Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Matthew 16 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The Pharisees and Sadducees came to test him, asking him to show them a sign from heaven. VaFarisi navaSadhusi vakauya kuna Jesu vakamuedza nokumukumbira kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga.
2 He replied, "When evening comes, you say, 'The weather will be fair, for the sky is red.' Akavapindura achiti, “Panosvika nguva yamadekwana munoti, ‘Mamiriro okunze achange akanaka nokuti denga rakatsvuka.’
3 "And in the morning, 'Stormy today, for the sky is red and gloomy.' You know how to read the sky's face, but can't read the times' signs. Uye mangwanani munoti, ‘Nhasi kuchanaya mvura ine dutu nokuti denga rakatsvuka uye kwakakwidibira.’ Munoziva kududzira zvinoonekwa mudenga, asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva.
4 "An evil, unfaithful generation seeks a sign; no sign will be given except the sign of Jonah." Then he left them and went away. Rudzi rwakaipa rwoupombwe runotsvaka chiratidzo, asi hapana chichapiwa kwarwuri kunze kwechiratidzo chaJona.” Ipapo Jesu akavasiya, akaenda kumwe.
5 When the disciples crossed to the other side, they had forgotten to bring bread. Pavakayambuka mhiri kwegungwa, vadzidzi vakakanganwa kutakura chingwa.
6 Jesus said to them, "Watch out and beware of the yeast of the Pharisees and Sadducees." Jesu akati kwavari, “Chenjerai mungwarire mbiriso yavaFarisi navaSadhusi.”
7 They discussed this among themselves and said, "It is because we brought no bread." Vakakurukura nezvenyaya iyi pakati pavo vakati, “Anodaro nokuti hatina kuuya nechingwa.”
8 Aware of this, Jesus said, "Why discuss among yourselves, you of little faith, that you have no bread? Achiziva izvi Jesu akavabvunza akati, “Imi vokutenda kuduku, ko, muri kutauriranei pakati penyu nezvokusava nechingwa?
9 Still, don't you understand? Don't you remember the five loaves for the 5,000, and how many baskets you collected? Hamusati mava kunzwisisa here? Hamurangariri here zvingwa zvishanu zvavanhu vane zviuru zvishanu uye kuti makazadza matengu mangani ezvamakaunganidza?
10 "Or the seven loaves for the 4,000, and how many baskets you gathered? Kana kuti zvingwa zvinomwe zvavanhu zviuru zvina uye kuti makazadza matengu mangani ezvamakaunganidza?
11 "Why don't you understand I wasn't talking to you about bread? Watch out for the yeast of the Pharisees and Sadducees." Hamunzwisisi sei kuti ndanga ndisingatauri kwamuri nezvechingwa? Asi chenjererai mbiriso yavaFarisi navaSadhusi.”
12 Then they understood that he had not told them to beware of the yeast in bread, but of the Pharisees' and Sadducees' teaching. Ipapo vakanzwisisa kuti ainge asingavaudzi kuti vachenjerere mbiriso inoshandiswa muchingwa, asi nezvedzidziso yavaFarisi navaSadhusi.
13 Arriving in the area of Caesarea Philippi, Jesus asked his disciples, "Who do people say the Son of Man is?" Jesu akati asvika kudunhu reKesaria Firipi, akabvunza vadzidzi vake akati, “Vanhu vanoti Mwanakomana woMunhu ndiani?”
14 They said, "Some say John the Baptist, others Elijah, still others Jeremiah or one of the prophets." Vakati, “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi, vamwewo vanoti Eria, vamwewo vachiti Jeremia kana mumwe wavaprofita.”
15 He said to them, "But who do you say that I am?" Akabvunza akati, “Ko, imi munoti ndini ani?”
16 Simon Peter replied, "You are the Christ, the Son of the living Father." Simoni Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.”
17 Jesus replied, "Simon son of Jonah, you are blessed—flesh and blood didn't reveal this to you, but my Father in heaven. Jesu akapindura akati, “Wakaropafadzwa iwe Simoni mwanakomana waJona, nokuti izvi hazvina kuzarurirwa kwauri nomunhu asi naBaba vangu vari kudenga.
18 "And I tell you: you are Peter, and on this rock I will build my church; the gates of the grave will not overpower it. Ndinoti kwauri, iwe ndiwe Petro, paruware urwu ndichavaka kereke yangu, kunyange masuo eHadhesi haangaikundi.
19 "I will give you the keys of our Father's kingdom; whatever you bind on earth will have been bound in heaven, and whatever you release on earth will have been released in heaven." Ndichakupa kiyi dzoumambo hwokudenga; chose chaunosunga pano pasi chichasungwa kudenga, uye chose chaunosunungura pano pasi nokudenga chichasunungurwa.”
20 Then he strictly ordered the disciples to tell no one that he was the Christ. Ipapo akayambira vadzidzi vake kuti vasaudze ani zvake kuti iye ndiye Kristu.
21 From then on, Jesus began telling his disciples he must go to Jerusalem, suffer much from the elders, chief priests, and scribes, be killed, and be raised on the third day. Kubva panguva iyoyo Jesu akatanga kutsanangurira vadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusarema kundotambudzwa kwazvo pamaoko avakuru navaprista vakuru navadzidzisi vemirayiro uye kuti anofanira kuurayiwa nokumutswazve pazuva retatu.
22 Peter took him aside and rebuked him: "Never, Lord! This will never happen to you." Petro akamutora padivi akatanga kumutsiura achiti, “Hazviitiki, Ishe. Izvi hazvisi kuzoitika kwamuri!”
23 But he turned and told Peter, "Get behind me, Satan! You are an obstacle to me, because you're not thinking about what our Father cares about, but what people care about." Jesu akatendeukira kwaari akati, “Enda shure kwangu Satani! Uri chigumbuso kwandiri nokuti hauna zvinhu zvaMwari mupfungwa dzako asi zvavanhu.”
24 Then Jesus told his disciples, "Whoever wants to come after me must deny himself, take up his cross, and follow me. Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Kana paine anoda kunditevera, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.
25 "For whoever wants to save his life will lose it, but whoever loses his life for my sake will find it. Nokuti ani naani anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana.
26 "What good is it if a person gains the whole world but loses his soul? Or what can a person give in exchange for his soul? Ko, munhu achabatsirwa nei kana akawana nyika yose, asi achirasikirwa noupenyu hwake? Kana kuti munhu acharipeiko kuti adzikinure upenyu hwake?
27 "For the Son of Man is about to come in his Father's glory with his angels, and will then repay each person according to what they have done. Nokuti Mwanakomana woMunhu achauya ari mukubwinya kwaBaba vake aine vatumwa vake, ipapo achapa mubayiro kuno mumwe nomumwe maererano namabasa ake.
28 "Truly I tell you: some standing here will not taste death until they see the Son of Man coming in his kingdom." Ndinokuudzai chokwadi kuti vamwe vamire pano havazofi vasati vaona Mwanakomana woMunhu achiuya muumambo hwake.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]