Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 43 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Now the famine was severe in the land. Zvino nzara yakanga ichakanyanya munyika.
2 When they'd eaten the grain brought from Egypt, their father said, "Go back and buy us a little food." Saka vakati vadya zviyo zvose zvavakanga vabva nazvo kuIjipiti, baba vavo vakati kwavari, “Dzokerai mundotitengera zvimwe zvokudya.”
3 But Judah told him, "The man firmly warned us: 'You won't see my face without your brother.' Asi Judha akati kwavari, “Murume uya akatiyambira kwazvo akati, ‘Hamungazooni chiso changuzve kunze kwokunge mununʼuna wenyu auya nemi.’
4 If you send our brother with us, we will go down and buy you food. Kana mukaendesa mununʼuna wedu nesu, tichaenda kundokutengerai zvokudya.
5 But if you won't send him, we won't go, for the man said, 'You won't see my face without your brother.'" Asi kana mukasamuendesa, hatingatongoendi, nokuti murume uya akati, ‘Hamungazooni chiso changuzve kunze kwokunge mununʼuna wenyu auya nemi.’ ”
6 Israel said, "Why did you harm me by telling the man you had another brother?" Israeri akabvunza akati, “Seiko makauyisa dambudziko iri pamusoro pangu zvamakaudza murume uyu kuti muno mumwe mununʼuna?”
7 They said, "The man questioned us closely about ourselves and our family: 'Is your father still alive? Do you have another brother?' We answered accordingly. How could we know he'd say, 'Bring your brother down'?" Ivo vakapindura vakati, “Murume uyu akatibvunzisisa kwazvo nezvedu uye nezvemhuri yedu. Akati, ‘Baba venyu vachiri vapenyu here? Muno mumwe mununʼuna here?’ Takangopindura mubvunzo wake zvakanaka. Ko, taiziva sei kuti aizoti, ‘Uyai nomununʼuna wenyu kuno?’ ”
8 Judah said to his father Israel, "Send the boy with me; let's go, so we may live and not die—we, you, and our children. Ipapo Judha akati kuna Israeri baba vake, “Tumai mukomana pamwe chete neni tibve taenda izvozvi, kuitira kuti isu nemi navana vedu tirarame uye tirege kufa.
9 I pledge myself for him—demand him from me. If I don't bring him back and set him before you, I'll bear the blame before you forever. Ini pachangu ndichava rubatso rwokuchengetedzeka kwake; musiyei muruoko rwangu pachangu. Kana ndikasadzoka naye kwamuri ndikamumisa pamberi penyu, ini ndichava nemhosva pamberi penyu muupenyu hwangu hwose.
10 For if we had not delayed, surely by now we would have returned twice." Izvozvi dai tisina kunonoka, tingadai takatoenda uye takatodzoka kaviri kwose.”
11 Israel their father said to them, "If it must be so, do this: put the land's best products in your bags, and take the man a gift—a little balm, a little honey, spices, myrrh, pistachios, almonds. Ipapo baba vavo Israeri vakati kwavari, “Kana zvakadaro, itai izvi zvino: Isai zvimwe zvibereko zvemichero yenyika ino zvakaisvonaka mumasaga enyu uye mugoenda nazvo sezvipo kumurume uyo, bharimu shoma shoma, nouchi hushoma shoma, zvinonhuhwira nemura, nzungu dzomupistakio namaarimondi.
12 Take double the money, and bring back what was returned in your sacks' mouths—perhaps an oversight. Mutakure mari yakapetwa kaviri, nokuti munofanira kudzorera mari yakanga yadzoserwa pamiromo yamasaga enyu. Zvichida kwaiva kukanganisa.
13 Take your brother also, and go back to the man. Toraiwo mununʼuna wenyu mudzokere izvozvi kumunhu uyo.
14 May El Shaddai—our Father Almighty—grant you mercy before the man, so he releases your other brother and Benjamin. And as for me, if I'm bereaved of my children, I'm bereaved." Uye Mwari Wamasimba Ose ngaakunzwirei ngoni pamberi pomunhu uyo kuitira kuti asunungure mumwe mununʼuna wenyu naBhenjamini uye vagodzokazve nemi. Kana ndirini, kana ndafirwa navana vangu, ndafirwa hangu.”
15 The men took the gift, twice the silver, and Benjamin, went down to Egypt, and stood before Joseph. Saka varume vakatora zvipo nemari yakapetwa kaviri, naBhenjaminiwo. Vakakurumidza kuburuka kuIjipiti vakandozviratidza kuna Josefa.
16 Seeing Benjamin with them, Joseph told his house steward, "Bring the men into the house, slaughter an animal, and prepare it—they'll eat with me at noon." Josefa akati achiona Bhenjamini anavo, akati kuvatariri veimba yake, “Torai varume ava muende navo kumba kwangu, muuraye chipfuwo mugogadzira zvokudya; vanofanira kudya neni masikati ano.”
17 The man did as Joseph said, and he brought the men into Joseph's house. Varume vakaita sezvavakanga vaudzwa naJosefa vakabva vatora varume vaya vakaenda navo kumba kwaJosefa.
