad or bad for good; if he does substitute one animal for another, both it and its substitute become holy. Haafaniri kuchitsinhanisa kana kuisa chakanaka panzvimbo yechakaipa, kana chakaipa panzvimbo yechakanaka; kana akaisa mhuka pachinzvimbo cheimwe, dzose dziri mbiri neyatsinhanisa dzichava tsvene.
11 If it is any unclean animal that may not be offered to me, it is to be presented before the priest, Kana chaakapika chiri mhuka isina kuchena, iyo isingagamuchiriki sechipiriso kuna Jehovha, mhuka iyi inofanira kupiwa kumuprista,
12 the priest will set its value, good or bad; as the priest values it, so it will be. uyo achatara kukosha kwayo, kuti yakanaka kana kuti yakaipa. Mutengo upi noupi uchatemwa nomuprista, ndiwo uchave mutengo wayo.
13 But if he wishes to redeem it, he is to add a fifth to its valuation. Kana muridzi achida kudzikinura mhuka iyi, anofanira kupamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu pamutengo wayo.
14 "When someone dedicates his house as holy to me, the priest is to set its value, good or bad; as the priest values it, so it stands. “ ‘Kana munhu akakumikidza imba yake sechinhu chitsvene kuna Jehovha, muprista achatara kukosha kwayo kuti yakanaka here kana kuti yakaipa. Mutengo upi noupi uchatemwa nomuprista, ndiwo ucharamba uripo.
15 If the one who dedicated his house redeems it, he adds a fifth of its value in silver, and it is his. Kana murume anokumikidza imba yake akaidzikinura, anofanira kupamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu zvomutengo wayo. Uye imba ichava yake zvakare.
16 "If someone dedicates to me part of a field he owns, its value follows the seed for it—about 1.2 pounds of silver for six bushels of barley seed. “ ‘Kana munhu akakumikidza kuna Jehovha chikamu chomunda wemhuri yake, mutengo wawo unofanira kutarwa zvichienderana nouwandu hwezviyo zvinodiwa ipapo, mashekeri makumi mashanu esirivha pahomeri yezviyo yebhari.
17 If he dedicates his field from the Year of Jubilee, it is to stand at the full valuation. Kana akakumikidza munda wake mugore reJubhiri, mutengo wakatarwa unoramba uripo.
18 But if he dedicates his field after the Jubilee, the priest will figure the price by the years left until the next Jubilee, and lower the valuation to match. Asi kana akakumikidza munda wake mushure meJubhiri, muprista achatara mutengo zvichienderana namakore asara Jubhiri rinotevera risati rasvika, uye mutengo wawo wakatarwa uchaderedzwa.
19 If the one dedicating the field wants to redeem it, he must add a fifth of its silver value, and it stays his. Kana murume anokumikidza munda achida kuudzikinura, anofanira kupamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu pamutengo wacho, uye munda uchava wake zvakare.
20 But if he does not redeem the field, or has sold it to another, it can no longer be redeemed. Kunyange zvakadaro, kana asingadzikinuri munda wake, kana akautengesera mumwe munhu, hauzogoni kudzikinurwa.
21 When the field is released in the Jubilee, it becomes holy to me, like a devoted field; it belongs to the priest as his property. Kana munda ukasunungurwa muJubhiri, uchava mutsvene, somunda wakapiwa kuna Jehovha; uchava munda wavaprista.
22 "If someone dedicates to me a bought field, not part of his ancestral possession, “ ‘Kana munhu akakumikidza kuna Jehovha munda waakatenga, usiri chikamu chomunda wemhuri yake,
23 the priest is to calculate the valuation up to the Year of Jubilee, and he is to pay it that day as something holy to me. muprista achatara mutengo wawo kusvikira mugore reJubhiri, uye munhu uyu anofanira kuripa mutengo wawo musi iwoyo sechinhu chitsvene kuna Jehovha.
24 In the Year of Jubilee the field returns to the one it was bought from, to whom the land belongs. Mugore reJubhiri munda uchadzokera kumunhu waakatengeserana naye uyo aiva muridzi womunda.
25 Every valuation is to be by the sanctuary standard. Mutengo wose unofanira kutarwa zvichienderana neshekeri repanzvimbo tsvene, makumi maviri amagera pashekeri rimwe.
26 "No one may dedicate the firstborn of any animal; it already belongs to me—whether ox or sheep, it is mine. “ ‘Zvisinei hazvo, hapana munhu angakumikidza dangwe remhuka, sezvo dangwe ragara riri raJehovha kare; ingava mombe kana gwai; ndezvaJehovha.
27 If it is an unclean animal, he redeems it at the valuation plus a fifth; if not redeemed, it is sold at the valuation. Kana iri imwe yemhuka dzisina kuchena, anogona kuidzikinura nomutengo wayo wakatarwa, achipamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu pamutengo wayo. Kana isina kudzikinurwa, inofanira kutengeswa nomutengo wayo wakatarwa.
28 "But nothing a person devotes to me by ban—a human, animal, or field he owns—may be sold or redeemed. All so devoted is most holy to me. “ ‘Asi hakuna chinhu chomunhu chinopiwa kuna Jehovha, angava munhu kana mhuka kana munda wemhuri, chinogona kutengeswa kana kudzikinurwa; chinhu chose chinopiwa saizvozvo chinova chitsvene kwazvo kuna Jehovha.
29 "No person devoted under the ban may be redeemed; he must be put to death. “ ‘Hakuna munhu anopiwa kuti aparadzwe angadzikinurwa; anofanira kuurayiwa.
30 "Every tithe of the land, whether of the seed of the ground or of the fruit of the trees, is mine; it is holy to me. “ ‘Chegumi chezvinhu zvose zvinobva mumunda, zvingava zviyo zvinobva muvhu kana michero yemiti, ndezvaJehovha; zvitsvene kuna Jehovha.
31 If anyone redeems part of his tenth, he adds a fifth to it. Kana munhu akadzikinura chimwe chinhu pazvegumi zvake, anofanira kupamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu pamutengo wacho.
32 Every tenth of the herd and flock—each animal passing under the shepherd's rod—is holy to me. Chegumi chose chemombe namakwai, mhuka yose yegumi inopfuura napasi petsvimbo yomufudzi, ichava tsvene kuna Jehovha.
33 He must not check whether it is good or bad, nor substitute for it; if he does, both it and its substitute become holy and cannot be redeemed." Haafaniri kusarudza zvakanaka kubva mune zvakaipa kana kuzvitsinhanisa. Kana akazvitsinhanisa, mhuka dzose dziri mbiri, yatsiviwa neyatsiva, dzichava tsvene uye hadzigoni kudzikinurwa.’ ”
34 These are the commandments our Father gave Moses for the people of Israel on Mount Sinai. Iyi ndiyo mirayiro yavaIsraeri yakapiwa Mozisi naJehovha paGomo reSinai.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]