Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Nahum 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Woe to the city of bloodshed, all full of lies and plunder—the prey never departs! Rine nhamo guta reropa, rizere nenhema, rizere nezvakapambwa, harigari risina varinotambudza!
2 The crack of the whip, the rumble of wheels, galloping horses, and bounding chariots! Kurira kwetyava, utsvikitsviki hwamavhiri, mutsindo wamabhiza nomubvumo wokutinhira kwengoro!
3 Charging horsemen, flashing swords, glittering spears—a multitude of slain, a heap of corpses, bodies without end; they stumble over the dead. Kumhanya kwavatasvi vamabhiza, kupenya kweminondo namapfumo anovaima! Vazhinji vakaurayiwa, mirwi yevakafa, mitumbi isingaverengeki, vanhu vachigumburwa nezvitunha.
4 All because of the rampant prostitution of this seductive prostitute, the mistress of sorceries, who sells nations through her prostitution and peoples through her sorceries. Zvose izvi nokuda kwokuchiva kuzhinji kwechifeve, chinokwezvera, mukuru wouroyi, akatapa ndudzi noufeve hwake namarudzi avanhu nouroyi hwake.
5 "Look, I am against you,' declares the Father of heaven's armies, 'and I will lift your skirts over your face; I will show the nations your nakedness and the kingdoms your shame. “Ndine mhaka newe,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. Ndichafukura nguo yako ifukidze chiso chako “Ndicharatidza ndudzi kushama kwako namadzimambo kunyadziswa kwako.
6 I will pelt you with filth, treat you with contempt, and make you a spectacle.' Ndichakukandidzira tsvina, ndichakuita akazvidzika uye ndichakuita chiseko.
7 And all who see you will flee from you and say, 'Nineveh is laid waste; who will grieve for her?' Where can I find comforters for you?'" Vose vachakuona vachakutiza uye vachati, ‘Ninevhe raparara, ndiani acharichema?’ Ndingawana kupi munhu angakunyaradza?”
8 Are you better than Thebes, that sat by the Nile with water all around her, whose rampart was the sea, whose wall was the waters? Uri nani kupfuura Tebhesi here, rakavakwa paNairi, rakakomberedzwa nemvura? Rwizi ndirwo rwairidzivirira, mvura iri rusvingo rwaro.
9 Cush was her strength, and Egypt without limit; Put and the Libyans were among her allies. Etiopia neIjipiti ndizvo zvaiva simba rayo guru; Puti neRibhiya dzaiva pakati pavabatsiri vayo.
10 Yet she became an exile; she went into captivity. Her infants were dashed to pieces at every street corner. They cast lots for her honored men, and all her great men were bound in chains. Kunyange zvakadaro yakatapwa ikaendeswa kuutapwa. Vacheche varo vakaputsanyiwa kumavambo kwemigwagwa yose. Mijenya yakakandwa pamusoro pemachinda avo, uye vakuru vavo vakasungwa nengetani.
11 You too will be drunk; you will go into hiding; you too will seek refuge from the enemy. Newewo uchadhakwa; uchavanda ugotsvaka utiziro kubva kumuvengi wako.
12 All your fortresses are like fig trees with the first-ripe figs—when shaken, they fall into the mouth of the eater. Nhare dzako dzose dzafanana nemiti yemionde ine michero yokutanga yaibva; paanozunzwa, maonde anodonhera mumuromo momudyi.
13 Look, your troops are women in your midst. The gates of your land are flung wide open to your enemies; fire has devoured your bars. Tarira mauto ako, vose vakadzi! Masuo enyika yako akazarurirwa kuvavengi vako; moto waparadza mazariro awo.
14 Draw water for the siege; strengthen your fortresses; go into the clay and tread the mortar; take hold of the brick mold! Cherai mvura kuitira kukombwa, simbisai nhare dzenyu! Gadzirai ivhu, kanyai dhaka, mugadzire zvidhina zvenyu!
15 There the fire will devour you; the sword will cut you down; it will consume you like the young locust. Multiply yourselves like the young locust; multiply like the swarming locust! Moto uchakuparadzai imomo; munondo uchakuurayai, uye uchakuparadzai semhashu. Berekanai semhashu, muberekane sehwiza!
16 You multiplied your merchants more than the stars of the heavens. The young locust strips the land and flies away. Makawedzera uwandu hwavatengesi venyu kusvikira vapfuura nyeredzi dzedenga kuwanda. Asi sehwiza, vanoparadza nyika vobhururuka vachienda.
17 Your guards are like locusts, and your officials like clouds of locusts that settle on the walls on a cold day—when the sun rises, they fly off, and no one knows where they are. Varindi venyu vakaita sehwiza, machinda enyu segundamusaira rehwiza dzinomhara pamadziro musi wakunotonhora, asi kana zuva rabuda dzinobhururuka dzichienda, uye hapana anoziva kuti kupi.
18 Your shepherds are asleep, king of Assyria; your nobles lie down. Your people are scattered across the mountains, with no one to gather them. Iwe mambo weAsiria, vafudzi vako vanotsumwaira; machinda ako anorara pasi kuti azorore. Vanhu vako vakapararira pamusoro pamakomo pasina angavaunganidza.
19 There is no relief for your injury; your wound is fatal. All who hear the news of you clap their hands over you—for who has not felt your endless cruelty pass over them again and again? Hapana chingarapa ronda rako; kukuvara kwako kuchakuuraya. Mumwe nomumwe anonzwa nezveguhu rako anorova maoko ake pakuwa kwako, nokuti ndianiko asina kunzwa utsinye hwako husina magumo?
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]