18 The men were afraid because they were brought into Joseph's house. They said, "It's because of the money returned in our sacks the first time, that we're brought in—to attack us, fall on us, seize us as slaves, and take our donkeys." Zvino varume vaya vakatya pavakatorwa vakaendwa navo kumba kwake. Vakafunga vakati, “Tauyiswa muno nokuda kwemari iya yakadzoserwa mumasaga edu panguva yokutanga. Anoda kutirwisa, agotikunda, agotisunga senhapwa uye agotora mbongoro dzedu.”
19 So they approached the steward of Joseph's house and spoke to him at the door, Saka vakaenda kumutariri waJosefa vakandotaura naye pamukova wokupinda mumba make.
20 and said, "Please, sir, we indeed came down the first time to buy food. Vakati kwaari, “Tapota ishe, takauya kuno panguva yokutanga kuti tizotenga zvokudya.
21 At the lodge, when we opened our sacks, each man's silver was there in full weight, in his sack's mouth. We've brought it back with us. Asi patakamira pane imwe nzvimbo usiku, takazarura masaga edu uye mumwe nomumwe wedu akawana mari yake iri pamuromo wesaga, iyo mari yacho yose zvayo. Saka tadzoka nayo.
22 We also brought more money to buy food, but don't know who put it in our sacks." Tauyawo neimwe mari yokuti tizotenga zvokudya. Hatizivi akaisa mari yedu mumasaga edu.”
23 He said, "Peace to you, don't fear. Your Father and the God of your father gave you treasure in your sacks; your payment reached me." Then he brought Simeon out to them. Iye akati, “Zvakanakai. Musatya henyu Mwari wenyu, iye Mwari wababa venyu, ndiye akakupai pfuma mumasaga enyu, ini ndakagamuchira mari yenyu.” Ipapo akabudisa Simeoni akamuuyisa kwavari.
24 The man brought them into Joseph's house and gave them water, and they washed their feet; and he fed their donkeys. Mutariri uya akauyisa varume vaya mumba maJosefa, akavapa mvura kuti vashambe tsoka dzavo uye akapa mbongoro dzavo zvokudya.
25 So they readied the gift for Joseph's noon arrival, since they'd heard they would eat there. Vakagadzira zvipo zvokupa Josefa pakusvika kwake masikati, nokuti vakanga vanzwa kuti vachandodya ikoko.
26 When Joseph came home, they brought him the gift in their hands and bowed to him, to the ground. Josefa akati auya kumba, ivo vakamupa zvipo zvavakanga vapinda nazvo mumba, uye vakakotamira pasi kwaari.
27 He asked how they were, then said, "Is your father—the old man you mentioned—well? Is he still alive?" Akavabvunza mufaro, uye akati, “Vakadii baba venyu, mutana, vamakandiudza nezvavo? Vachiri vapenyu here?”
28 They said, "Your servant our father is well, still alive." They bowed and prostrated themselves. Vakapindura vakati, “Muranda wenyu, ivo baba vedu vachiri vapenyu uye vanofara.” Uye vakakotama pasi kuti vamuremekedze.
29 He looked up, saw his brother Benjamin, his mother's son, and asked, "Is this your youngest brother you told me about?" Then he said, "May our Father be gracious to you, my son." Paakatarisa-tarisa akaona mununʼuna wake Bhenjamini, mwanakomana wamai vake chaiye, akabvunza akati, “Uyu ndiye mununʼuna wenyu gotwe, wamakandiudza nezvake here?” Uye akati, “Mwari akuitire nyasha, mwanakomana wangu.”
30 Joseph hurried out, moved with compassion toward his brother, seeking a place to weep; he went into his room and wept there. Adumbirwa pakuona kwake mununʼuna wake, Josefa akakurumidza kubuda uye akatsvaka nzvimbo paangachema ari. Akapinda muimba yake yomukati akandochema ari imomo.
31 Then he washed his face and came out; and he composed himself and said, "Serve the meal." Shure kwokushamba uso hwake, akabuda uye akazvidzora, akati “Pakurai zvokudya.”
32 They served him alone, his brothers alone, Egyptians eating with him alone—Egyptians can't eat bread with Hebrews, detestable to them. Vakamupakurira ari oga, madzikoma vari voga, uye vaIjipita vaidya naye vari voga, nokuti vaIjipita vakanga vasingagoni kudya pamwe chete navaHebheru, nokuti zvinonyangadza kuvaIjipita.
33 They sat before him: the firstborn by his birthright, the youngest by his youth—the men were astonished at one another. Varume vakanga vakagariswa pamberi pake zvaienderana namazera avo, kubva kudangwe kusvikira kugotwe; uye vakatarisana zvikavakatyamadza.
34 He sent portions to them from his table, Benjamin's portion five times the others'. They drank and celebrated with him. Pavakagoverwa migove kubva patafura yaJosefa, mugove waBhenjamini wakanga wakawanda kashanu kupinda ani zvake pakati pavo. Saka vakadya nokunwa naye vakasununguka.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]