Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Luke 13 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Just then some people told him about Galileans whose blood Pilate mixed with their sacrifices. Zvino panguva iyoyo vamwe vaivapo vakaudza Jesu nezvavaGarirea vakanga vavhenganisirwa ropa ravo nezvibayiro zvavo naPirato.
2 He replied, "Do you think these Galileans were worse sinners than all other Galileans because they suffered these things? Jesu akapindura akati, “Munofunga kuti vaGarirea ava vakanga vari vatadzi zvakanyanya kupfuura vose here zvavakatambudzika nenzira iyi?
3 No, I tell you; but unless you repent, you will all perish as well. Ndinokuudzai kuti kwete! Asi kana musingatendeuki, nemiwo mucharaswa mose.
4 Or those eighteen killed when the tower in Siloam fell on them—do you think they were more guilty than everyone else in Jerusalem? Kana vaya gumi navasere vakafa pavakawirwa neshongwe yeSiroami, munofunga kuti vakanga vane mhosva kukunda vamwe vose vaigara muJerusarema here?
5 No, I tell you; but unless you repent, you will all perish in the same way." Ndinokuudzai kuti kwete! Asi kana musingatendeuki, nemiwo mose muchaparara.”
6 Then he told this parable: "A man had a fig tree planted in his vineyard. He came looking for fruit on it and found none. Ipapo akavaudza mufananidzo uyu akati, “Mumwe murume akanga ane muti wake womuonde wakanga wakasimwa mumunda wake wemizambiringa, akaenda achindotsvaka muchero kwauri, asi haana chaakawana pauri.
7 He told the gardener, 'Look, for three years I've come seeking fruit on this fig tree and found none. Cut it down—why let it drain the ground?' Saka akati kumurume akanga achichengeta munda wemizambiringa, ‘Zvino ava makore matatu andanga ndichiuya kuzotsvaka muchero pamuonde uyu uye handisati ndambowana chinhu. Utemere pasi! Seiko uchishandisa ivhu pasina?’
8 But he replied, 'Sir, leave it this year too, until I dig around it and add manure. “Akapindura akati, ‘Ishe, chimbouregai henyu kwerimwezve gore, ini ndigoutimbira nokuuyisa mupfudze.
9 Then if it bears fruit next year, good; if not, you can cut it down.'" Kana ukazobereka muchero gore rinouya, zvakanaka! Kana usina, ipapo mungautema henyu.’ ”
10 Now he was teaching in one of the synagogues on the Sabbath. Jesu akanga achidzidzisa ari mune rimwe sinagoge nomusi weSabata,
11 Just then, a woman weakened by a spirit for eighteen years was bent over, unable to straighten up at all. uye ipapo pakanga pano mukadzi aiva akaremadzwa nomweya wakaipa kwamakore gumi namasere. Musana wake wakanga wakakokonyara uye akanga asingagoni zvachose kutwasuka.
12 Seeing her, Jesus called her over and said, "Woman, you are freed from your disability." Jesu akati amuona, akamudana kuti auye mberi akati kwaari, “Mai, masunungurwa pachirwere chenyu.”
13 He laid hands on her, and immediately she straightened up and glorified our Father. Ipapo akaisa maoko ake pamusoro wake, pakarepo musana wake ukatwasanuka akarumbidza Mwari.
14 But the synagogue leader, angry that Jesus had healed on the Sabbath, told the crowd, "There are six days for work. Come be healed on those days, not on the Sabbath." Mukuru wesinagoge akatsamwa nokuti Jesu akanga aporesa mukadzi uyu nomusi weSabata, akati kuvanhu, “Pane mazuva matanhatu okushanda. Saka munofanira kuuya kuzoporeswa pamazuva iwayo, kwete nomusi weSabata.”
15 The Lord answered him, "Hypocrites! Doesn't each of you untie your ox or donkey from its stall on the Sabbath and lead it out to water it? Ishe akamupindura achiti, “Imi vanyengeri! Ko, handiti mumwe nomumwe wenyu anosunungura nzombe kana mbongoro yake kubva mudanga, oenda nazvo kundonwa mvura nomusi weSabata here?
16 Shouldn't this daughter of Abraham, bound by Satan for eighteen years, be freed from that bond on the Sabbath?" Zvino mukadzi uyu, mwanasikana waAbhurahama, akanga akasungwa naSatani kwamakore gumi namasere, haaifanira kusunungurwa kubva pane zvakamusunga nomusi weSabata here?”
17 As he said these things, all his opponents were humiliated, and all the crowd celebrated all the glorious things he was doing. Akati ataura izvozvo, vose vakanga vachipikisana naye vakanyadziswa, asi vanhu vakafadzwa nezvinhu zvinoshamisa zvaakanga achiita.
