Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Leviticus 25 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father spoke to Moses on Mount Sinai, saying: Jehovha akati kuna Mozisi pagomo reSinai,
2 "Speak to the Israelites and say to them: When you enter the land I am giving you, the land is to keep a sabbath rest to me. “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda munyika yandichakupai, nyika pachayo inofanira kucherechedza sabata kuna Jehovha.
3 For six years sow your field, six years prune your vineyard and gather its fruit. Kwamakore matanhatu dyarai minda yenyu, uye kwamakore matanhatu, dimurirai mizambiringa yenyu mugounganidza michero yayo.
4 But the seventh year is a sabbath of full rest for the land, a sabbath to me—don't sow your field or prune your vineyard. Asi mugore rechinomwe, nyika inofanira kuva nesabata rokuzorora, sabata kuna Jehovha. Musadyara minda yenyu kana kudimurira mizambiringa yenyu.
5 Don't reap what grows on its own, or gather grapes from your unpruned vine; the land gets a year of complete rest. Musakohwa zvinomera zvoga kana kukohwa mazambiringa amagoko. Nyika inofanira kuva negore rokuzorora.
6 The land's sabbath will feed you—yourself, your male and female servants, hired hand, and the foreigner living with you, Gohwo ripi neripi renyika resabata richava zvokudya zvenyu, zvako iwe, murandarume wako nomurandakadzi wako, uye mushandi nomueni agere pakati penyu,
7 and for your livestock and the wild animals in your land—all it yields is food. pamwe chete nezvipfuwo zvenyu nemhuka dzesango dziri munyika yenyu. Zvibereko zvose zvomunyika zvingadyiwa.
8 "You are to count seven sabbaths of years, seven times seven years, making forty-nine years in all. “ ‘Verengai maSabata manomwe amakore, makore manomwe akapetwa kanomwe, kuitira kuti maSabata manomwe amakore akwane nguva inoita makore makumi mana namapfumbamwe.
9 Blow the ram's horn in blasts on the tenth day of the seventh month; on the Day of Atonement, sound it throughout all your land. Ipapo urayire kuti hwamanda iridzwe kwose pazuva regumi romwedzi wechinomwe; paZuva Rokuyananisira ridzai hwamanda munyika yenyu yose.
10 Make the fiftieth year holy: proclaim freedom in the land for all its residents. It is a jubilee for you—each returns to their property, each to their family. Tsaurai gore ramakumi mashanu mugoparidza rusununguko munyika yose kuvagari vayo vose. Richava Jubhiri kwamuri; mumwe nomumwe wenyu anofanira kudzokera kune zvake, uye mumwe nomumwe kumhuri yake.
11 The fiftieth year is your jubilee: sow nothing, reap no self-grown grain, gather no untended vines. Gore ramakumi mashanu richava gore reJubhiri kwamuri. Musadyara uye musakohwa mazambiringa amagoko.
12 For it is a jubilee; it is to be holy to you. Eat only what the field produces. Nokuti iJubhiri uye rinofanira kuva dzvene kwamuri. Idyai chete zvinotorwa kubva muminda.
13 "In this Year of Jubilee each of you are to return to your own property. “ ‘Mugore iri reJubhiri munhu wose anofanira kudzokera kune zvake.
14 "If you sell or buy from your neighbor, do not cheat one another. “ ‘Kana mukatengesa munda kuno mumwe womunyika menyu kana kutenga kwaari, musabiridzirana.
15 Buy from your neighbor by the years since the jubilee; he sells to you by the years of harvests. Munofanira kutenga kubva kuvagari venyika yenyu zvichienderana nouwandu hwamakore kubva pagore reJubhiri. Uye iye anofanira kutengesa zvichienderana nouwandu hwamakore asara okukohwa zvirimwa.
16 Raise the price for more years, lower it for fewer, since he's selling you a number of harvests. Kana makore awanda, munofanira kuwedzera mutengo, uye kana makore ari mashoma, munofanira kudzikisa mutengo, nokuti zvaari kukutengeserai ndizvo chaizvoizvo uwandu hwezvirimwa.
17 You shall not wrong one another, but you are to fear your Father, for I am your Father. Musabiridzirana, asi ityai Mwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.
18 "Follow my statutes, keep my rules, and obey them, and you will live securely in the land. “ ‘Teverai mitemo yangu mugochenjerera kuti muteerere mirayiro yangu, ipapo muchagara makachengetedzeka munyika.
19 The land will yield its fruit, and you will eat your fill and dwell in it securely. Ipapo nyika ichabereka zvibereko zvayo uye imi muchadya kusvikira maguta, mugogara makachengetedzeka.
