Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Exodus 29 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 "To dedicate them as priests serving me, do this: take one young bull and two rams without defect, “Izvi ndizvo zvaunofanira kuita kuti uvanatse, kuti vandishumire savaprista: Utore hando duku namakondobwe maviri asina chinongo.
2 and bread without yeast, unleavened cakes mixed with oil, and unleavened wafers spread with oil, all made of fine wheat flour. Uye ubike chingwa noupfu hwakatsetseka hwegorosi, husina mbiriso, uye ubike makeke akavhenganiswa namafuta, nezvingwa zvitete zvakazorwa mafuta.
3 Put them in one basket and present them in it, with the bull and the two rams. Uzviise mudengu uye ugozvikumikidza zviri imomo, pamwe chete nehando uye makondobwe maviri.
4 Then bring Aaron and his sons to the tent of meeting entrance and wash them with water. Ipapo ugouya naAroni navanakomana vake kumukova wokupinda nawo kuTende Rokusangana ugovashambidza nemvura.
5 Take the garments and dress Aaron in the tunic, the robe of the ephod, the ephod, and the breastpiece, and fasten the ephod's woven band on him. Tora hanzu ugopfekedza Aroni jasi, nguo yeefodhi neefodhi pachayo uye nechidzitiro chapachipfuva. Usungire efodhi paari nebhanhire romuchiuno rakarukwa nounyanzvi.
6 Set the turban on his head and put the holy crown on the turban. Uise nguwani pamusoro wake uye ugoibatanidza nekorona tsvene.
7 Then take the anointing oil, pour it on his head, and anoint him. Utore mafuta okuzodza ugomuzodza uchiita zvokuadira pamusoro pake.
8 Bring his sons forward and dress them in tunics. Uye vanakomana vake ugovapfekedza majasi
9 Wrap sashes around Aaron and his sons and fasten their caps. The priesthood is theirs by lasting decree. So you will ordain Aaron and his sons. uye ugoisa mabhanhire omumusoro pamusoro pavo. Ipapo ugosungira ndaza pana Aroni navanakomana vake. Uprista ndohwavo nomutemo usingaperi. Nenzira iyi uchagadza Aroni navanakomana vake.
10 "Bring the bull before the tent of meeting; Aaron and his sons lay their hands on its head. “Uuye nehando pamberi peTende Rokusangana, uye Aroni navanakomana vake vachaisa maoko avo pamusoro payo.
11 Slaughter the bull before me at the entrance of the tent of meeting. Uiuraye pamberi pomukova wokupinda kuTende Rokusangana.
12 Take some of the bull's blood and with your finger put it on the horns of the altar; pour out the rest at the base of the altar. Utore rimwe reropa rehando ugoriisa panyanga dzearitari nomunwe wako, uye ugodira rasara racho pahwaro hwearitari.
13 Take all the fat covering the organs, the lobe of the liver, and the two kidneys with their fat, and burn them on the altar. Ipapo ugotora mafuta ose akapoteredza zvomukati, zvinoti chiropa, neitsvo dziri mbiri namafuta ari pamusoro padzo, ugoapisa pamusoro pearitari.
14 Burn the bull's flesh, hide, and waste outside the camp. It is a sin offering. Asi upise nyama yehando nedehwe rayo namazvizvi ayo kunze kwomusasa. Ndicho chipiriso chechivi.
15 "Take one ram; Aaron and his sons are to lay their hands on its head. “Utore rimwe regondobwe, uye Aroni navanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro paro.
16 Slaughter the ram, take its blood, and throw it against the sides of the altar. Uriuraye ugotora ropa raro urisase pamativi ose earitari.
17 Cut the ram into pieces, wash its inner organs and legs, and place them with its pieces and head. Ucheke gondobwe kuita muzvidimbu zvidimbu uye ugosuka zvomukati, uye makumbo, uchiaisa pamwe chete nomusoro nezvimwe zvidimbu.