18 He said therefore, "What is the kingdom of our Father like? What should I compare it to? Ipapo Jesu akavabvunza achiti, “Umambo hwaMwari hwakaita seiko? Ndingahuenzanisa neiko?
19 It's like a mustard seed a man took and planted in his garden, growing into a tree where the sky's birds nested in its branches." Hwakaita setsanga yemasitadhi, yakatorwa nomunhu akandoisima mubindu rake. Yakakura ikava muti mukuru, uye shiri dzedenga dzakauya dzikamhara mumatavi awo.”
20 And again he said, "What should I compare the kingdom of our Father to? Akabvunzazve akati, “Umambo hwaMwari ndingahufananidza neiko?
21 It is like yeast a woman took and hid in three measures of flour until it all yeasted." Hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaivhenganisa noupfu hwefurau hwakawanda kusvikira yafutisa ganyiwa.”
22 He went on his way through towns and villages, teaching and journeying toward Jerusalem. Ipapo Jesu akafamba nomumaguta nomumisha achidzidzisa paakanga achienda kuJerusarema.
23 Someone asked him, "Lord, are the saved few?" He said to them, Mumwe akamubvunza akati, “Ishe, vanhu vashoma chete ndivo vachaponeswa here?” Iye akati kwavari,
24 "Struggle to enter through the narrow door—many, I tell you, will try to enter and fail. “Rwisai chaizvo kuti mupinde napasuo rakamanikana, nokuti ndinoti vazhinji vachaedza kupinda asi havangagoni.
25 Once the homeowner rises and shuts the door, you'll stand outside knocking, saying, 'Lord, open for us.' He'll answer, 'I don't know where you're from.' Muridzi wemba akangodzimara asimuka akapfiga mukova, imi muchamira kunze muchigogodza uye muchiteterera, muchiti, ‘Ishe, tizarurireiwo mukova.’ “Asi achapindura achiti, ‘Handikuzivei, kana kwamunobva.’
26 Then you'll begin to say, 'We ate and drank before you; you taught in our streets.' “Ipapo muchati, ‘Taidya uye tainwa pamwe chete nemi, uye maidzidzisa munzira dzomumisha yedu.’
27 But he'll say, 'I tell you, I don't know where you're from. Get away from me, all you who do evil!' “Asi iye achati, ‘Handikuzivei, kana kwamunobva. Ibvai kwandiri, imi mose vaiti vezvakaipa!’
28 There will be weeping and teeth grinding, when you see Abraham and Isaac and Jacob and all the prophets in the kingdom of our Father, while you yourselves are thrown out. “Ipapo pachava nokuchema, nokurumanya kwameno, pamunoona Abhurahama, Isaka naJakobho navaprofita vose vari muumambo hwaMwari, asi imi pachenyu marasirwa kunze.
29 People will come from east and west, from north and south, and sit down to eat in our Father's kingdom. Vanhu vachabva kumabvazuva nokumavirira, nokumusoro nezasi, uye vachagara pazvigaro zvavo pamabiko muumambo hwaMwari.
30 And indeed, some are last who will be first, and some are first who will be last." Zvirokwazvo, varipo vaya vokupedzisira vachazova vokutanga, uye vokutanga vachazova vokupedzisira.”
31 At that same hour some Pharisees came, telling him, "Get out, leave here—Herod wants to kill you." Panguva iyoyo vamwe vaFarisi vakauya kuna Jesu vakati kwaari, “Ibvai pano muende kumwewo. Herodhi anoda kukuurayai.”
32 And he said to them, "Go tell that fox: Look, I drive out demons and complete healings today and tomorrow, and on the third day I am finished. Akapindura akati, “Endai munoudza gava iro kuti, ‘Ndichadzinga madhimoni nokuporesa vanhu nhasi namangwana, uye pazuva retatu ndichapedzisa basa rangu.’
33 Still, I must travel today, tomorrow, and the next day, since no prophet can die outside Jerusalem. Zvisinei hazvo, ndinofanira kuramba ndichishanda mangwana nezuva rinotevera, nokuti zvirokwazvo hakuna muprofita angafira kunze kweJerusarema!
34 Jerusalem, Jerusalem, killing the prophets, stoning those sent to her! How often I longed to gather your children as a hen gathers her brood under her wings—but you refused! “Iwe Jerusarema, Jerusarema, iwe unouraya vaprofita uye uchitaka namabwe avo vakatumwa kwauri, kazhinji sei kandaidisa kuunganidza vana vako pamwe chete, sehuku inounganidza hukwana dzayo pasi pamapapiro ayo, asi ukaramba!
35 Look, your house is left to you. I tell you: you won't see me until you say, 'Blessed is the one who comes in the name of our Father!'" Tarira, imba yako yasiyiwa yava dongo. Ndinoti kwauri, hauchazondionizve kusvikira wati, ‘Akaropafadzwa iye anouya muzita raShe.’ ”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]