20 If you ask, 'What will we eat in the seventh year, since we won't sow or gather our produce?' Mungabvunza muchiti, “Ko, tichadyei mugore rechinomwe kana tisingadyari kana kukohwa zvirimwa zvedu?”
21 I will command my blessing on you in the sixth year, yielding crop for three years. Ndichakutumirai ropafadzo mugore rechitanhatu zvokuti nyika ichabereka zvinokwana makore matatu.
22 You will plant in the eighth year but still eat old crop; until the ninth year's harvest comes in, you will eat the old. Pamunenge muchidyara mugore rorusere muchadya kubva kuzvirimwa zvakare, uye mucharamba muchidya kubva kwazviri kusvika gohwo regore rechipfumbamwe rasvika.
23 "The land must not be sold permanently, for it is mine; for you are only foreigners and temporary residents with me. “ ‘Munda haufaniri kutengeswa nokusingaperi, nokuti nyika ndeyangu uye imi muri vatorwa navaeni kwandiri.
24 Throughout the land you possess, you are to grant a right of redemption for the land. Munyika yose yamuchatora, munofanira kutendera kudzikinurwa kwenyika.
25 "If your brother becomes poor and sells part of his land, his nearest redeemer must come redeem what his brother sold. “ ‘Kana mumwe wavagari venyika yenyu akava murombo akatengesa zvimwe zvezvinhu zvake, hama yake yepedyo inofanira kuuya kuzodzikinura zvakatengeswa nehama yake.
26 If a man has no redeemer but prospers and finds enough to redeem it, Zvisinei, kana munhu ashaya angamudzikinurira zvinhu izvi, asi iye akazobudirira akawana nzira dzakakwana dzokuzvidzikinura,
27 he calculates the years since the sale, returns the balance to the buyer, and returns to his property. anofanira kupima kukosha kwomutengo wazvo kubva pagore raakazvitengesa, agodzosera zvasara pamuripo wazvo, kumurume waakazvitengesera; ipapo angadzokera kune zvake.
28 But if he lacks means to repay him, what he sold stays with the buyer until Jubilee; it releases then, and he returns to his property. Asi kana akashaya nzira dzokumudzorera nadzo, zvaakatengesa zvicharamba zviri mumaoko omutengi kusvikira gore reJubhiri. Zvichadzoserwa mugore reJubhiri uye iye achagona kudzokera kune zvake.
29 "If someone sells a house in a walled city, redemption rights last a full year from the sale. For that whole year the seller keeps this right. “ ‘Kana munhu akatengesa imba muguta rino rusvingo, anoramba aine mvumo yokuidzikinura kwegore rose shure kwokutengeswa kwayo. Munguva iyoyo anogona kuidzikinura.
30 If not redeemed within a full year, the house in the walled city belongs to its buyer permanently, generation after generation; it isn't released at the jubilee. Kana isina kudzikinurwa gore risati rapfuura, imba iri muguta rino rusvingo ichava yowakatenga nezvizvarwa zvake nokusingaperi. Haifaniri kudzorerwa paJubhiri.
31 Houses in villages without walls count as open fields; they may be redeemed and go free at Jubilee. Asi dzimba dziri mumisha isina kukomberedzwa namasvingo dzinofanira kuonekwa sesango. Dzinogona kudzikinurwa uye dzinofanira kudzoserwa muJubhiri.
32 "The Levites may always redeem the houses in the Levite cities they possess. “ ‘VaRevhi vane mvumo nguva dzose yokudzikinura dzimba dzavo mumaguta avaRevhi, anova avo.
33 If a Levite doesn't redeem it, the house sold in his city is released at jubilee, for houses in Levite cities are their property among Israel. Naizvozvo zvinhu zvavaRevhi zvinogona kudzikinurwa, zvichireva kuti imba inotengeswa muguta ravo ripi neripi inofanira kudzoserwa muJubhiri, nokuti dzimba dziri mumaguta avaRevhi zvinhu zvavo pakati pavaIsraeri.
34 But the pasture fields around their cities cannot be sold; they are their permanent possession. Asi mafuro amaguta avo haafaniri kutengeswa; inhaka yavo inogara nokusingaperi.
35 "If your brother becomes poor and cannot support himself among you, help him like a foreigner or resident, so he may live among you. “ ‘Kana mumwe wehama dzenyu akava murombo uye asisagoni kuzviriritira pakati penyu, mubatsirei sezvamunoita mutorwa kana mueni kuti arambe achigara pakati penyu.
36 Charge him no interest or profit, but fear your Father, so your brother may live alongside you. Musatora mhindu yemhando ipi zvayo kubva kwaari, asi ityai Mwari wenyu kuitira kuti hama yenyu irambe ichigara pakati penyu.
