Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 42 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 When Jacob saw grain was in Egypt, Jacob said to his sons, "Why do you stare at each other?" Jakobho akati anzwa kuti kuIjipiti kwaiva nezviyo, akati kuvanakomana vake, “Seiko muchiramba makangotarisana?”
2 He said, "Look, I've heard there's grain in Egypt. Go down and buy some for us from there, so we live and don't die." Akaenderera mberi akati, “Ndanzwa kuti kuIjipiti kune zviyo. Burukai muende ikoko mundotitengera zviyo, kuitira kuti tirarame tirege kufa.”
3 So ten of Joseph's brothers went down to buy grain from Egypt. Ipapo madzikoma aJosefa gumi vakaburuka vakaenda kundotenga zviyo kuIjipiti.
4 But Jacob would not send Joseph's brother Benjamin with them, fearing harm might come to him. Asi Jakobho haana kuendesa Bhenjamini, mununʼuna waJosefa, pamwe chete navamwe, nokuti akanga achitya kuti zvakaipa zvaizomuwira.
5 Israel's sons came to buy grain among the others who came, since famine was in the land of Canaan. Saka vanakomana vaIsraeri vakanga vari pakati pavaya vakaenda kundotenga zviyo, nokuti nzara yakanga iri munyika yeKenaniwo.
6 Joseph was ruler over the land, selling grain to all its people. Joseph's brothers came and bowed to him, faces to the ground. Zvino Josefa akanga ari mubati wenyika; ndiye aitengesa zviyo kuvanhu vayo vose. Saka madzikoma aJosefa akati asvika, vakakotamira pasi kwaari nezviso zvavo.
7 Joseph saw and recognized his brothers, but acted like a stranger and spoke harshly: "Where are you from?" "From Canaan," they said, "to buy food." Josefa achingoona madzikoma ake, akavaziva, asi akaita seasingavazivi uye akataura navo nehasha. Akati, “Munobvepi imi?” Ivo vakati, “Tinobva kunyika yeKenani, tauya kuzotenga zvokudya.”
8 Joseph recognized his brothers, but they did not recognize him. Kunyange zvazvo Josefa akaziva madzikoma ake, ivo havana kumuziva.
9 Then Joseph remembered the dreams he'd dreamed about them and said to them, "You are spies! You have come to see the land's vulnerable parts." Ipapo akarangarira kurota kwake pamusoro pavo akati kwavari, “Muri vasori imi. Mauya kuzoona nyika yedu paisina kudzivirirwa.”
10 But they said to him, "No, my lord, your servants have come to buy food. Ivo vakapindura vakati, “Kwete, ishe wedu. Varanda venyu vauya kuzotenga zvokudya.
11 We are all sons of one man; we are honest men. Your servants have never been spies." Isu tose tiri vanakomana vomunhu mumwe. Varanda venyu vakatendeka, havasi vasori.”
12 But he said to them, "No, you have come to find the vulnerable parts of the land." Iye akati kwavari, “Kwete, mauya kuzoona nyika yedu paisina kudzivirirwa.”
13 They said, "Your servants are twelve brothers, sons of one man in the land of Canaan. The youngest is with our father today, and one is gone." Asi vakapindura vakati, “Varanda venyu vaiva gumi navaviri, vari vanakomana vomunhu mumwe, anogara munyika yeKenani. Gotwe ndiye ari kuna baba vedu iye zvino, uye mumwe haachisipo.”
14 Joseph said to them, "It is just as I said to you: you are spies. Josefa akati kwavari, “Ndizvo chaizvo zvandataura kwamuri ndichiti: Muri vasori imi!
15 By this you will be tested: as Pharaoh lives, you won't leave here unless your youngest brother comes. Uye aya ndiwo maedzerwo amuchaitwa: Zvirokwazvo noupenyu hwaFaro, hamuchabvi panzvimbo ino kunze kwokunge mununʼuna wenyu gotwe auya pano.
16 Send one of you to bring your brother while the rest of you stay confined, so your words can be tested, whether there is truth in you. If not, as Pharaoh lives, surely you are spies." Tumai mumwe wenyu kuti andotora mununʼuna wenyu gotwe; vamwe vose vachachengetwa mutorongo, kuti mashoko enyu aedzwe kuti zvionekwe kana muchitaura chokwadi. Kana zvisina kudaro, ipapo zvirokwazvo naFaro mupenyu, muri vasori!”
17 And he put them all together in custody for three days. Uye akavaisa vose mutorongo kwamazuva matatu.
18 On the third day Joseph said to them, "Do this and live, for I fear our Father. Pazuva rechitatu, Josefa akati kwavari, “Itai izvi kuti mugorarama, nokuti ndinotya Mwari.
19 If you are honest, let one of your brothers stay here in custody, while the rest go, bringing grain for your households' famine. Kana muri vanhu vakatendeka, regai mumwe wenyu agare muno mutorongo, asi vamwe venyu vaende nezviyo kumhuri dzenyu dziri kuziya.
20 Bring your youngest brother to me, so your words are confirmed and you won't die." And they did so. Asi munofanira kuuya nomununʼuna wenyu gotwe kwandiri, kuitira kuti mashoko enyu asimbiswe uye kuti murege kufa.” Izvi vakazviita.
