Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Luke 14 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 One Sabbath, when he went to eat in the house of one of the leaders of the Pharisees, they were watching him closely. Mumwe musi weSabata, Jesu akanga achicherechedzwa kwazvo paakanga aenda kundodya mumba momumwe muFarisi akanga achikudzwa kwazvo.
2 And there in front of him was a man whose body was swollen with fluid. Pamberi pake ipapo pakanga pane munhu akanga ane chirwere chorukandwe.
3 Jesus said to the experts in the law and the Pharisees, "Is it lawful to heal on the Sabbath, or not?" Jesu akabvunza vaFarisi navadudziri vomurayiro achiti, “Zvinotenderwa here nomurayiro kuporesa nomusi weSabata, kana kuti kwete?”
4 But they stayed silent. So he took hold of the man, healed him, and sent him on his way. Asi vakaramba vanyerere. Naizvozvo akabata ruoko rwomunhu uya, akamuporesa ndokubva amuti aende.
5 Then he said to them, "If one of you has a son or an ox that falls into a well on the Sabbath day, will you not immediately pull him out?" Ipapo akavabvunza akati, “Ndiani pakati penyu angati kana mwanakomana, kana mombe yake ikawira mutsime nomusi weSabata, angarega kuibudisa pakarepo?”
6 And they had no answer to give to this. Ipapo vakashayiwa chokureva.
7 When he noticed how the guests chose the places of honor, he told them a parable: Akati achiona kuti vakakokwa vaisarudza sei zvigaro zvapamberi patafura, akavaudza mufananidzo uyu akati kwavari,
8 "When someone invites you to a wedding feast, do not take the place of honor, because a more distinguished guest than you may have been invited. “Kana mumwe akakukoka kumuchato, usazvisarudzira nzvimbo yapamberi, nokuti mumwe munhu anokudzwa kupfuura iwe angadaro akakokwa.
9 Then the one who invited you both will come and say to you, 'Give this person your place,' and in disgrace you will have to take the lowest place. Kana zvakadaro, munhu akakukokai imi vaviri achauya agoti kwauri, ‘Ibva ipapo iwe, munhu uyu agare.’ Ipapo, nenyadzi, uchatora chigaro cheshure chokupedzisira.
10 But when you are invited, go and take the lowest place, so that when your host comes he will say to you, 'Friend, move up higher.' Then you will be honored in front of all who are at the table with you. Asi kana wakokwa, utore chigaro cheshure, kuitira kuti kana akukoka ouya, azoti kwauri, ‘Shamwari, simuka uende kundogara panzvimbo iri nani.’ Ipapo ucharemekedzwa pamberi pavose vawakakokwa pamwe chete navo.
11 For all who exalt themselves will be humbled, and those who humble themselves will be exalted." Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.”
12 Then he said to the man who had invited him, "When you give a lunch or a dinner, do not invite your friends or your brothers or your relatives or your rich neighbors. If you do, they may invite you back, and you would be repaid. Ipapo Jesu akati kuna iye akanga amukoka, “Kana wagadzira kudya kwamasikati kana chirariro, urege kukoka shamwari dzako, vanunʼuna vako kana hama dzako, kana vapfumi vawakavakidzana navo; kana ukadaro vangazokukokawo uye ukabva waripirwa.
13 But when you give a banquet, invite the poor, the crippled, the lame, the blind, Asi kana ukagadzira mabiko, ukoke varombo, zvirema, vanokamhina, namapofu,
14 and you will be blessed. Since they have no way to repay you, you will be repaid at the resurrection of the righteous." ipapo ucharopafadzwa. Kunyange vasina zvavanokupa, iwe ucharipirwa pakumuka kwavakarurama.”
15 When one of those at the table with him heard this, he said to him, "Blessed is the one who will eat at the feast in the kingdom of our Father!" Mumwe wavaye vakanga vagere pakudya naye akati anzwa izvi, akati kuna Jesu, “Akaropafadzwa munhu achagara zvake pamabiko muuMambo hwaMwari.”
16 Jesus replied, "A certain man was giving a great banquet, and he invited many guests. Jesu akapindura akati, “Mumwe murume akanga achigadzira mabiko makuru akakoka vanhu vazhinji.
17 "When the time came for the banquet, he sent his servant to tell those who had been invited, 'Come, for everything is now ready.' Panguva yamabiko, akatuma varanda vake kuti vandoudza vaya vakanga vakokwa kuti, ‘Uyai, nokuti zvose zvagadzirwa.’