37 You shall not lend him your money at interest or give him your food for profit. Hamufaniri kumukweretesa mari muchiti ichazobereka mhindu kana kumutengesera zvokudya zvine mhindu.
38 I am your Father, who brought you out of Egypt to give you Canaan and be your Father. Ndini Jehovha Mwari wenyu akakubudisai kubva muIjipiti kuti ndikupei nyika yeKenani uye kuti ndive Mwari wenyu.
39 "If your brother beside you becomes poor and sells himself to you, don't make him work as a slave. “ ‘Kana mumwe wehama dzenyu akava murombo pakati penyu akazvitengesa kwamuri, musamuita kuti ashande somuranda.
40 He will be with you as a hired worker, as a resident, serving with you until Jubilee Year. Anofanira kubatwa somushandi wamaricho kana kuti mushanyi ari pakati penyu; anofanira kukushandirai kusvikira Gore reJubhiri.
41 Then he and his children go free from you, returning to his clan and ancestral property. Ipapo iye navana vake vanofanira kusunungurwa, uye achadzokera kurudzi rwake nokuzvinhu zvamadzitateguru ake.
42 For they are my servants, whom I brought from Egypt; they must not be sold as slaves are sold. Nokuti vaIsraeri varanda vangu vandakabudisa kubva muIjipiti, havafaniri kutengeswa senhapwa.
43 You shall not rule over him harshly, but you are to fear your Father. Musavatonga neutsinye, asi ityai Mwari wenyu.
44 "As for your male and female slaves: you may buy them from the nations around you. “ ‘Nhapwa dzenyu dzechirume nedzechikadzi dzinofanira kubva mundudzi dzakakukomberedzai; munogona kutenga nhapwa kubva kwavari.
45 Also buy from the foreign residents among you, and from their families with you, born in your land; they become your property. Munogona kutengawo vatorwa vashanyi vagere pakati penyu nemhuri dzavo dzakaberekerwa munyika yenyu, uye vachava pfuma yenyu.
46 You may leave them to your children as inherited property, holding them for life. But over your fellow Israelites you must not rule harshly, one over another. Munogona kuvaita nhaka yavana venyu uye kuvaita nhapwa kweupenyu hwavo hwose, asi hamufaniri kutonga vamwe vaIsraeri zvakaomarara.
47 "If a foreigner or resident among you prospers and your brother becomes poor beside him, selling himself to the foreigner or to a branch of the foreigner's family, “ ‘Mutorwa kana mushanyi pakati penyu akava mupfumi, uye mumwe wavanhu venyika yenyu akava murombo akazvitengesa kumutorwa agere pakati penyu, kana kumhuri yomutorwa,
48 he may be redeemed after he has sold himself. One of his brothers may redeem him. anoramba ane mvumo yokudzikinurwa mushure mokunge azvitengesa. Mumwe wehama dzake anogona kumudzikinura:
49 His uncle or cousin may redeem him, or a close relative from his clan may redeem him; or if he affords it, he redeems himself. Babamunini vake kana mwanakomana wababamunini vake, kana hama yake yapedyo worudzi rwake angamudzikinura.
50 He and his buyer is to reckon from the year he sold himself to the Jubilee; the price follows the years, like a hired worker's wage. Iye neanomutenga vanofanira kuverenga nguva kubva pagore raakazvitengesa kusvikira paGore reJubhiri. Mutengo wokusunungurwa kwake unofanira kuenzaniswa nemari inoripwa mushandi wemaricho kwamakore iwayo.
51 If many years remain, he refunds a proportionate amount of his purchase price as his redemption payment. Kana kuchine makore akawanda asara, anofanira kuripira rudzikinuro rwake, chikamu chikuru chemari yaakaripirwa.
52 If few years remain until Jubilee, he must calculate and refund his redemption price accordingly. Kana kwasara makore mashoma shoma Gore reJubhiri risati rasvika, anofanira kurangana naye agodzosera mari yorudzikinuro rwake zvichienzaniswa namakore ake.
53 He is to be with him as one hired year by year, not ruled over harshly in your sight. Anofanira kubatwa somushandi wemaricho gore rimwe nerimwe; munofanira kuona kuti tenzi wake haamutongi zvakaomarara.
54 If he isn't redeemed this way, he and his children go free together in the Jubilee Year. “ ‘Kunyange zvake asina kudzikinurwa neimwe yenzira idzi, iye navana vake vanofanira kusunungurwa mugore reJubhiri,
55 Israel's people are my servants, whom I brought out of Egypt. I am your Father." nokuti vaIsraeri ndevangu savaranda vangu. Varanda vangu vandakabudisa kubva muIjipiti. Ndini Jehovha Mwari wenyu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]