Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Malachi 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Now, priests, this command is for you. “Zvino yambiro iyi ndeyenyu, imi vaprista.
2 If you won't listen, or take it to heart to honor my name, says the Father of heaven's armies, I will send the curse on you and curse your blessings. I have already cursed them, because you don't take it to heart. Kana imi musingateereri, uye kana musingakudzi zita rangu nomwoyo wenyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “ndichatuma kutukwa pamusoro penyu, uye ndichatuka ropafadzo dzenyu. Hongu, ndakadzituka kare, nokuti hamuna kuzvipira nemwoyo yenyu kuti mundikudze.
3 I will rebuke your offspring and smear manure on your faces—the manure of your feasts—and you will be carried off with it. “Nokuda kwenyu ndichabvisa zvizvarwa zvenyu; ndichadzura zviso zvenyu nendove inobva pazvibayiro zvemitambo yenyu, uye muchatakurwa pamwe chete nayo.
4 Then you will know I sent this command to you, so my covenant with Levi stands, says the Father of heaven's armies. Uye muchaziva kuti ndakakutumirai yambiro iyi kuitira kuti sungano yangu naRevhi irambe iripo,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
5 "My covenant with him was life and peace; I gave them to him to be held with reverence, and he revered me and trembled before my name. “Ndakaita sungano yangu naye, sungano youpenyu norugare, uye ndakapa izvi kwaari; zvakandivigira kukudzwa uye akandikudza, akamira achitya zita rangu.
6 True instruction was in his mouth, no wrong on his lips. He walked with me in peace and integrity, and turned many from sin. Kurayira kwechokwadi kwakanga kuri mumuromo wake, uye chisakarurama hachaiwanikwa pamiromo yake. Akafamba neni murugare nomukururama, uye akadzora vazhinji pazvivi.
7 A priest's lips guard knowledge, and people seek instruction from his mouth, for he is the messenger of the Father of heaven's armies. “Nokuti muromo womuprista unofanira kuchengeta zivo, uye vanhu vanofanira kutsvaka dzidziso kubva pamuromo wake, nokuti ndiye nhume yaJehovha Wamasimba Ose.
8 But you turned from the way and made many stumble by your instruction; you corrupted the covenant of Levi, says the Father of heaven's armies. Asi imi makatsauka panzira uye nedzidziso yenyu makagumbusa vazhinji; makaputsa sungano naRevhi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
9 So I made you despised and low before all the people, because you haven't kept my ways but shown favoritism in your instruction." “Nokudaro ndakaita kuti muzvidzwe uye munyadziswe pamberi pavanhu vose, nokuti hamuna kuchengeta nzira dzangu asi makaita rusarura pakutonga kwenyu.”
10 Don't we all have one Father? Didn't one Father create us? Why betray each other, desecrating our fathers' covenant? Ko, isu tose hatina baba vamwe here? Haasi Mwari mumwe akatisika here? Sei tichisvibisa sungano yamadzibaba edu nokusatendeka mumwe kuno mumwe?
11 Judah is unfaithful; a detestable thing is done in Israel and Jerusalem. Judah has desecrated our Father's holy place, which he loves, and married the daughter of a foreign god. Judha aputsa chitenderano. Chinhu chinonyangadza chaitwa muIsraeri nomuJerusarema: Judha asvibisa nzvimbo tsvene yaJehovha, nokuwana mwanasikana wamwari wavatorwa.
12 May our Father cut off from Jacob's tents the man who does this—anyone at all—even one bringing an offering to the Father of heaven's armies. Kumunhu anoita izvi, angava ani zvake, Jehovha ngaamubvise pamatende aJakobho, kunyange achiuya nezvipo kuna Jehovha Wamasimba Ose.
13 And a second thing you do: you cover our Father's altar with tears, weeping and groaning, because he no longer regards the offering or accepts it gladly from your hand. Chimwe chinhu chaunoita: Unozadza aritari yaJehovha nemisodzi. Unochema uye unoungudza nokuti haacharangariri zvipiriso zvako kana kuzvigamuchira nomufaro kubva pamaoko ako.
14 You ask, "Why?" Because our Father witnessed between you and the wife of your youth, whom you betrayed—though your companion, your wife by covenant. Unobvunza uchiti, “Seiko?” Nokuda kwokuti Jehovha ndiye chapupu pakati pako nomukadzi woujaya hwako nokuti wakaputsa sungano naye, kunyange ari mumwe wako, mukadzi wawakaita sungano yewaniso naye.
15 Didn't the Father make you one with your wife? Body and spirit, you are his. And what does he want? Godly children from your union. So guard your spirit; let no one betray the wife of his youth. Jehovha haana kuvaita mumwe here? Panyama nomweya ndevake. Uye nemhaka yei mumwe? Nokuti aitsvaka rudzi rune umwari. Saka zvichenjerere pamweya wako, uye usaputsa sungano nomukadzi woujaya hwako.
16 "For I hate divorce," says our Father, the Father of Israel, "and whoever covers his garment with violence," says the Father of heaven's armies. So guard your spirit; do not be unfaithful. “Ndinovenga kurambana,” ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari weIsraeri, “uye ndinovenga murume anofukidza nguo yake nokumanikidza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. Saka zvichenjerere pamweya uye usaputsa chitenderano.
17 You have worn out our Father with your words. Yet you ask, "How have we worn him out?" By saying, "All who do evil are good in his sight, and he delights in them"—or, "Where is the Father of justice?" Makanetesa Jehovha namashoko enyu. Munoti, “Takamunetesa neiko?” Pamunoti, “Vose vanoita zvakaipa vakanaka pamberi paJehovha, uye anofadzwa navo” kana pamunoti, “Aripiko Mwari wokururamisira?”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]