18 But one after another they all began to make excuses. The first said to him, 'I have bought a field, and I must go and see it. Please excuse me.' “Asi vose vakatanga zvimwe chetezvo kupa zvikonzero. Wokutanga akati, ‘Ndichangotenga munda izvozvi, uye ndinofanira kundouona. Ndapota hangu, ndiregererei.’
19 Another said, 'I have bought five pairs of oxen, and I am on my way to try them out. Please excuse me.' “Mumwe akati, ‘Ndichangotenga nzombe dzamajoko mashanu izvozvi, uye ndiri kuenda kumbondodziedza. Ndapota ndiregererei.’
20 And another said, 'I have just married a wife, and so I cannot come.'" “Mumwezve akati, ‘Ndichangowana mukadzi izvozvi, saka handingauyi.’
21 So the servant came back and reported this to his master. Then the master of the house became angry and said to his servant, 'Go out quickly into the streets and alleys of the town, and bring in the poor, the crippled, the blind, and the lame.' “Muranda akadzoka akandozivisa izvi kuna tenzi wake. Ipapo muridzi wemba akatsamwa kwazvo akarayira muranda wake achiti, ‘Buda uende nokukurumidza munzira dzomumisha nedzomuguta unouya navarombo, zvirema, mapofu navanokamhina.’
22 "'Master,' the servant said, 'what you ordered has been done, and still there is room.' “Muranda akati, ‘Ishe, zvamandirayira zvaitwa, asi nzvimbo ichiripo.’
23 Then the master told the servant, 'Go out to the roads and country lanes and compel them to come in, so that my house will be full. “Ipapo tenzi akaudza muranda wake akati, ‘Buda uende kumigwagwa nokunzira dzomumaruwa undovakoka kuti vapinde, kuitira kuti imba yangu izare.
24 For I tell you, not one of those who were invited will taste my banquet.'" Ndinoti kwamuri, hakuna kana mumwe chete wavaya vakanga vakokwa acharavira mabiko angu.’ ”
25 Large crowds were traveling with him, and turning to them he said, Vazhinji zhinji vakanga vachifamba naJesu, uye akatendeukira kwavari akati,
26 "If anyone comes to me and does not hate his own father and mother and wife and children and brothers and sisters—yes, even his own life—he cannot be my disciple. “Kana munhu upi zvake achiuya kwandiri uye asingavengi baba vake namai vake, mukadzi wake navana vake, vanunʼuna vake nehanzvadzi dzake, hongu, kunyange noupenyu hwake, haangavi mudzidzi wangu.
27 Whoever does not carry his own cross and follow me cannot be my disciple. Uye ani naani asingatakuri muchinjikwa wake achinditevera haangavi mudzidzi wangu.
28 Suppose one of you wants to build a tower. Will he not first sit down and count the cost, to see whether he has enough to finish it? “Tomboti mumwe wenyu anoda kuvaka shongwe. Haatangi agara pasi agoongorora mutengo kuti aone kana ane mari inokwana kuipedza here?
29 Otherwise, if he lays the foundation and is not able to finish, everyone who sees it will begin to ridicule him, Nokuti kana akavaka hwaro akasagona kuipedza, munhu wose anomuona achamuseka,
30 saying, 'This person began to build and was not able to finish.' achiti, ‘Munhu uyu akatanga kuvaka asi akasagona kupedza.’
31 Or suppose a king is about to go to war against another king. Will he not first sit down and consider whether he is able with 10,000 men to face the one coming against him with 20,000? “Kana kuti tomboti mambo ava kuda kuenda kuhondo kundorwa nomumwe mambo. Haatangi kugara pasi here kuti aone kana angagona kundorwa navanhu zviuru gumi, achipikisana nouyo ari kuuya kuzorwa naye ane vanhu zviuru makumi maviri?
32 And if he cannot, he will send a delegation while the other is still far off and ask for terms of peace. Kana asingagoni, achatuma nhume mumwe wacho achiri kure uye okumbira mashoko orugare kwaari.
33 In the same way, any one of you who does not give up everything he has cannot be my disciple. Saizvozvowo, ani naani wenyu asingasiyi zvose zvaanazvo haangavi mudzidzi wangu.
34 "Salt is good, but if it loses its saltiness, how can it be made salty again? “Munyu wakanaka, asi kana warasikirwa nokuvava kwawo, ucharungwa neiko?
35 Fit for neither soil nor manure pile, it's thrown out. Whoever has ears to hear, let them hear." Hauchabatsiri muvhu kana padutu romupfudze; unorasirwa kunze. “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]