21 Then they said to each other, "Truly we are guilty over our brother, for we saw his soul's distress when he begged us and we wouldn't listen. That's why this distress has come on us." Vakataurirana vachiti, “Zvirokwazvo tava kurangwa nokuda kwomununʼuna wedu. Takaona kutambudzika kwaakaita paakatikumbira kuti tirege kumuuraya, asi isu hatina kumuteerera; ndokusaka nhamo iyi yauya pamusoro pedu.”
22 Reuben answered them, "Didn't I tell you not to sin against the boy? You wouldn't listen. Now his blood is required." Rubheni akapindura akati, “Ko, handina kukuudzai here kuti murege kutadzira mukomana? Asi hamuna kuda kunditeerera! Zvino tinofanira kuzvidavirira nokuda kweropa rake.”
23 They did not know that Joseph understood them, for there was an interpreter between them. Havana kuziva kuti Josefa aigona kuvanzwisisa, sezvo akanga achishandisa mududziri.
24 He turned away from them and wept, then returned and spoke with them. He took Simeon from them and bound him before their eyes. Akabva pavari akatanga kuchema, asi pakarepo akadzoka kwavari akatauriranazve navo. Akaita kuti Simeoni atorwe kubva pakati pavo uye kuti asungwe vakatarisa.
25 Joseph ordered their bags filled with grain, each man's silver returned to his sack, and provisions given for the journey. So it was done for them. Josefa akarayira kuti masaga avo azadzwe nezviyo, vaise mari yomumwe nomumwe musaga rake, uye kuti vapiwe mbuva yorwendo rwavo. Shure kwokuitirwa kwavo izvi,
26 Then they loaded their grain on their donkeys and departed from there. vakatakudza mbongoro dzavo zviyo vakaenda.
27 At the lodging place, one opened his sack to feed his donkey and saw his silver there in the sack's mouth. Panzvimbo yavakavata usiku, mumwe wavo akazarura saga rake kuti atorere mbongoro yake zvokudya, akaona mari yake pamuromo wesaga rake.
28 He said to his brothers, "My silver was returned—look, it's in my sack!" Their hearts sank; trembling, they said to each other, "What has our Father done to us?" Akati kuna vamwe vake, “Mari yangu yadzoserwa. Heyi iri musaga rangu.” Mwoyo yavo yakati rukutu vakatarisana vachidedera, uye vakati, “Chiiko ichi chataitirwa naMwari?”
29 They came to Jacob their father in the land of Canaan and told him everything that had happened to them: Pavakasvika kuna baba vavo Jakobho munyika yeKenani, vakamuudza zvakanga zvaitika kwavari. Vakati,
30 "The man, lord of the land, spoke harshly to us and treated us as spies of the land. “Murume anova ndiye ishe pamusoro penyika iyo akataura nesu nehasha uye akatiita sokunge taiva vasori munyika.
31 But we said to him, 'We are honest men; we are never spies. Asi takati kwaari, ‘Tiri vanhu vakatendeka; hatisi vasori.
32 We are twelve brothers, sons of our father. One is gone; the youngest is now with our father in the land of Canaan.' Takanga tiri vanakomana gumi navaviri vababa vamwe chete. Mumwe haachipo, uye gotwe ndiye ana baba vedu zvino kuKenani.’ ”
33 The man, lord of the land, told us, 'This is how I'll know you're honest: leave one brother with me, take grain against your households' famine, and go.' “Ipapo murume anova ndiye ishe panyika iyo akati kwatiri, ‘Hechi chinhu chichandizivisa kana muri vanhu vakatendeka: Siyai mumwe wenyu neni pano, mugotakura zvokudya zvemhuri dzenyu dziri kuziya muende.
34 Bring me your youngest brother, and I'll know you're not spies but honest men. I'll give your brother back, and you may trade in the land." Asi muuye nomununʼuna wenyu gotwe kwandiri kuitira kuti ndigoziva kuti hamusi vasori, asi kuti muri vanhu vakatendeka. Ipapo ndichadzosera mumwe wenyu kwamuri, uye mungazotenga henyu muno munyika.’ ”
35 As they emptied their sacks, each found his silver bundle in his sack. Seeing their silver bundles, they and their father were afraid. Pavakanga vachidurura masaga avo, wanei musaga romumwe nomumwe wavo makanga mune homwe yake yesirivha! Ivo nababa vavo pavakaona mari muhomwe, vakatya.
36 Their father Jacob said to them, "You've left me childless: Joseph is gone, Simeon is gone, and now you'd take Benjamin. It's all against me!" Baba vavo Jakobho vakati, “Mandipedzera vana vangu. Josefa haasisipo naSimeoni haasisipo, uye zvino munoda kutora Bhenjamini. Zvinhu zvose zviri kundimukira!”
37 Reuben said to his father, "You may kill my two sons if I don't bring him back to you. Put him in my hands, and I will bring him back to you." Ipapo Rubheni akati kuna baba vake, “Mungauraya henyu vanakomana vangu vaviri ava kana ndisina kudzoka naye kwamuri. Muisei mumaoko angu, ndichadzoka naye.”
38 He said, "My son will not go down with you, for his brother is dead, and he alone remains. Should harm meet him on the journey you're taking, you would carry my gray head down to the grave in grief." Asi Jakobho akati, “Mwanakomana wangu haangaburuki nemi kuti aende ikoko; mukoma wake akafa uye ndiye chete asara. Kana zvakaipa zvikamuwira parwendo rwamuri kufamba, muchaburutsira musoro wangu wachena muguva mukusuwa.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]