Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Leviticus 24 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father spoke to Moses: Jehovha akati kuna Mozisi,
2 "Command the Israelites to bring you pure, crushed olive oil for the light, to keep a lamp burning continually. “Rayira vaIsraeri kuti vauye kwauri namafuta akaisvonaka amaorivhi akasvinwa, omwenje, kuitira kuti mwenje irambe ichibvira nguva dzose.
3 Outside the testimony's curtain in the tent of meeting, Aaron is to tend it before me from evening to morning, continually—a lasting law for your generations. Kunze kwechidzitiro cheChipupuriro muTende Rokusangana, Aroni anofanira kuchengetedza mwenje iyi pamberi paJehovha kubva manheru kusvikira kwaedza, nguva dzose. Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kuzvizvarwa zvichauya.
4 On the pure lampstand he must tend the lamps before me continually. Mwenje iri pachigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka chiri pamberi paJehovha inofanira kuchengetedzwa nguva dzose.
5 "Take fine flour and bake twelve loaves, each about four and a half pounds of flour. “Torai upfu hwakatsetseka mugobika zvingwa gumi nezviviri muchishandisa zvikamu zviviri kubva mugumi zveefa pachingwa chimwe nechimwe.
6 Arrange them in two rows, six to a row, on the pure table before me. Zviisei mumitsara miviri, zvitanhatu mumutsara mumwe nomumwe, patafura yegoridhe rakaisvonaka pamberi paJehovha.
7 Put pure frankincense on each row as the bread's memorial portion, a food offering to me. Pamutsetse mumwe nomumwe isai zvinonhuhwira zvive chirangaridzo chinomirira chingwa uye zvive chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
8 Every Sabbath he must arrange it before me continually, from the Israelites, a lasting covenant. Chingwa ichi chinofanira kuiswa pamberi paJehovha nguva nenguva, Sabata neSabata zvakamirira vaIsraeri sesungano inogara nokusingaperi.
9 It belongs to Aaron and his sons, who must eat it in a holy place; it is a most holy portion for him from my food offerings, their permanent share." NdechaAroni navanakomana vake, vanofanira kuchidyira munzvimbo tsvene, nokuti ichi chikamu chitsvene-tsvene chezvipiriso zvavo zvenguva nenguva zvinoitirwa Jehovha nomoto.”
10 The son of an Israelite woman, whose father was Egyptian, went out among the Israelites; the Israelite woman's son fought with an Israelite man in the camp. Zvino mwanakomana wavamwe mai vechiIsraeri uye baba vake vari vechiIjipita, akafamba pakati pavana vaIsraeri, uye mwanakomana womukadzi muIsraeri akarwa nomurume muIsraeri mumusasa.
11 The son of the Israelite woman blasphemed the Name with a curse, and they brought him to Moses. His mother was Shelomith, daughter of Dibri, of the tribe of Dan. Mwanakomana womukadzi muIsraeri akatuka Zita raJehovha nechituko; naizvozvo vakauya naye kuna Mozisi. (Zita ramai vake rainzi Sheromiti, mwanasikana waDhibhiri worudzi rwaDhani.)
12 They put him in custody until our Father made his will clear to them. Vakamuisa mutorongo kusvikira kuda kwaJehovha kwaiswa pachena kwavari.
13 Then our Father spoke to Moses: Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
14 "Bring the one who cursed outside the camp. Let all who heard lay their hands on his head, then let the whole congregation stone him. “Tora mutuki uende naye kunze kwomusasa. Vose vakamunzwa vanofanira kuisa maoko avo pamusoro wake uye ungano yose inofanira kumutaka namabwe.
15 Tell the Israelites: Whoever curses our Father will bear their sin. Uti kuvaIsraeri, ‘Kana munhu upi zvake akatuka Mwari wake achava nemhosva;
16 Whoever blasphemes my name must die—the whole community must stone him. Foreigner and native-born alike: whoever blasphemes the Name must die. ani naani anotuka zita raJehovha anofanira kuurayiwa. Ungano yose inofanira kumutaka namabwe. Kunyange ari mutorwa kana chizvarwa chenyu, akatuka Zita raJehovha anofanira kuurayiwa.
17 "Whoever kills any person must be put to death. “ ‘Ani naani anouraya munhu, anofanira kuurayiwa.
18 Whoever kills an animal must make restitution for it, life for life. Munhu wose anouraya chipfuwo chomumwe munhu anofanira kuripa, upenyu hunotsiviwa noupenyu.
19 If anyone injures their neighbor, the same must be done to them: Kana munhu akakuvadza muvakidzani wake, zvose zvaaita zvinofanira kuitwa kwaari.
20 Fracture for fracture, eye for eye, tooth for tooth: as one injures another, so it is done to him. Kutyora kunotsiviwa nokutyora, ziso rinotsiviwa neziso, zino rinotsiviwa nezino. Sezvaakuvadza mumwe saka naiye anofanira kukuvadzwa.
21 Whoever kills an animal repays for it; whoever kills a person is put to death. Ani naani anouraya mhuka anofanira kuripa asi ani naani anouraya munhu anofanira kuurayiwa.
22 The same law applies to the foreigner and to the native-born alike, for I am your Father." Munofanira kuva nomutemo mumwe chete pamutorwa napachizvarwa chemo. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ”
23 Moses told the Israelites; they took the one who had cursed outside the camp and stoned him with stones. The Israelites did as our Father commanded Moses. Ipapo Mozisi akataura navaIsraeri, vakatora mutuki vakaenda naye kunze kwomusasa, vakamutaka namabwe akafa. VaIsraeri vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]