18 Then burn the whole ram on the altar. It is a burnt offering to me, a pleasing aroma, a food offering presented to me. Ipapo ugopisa gondobwe rose paaritari. Ndicho chipiriso chinopiswa kuna Jehovha, chinonhuhwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
19 "Take the other ram, and Aaron and his sons are to lay their hands on its head. “Utore rimwe gondobwe, uye Aroni navanakomana vake vachaisa maoko avo pamusoro waro.
20 Slaughter the ram, take some of its blood, and put it on Aaron's right earlobe, on his sons' right earlobes, on their right thumbs and right big toes, and throw the rest of the blood against the sides of the altar. Uriuraye, utore rimwe ropa raro ugoriisa pamucheto wenzeve dzorudyi dzavanakomana vaAroni, napazvigunwe zvikuru zvamaoko avo orudyi, nokuzvigunwe zvikuru zvokutsoka dzavo dzorudyi. Ipapo ugosasa ropa pamativi ose earitari.
21 Take some of the blood on the altar and some of the anointing oil, and sprinkle them on Aaron and his garments, and on his sons and their garments with him. Then he and his garments will be holy, with his sons and their garments. Uye ugotora rimwe ropa riri paaritari namamwe mafuta okuzodza usase pana Aroni napanguo dzake uye napavanakomana vake napanguo dzavo. Ipapo iye navanakomana vake nenguo dzavo vachanatswa.
22 Take the fat from the ram: the fat tail, the fat covering the internal organs, the liver's long lobe, the two kidneys with their fat, and the right thigh—for it is a ram of ordination. “Utore pagondobwe iri mafuta, mafuta apamuswe, mafuta akapoteredza zvomukati, akafukidza chiropa, itsvo dzose dziri mbiri namafuta ari padziri, uye nechidya chokurudyi. (Iri ndiro gondobwe rokugadzwa.)
23 Take one loaf, one oil cake, and one wafer from the basket of bread without yeast before me. Kubva padengu rechingwa chakabikwa chisina mbiriso, chiri pamberi paJehovha, utore chimwe chete, nekeke rakavhenganiswa namafuta, uye nechingwa chitete.
24 Put all these in the hands of Aaron and his sons, and wave them as a wave offering before me. Uise izvi zvose mumaoko aAroni navanakomana vake ugozvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira.
25 Take them from their hands and burn them on the altar over the burnt offering, a pleasing aroma before me. It is a food offering to me. Ipapo uzvitore kubva mumaoko avo ugozvipisa paaritari pamwe chete nechipiriso chinopiswa chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
26 "Take the breast of Aaron's ordination ram and wave it before me as a wave offering; it is your portion. Shure kwokunge watora chityu chegondobwe rokugadzwa kwaAroni, uchininire pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira uye chichava mugove wako.
27 Set apart the wave-offering breast and the raised thigh from the ordination ram—the portions for Aaron and his sons. “Unatse mitezo iyo yegondobwe rokugadza raAroni navanakomana vake: chityu chakaninirwa uye chakakumikidzwa.
28 It belongs to Aaron and his sons as a permanent share from the people of Israel, for it is a contribution—the contribution from the people of Israel's peace offerings, their contribution to me. Uyu unofanira kuva mugove wenguva dzose unobva kuvaIsraeri, waAroni navanakomana vake. Uyu ndiwo mugove unofanira kupiwa navaIsraeri kuna Jehovha kubva pazvipiriso zvavo zvokuwadzana.
29 "Aaron's holy garments pass to his sons after him, to be anointed and ordained in them. “Nguo tsvene dzaAroni dzichava dzezvizvarwa zvake kuitira kuti vazodzwe uye vagogadzwa vakadzipfeka.
30 The son who succeeds him as priest and enters the tent of meeting to serve in the Holy Place is to wear them seven days. Mwanakomana wake achamutevera pauprista uye anouya kuTende Rokusangana kuti azoshumira ari muNzvimbo Tsvene, anofanira kudzipfeka kwamazuva manomwe.
31 "Take the ram of ordination and boil its flesh in a holy place. “Utore gondobwe rokugadzwa ugobika nyama yaro munzvimbo tsvene.
