Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Malachi 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 This is the word of our Father to Israel, delivered through Malachi. Chirevo: Shoko raJehovha kuna Israeri kubudikidza naMaraki.
2 "I have loved you," says our Father. "But you ask, 'How have you loved us?' Wasn't Esau Jacob's brother?" declares our Father. "Yet I loved Jacob, Jehovha anoti, “Ndakakudai.” Asi imi munobvunza muchiti, “Makatida seiko?” Jehovha anoti, “Ko, Esau akanga asiri mukoma waJakobho here?
3 but Esau I hated. I made his hill country wasteland, left his inheritance to desert jackals." Asi Esau ndakamuvenga, uye ndakashandura makomo ake akava matongo ndikapa nhaka yake kumakava murenje.”
4 Edom may say, "We are shattered, but we will rebuild the ruins." But the Father of heaven's armies says: "They may build, but I will tear down. They will be called the Wicked Land, the people our Father stays angry with forever." Edhomu angati, “Kunyange takaparadzwa hedu, tichavakazve matongo.” Asi zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Vangavaka havo, asi ndichakoromora. Vachanzi Nyika Yakaipa, vanhu vachagara vakatsamwirwa naJehovha.
5 Your own eyes will see it, and you'll say, 'Great is our Father—beyond Israel's borders!' Muchazvionera nameso enyu mugoti, ‘Jehovha mukuru zvokutopfuura miganhu yeIsraeri!’ ”
6 "A son honors his father, a servant his master. If I am a father, where is my honor? If a master, where is my respect? says the Father of heaven's armies to you priests who despise my name. But you ask, 'How have we despised your name?'" Jehovha Wamasimba Ose anoti, “Mwanakomana anokudza baba vake, uye muranda anokudza tenzi wake. Kana ndiri baba, kukudzwa kwangu kuripiko? Kana ndiri tenzi, kuremekedzwa kwangu kuripiko? Ndimi, iyemi vaprista, munozvidza zita rangu. “Asi munobvunza muchiti, ‘Takazvidza zita renyu seiko?’ ”
7 "You put unclean food on my altar, then ask, 'How have we made you unclean?' By calling our Father's table despised. “Munondivigira zvokudya zvakasvibiswa paaritari yangu. “Asi imi munobvunza muchiti, ‘Takakusvibisai neiko?’ ” Jehovha Wamasimba Ose anoti, “Pakutaura kwenyu muchiti tafura yaJehovha inozvidzika.
8 When you offer a blind animal, isn't that evil? Offer the lame and sick—isn't that evil? Present it to your governor—will he be pleased with you? Will he accept you?" says the Father of heaven's armies. Pamunouya nezvipfuwo zvakapofumara kuti zvibayirwe, hazvina kuipa here? Pamunobayira zvipfuwo zvakaremara kana zvinorwara, hazvina kuipa here? Chimboedzai kuzvivigira mubati wenyu! Angafadzwa nemi here? Angakugamuchirai here?”
9 "Now plead with our Father to be gracious to us. With such offerings from your hands, will he accept any of you?" says the Father of heaven's armies. Jehovha Wamasimba Ose anoti, “Zvino kumbirai Mwari kuti atiitire nyasha. Nezvipo zvakadai zvinobva mumaoko enyu, angakugamuchirai here?”
10 "If only one of you would shut the doors, so you would not light useless fires on my altar! I take no pleasure in you," says the Father of heaven's armies, "and I will accept no offering from your hands. “Haiwa, dai mumwe wenyu aipfiga mikova yetemberi, kuitira kuti murege kubatidza moto isina maturo paaritari yangu! Handifadzwi nemi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “uye handingagamuchiri zvipiriso zvinobva mumaoko enyu.
11 From sunrise to sunset my name will be great among the nations. Everywhere incense and pure offerings will be brought to my name, because my name will be great among the nations," says the Father of heaven's armies. Zita rangu richava guru pakati pendudzi, kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira. Zvinonhuhwira nezvipiriso zvitsvene zvichauyiswa kuzita rangu munzvimbo dzose, nokuti zita rangu richava guru pakati pendudzi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
12 "But you desecrate it, saying the Sovereign Father's table is unclean and its food may be despised." “Asi munoizvidza pamunoti, ‘Tafura yaJehovha yakasvibiswa, uye zvokudya zvayo zvakashoreka.’
13 "You say, 'What a burden!' and snort at it in contempt," says the Father of heaven's armies. "You bring stolen, lame, and diseased animals as offerings—should I accept them from you?" says our Father. Uye munoti, ‘Zvinorema sei!’ uye munoifembedza muchiizvidza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Pamunouyisa zvipfuwo zvakakuvara, zvakaremara kana zvinorwara kuzozvipa sezvibayiro, ndingazvigamuchira kubva pamaoko enyu here?” ndizvo zvinotaura Jehovha.
14 "Cursed is the cheat who has a sound male in his flock and vows it, but sacrifices a defective animal to the Sovereign Father. For I am a great King," says the Father of heaven's armies, "and my name is to be feared among the nations." “Ngaatukwe munyengeri ane gondobwe rakanaka pakati pamakwai ake, anopika kuti acharipa, asi agobayira chipfuwo chine chakaipa pachiri kuna Ishe. Nokuti ndiri mambo mukuru,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “uye zita rangu rinofanira kutyiwa pakati pendudzi.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]