32 At the entrance of the tent of meeting, Aaron and his sons will eat the ram's meat and the bread in the basket. Aroni navanakomana vake vanofanira kudya nyama yegondobwe uye nechingwa chiri mudengu vari pamukova wokupinda paTende Rokusangana.
33 They are to eat what made atonement at their ordination and dedication, but no outsider is to eat it, because it is holy. Vanofanira kudya zvipiriso izvi zvavakaitirwa yananiso yokugadzwa kwavo uye nokunatswa kwavo nazvo. Asi hakuna mumwe munhu anofanira kuzvidya nokuti zvitsvene.
34 If any ordination meat or bread remains till morning, burn the rest with fire. It must not be eaten, because it is holy. Uye kana pakava nenyama yegondobwe rokugadzwa inosara kana chingwa chipi zvacho chinosara kusvikira mangwana mangwanani, muzvipise. Hazvifaniri kudyiwa, nokuti zvitsvene.
35 "Do this for Aaron and his sons, following all I commanded you. Take seven days to ordain them. “Uitire Aroni navanakomana vake zvinhu zvose zvandakakurayira, uchitora mazuva manomwe okuvagadza.
36 Each day offer a bull as a sin offering for atonement. Purify the altar by making atonement for it, and anoint it to dedicate it. Ubayire hando zuva rimwe nerimwe sechipiriso chechivi chive chokuyananisa. Unatse aritari nokuiitira yananiso, uye ugoizodza kuti uiite tsvene.
37 For seven days make atonement for the altar and dedicate it. Then it will be most holy, and whatever touches it becomes holy. Mazuva manomwe uyananisire aritari uye uinatse. Ipapo aritari ichava tsvene-tsvene, uye chose chichaigunzva chichava chitsvene.
38 "This is what you are to offer on the altar: two year-old lambs each day, without fail. “Izvi ndizvo zvaunofanira kupa paaritari nguva dzose zuva rimwe nerimwe: makwayana maviri egore rimwe chete.
39 Offer one lamb in the morning and the other at twilight. Ubayire rimwe chete mangwanani uye nerimwe chete madekwana.
40 With the first lamb offer about two quarts of fine flour mixed with about a quart of pressed oil, and about a quart of wine as a drink offering. Negwayana rokutanga ubayire nechegumi cheefa choupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa nechikamu chimwe chete kubva muzvina chehini chamafuta akabva mumaorivhi akasvinwa, uye chikamu chimwe chete kubva muzvina chehini yewaini chive chipiriso chinonwiwa.
41 Offer the second lamb at twilight with the same grain and drink offering as in the morning, a pleasing aroma, a food offering to me. Ubayire rimwe gwayana zuva richangovira pamwe chete nechipiriso chimwe chetecho chezviyo nechipiriso chacho chinonwiwa sechamangwanani, chive chinonhuhwira zvinofadza, chipiriso chakaitirwa Jehovha nomoto.
42 A continual burnt offering for your generations at the tent of meeting's entrance before me, where I will meet with you to speak with you. “Chipiriso chinopiswa ichi chinofanira kuitwa nguva dzose pamukova weTende Rokusangana pamberi paJehovha kuzvizvarwa zvose.
43 There I will meet with the Israelites, and my glory will make the place holy. Ipapo ndipo pandichasangana newe uye ndigotaura kwauri, ndipozve pandichasangana navaIsraeri, uye nzvimbo iyi ichatsaurwa nokubwinya kwangu.
44 I will dedicate the tent of meeting and the altar, and dedicate Aaron and his sons to serve me as priests. “Saka ndichatsaura Tende Rokusangana nearitari uye ndichatsaura Aroni navanakomana vake kuti vandishumire savaprista.
45 "I will dwell among the people of Israel and will be their Father. Ipapo ndichagara pakati pavaIsraeri uye ndigova Mwari wavo.
46 They will know I am their Father, who brought them out of Egypt so I could live among them. I am their Father." Vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, akavabudisa kubva muIjipiti kuitira kuti ndigogara pakati pavo. Ndini Jehovha Mwari wavo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]