Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Exodus 28 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 "Bring your brother Aaron near to you, with his sons, from the Israelites, to serve me as priests: Aaron, Nadab, Abihu, Eleazar, Ithamar. These are the sons of Aaron. “Uite kuti Aroni mukoma wako pamwe chete navanakomana vake vanoti Nadhabhi naAbhihu, Ereazari naItamari vauyiswe kwandiri kubva pakati pavaIsraeri kuti vandishumire savaprista.
2 Make holy garments for Aaron your brother, for glory and for beauty. Uitire mukoma wako nguo tsvene, kuti apiwe ruremekedzo uye kukudzwa.
3 Speak to all who are skillful, whom I have filled with a spirit of wisdom, to make Aaron's garments to dedicate him, to serve me as priest. Utaurire varume voumhizha vose vandakapa uchenjeri hwokuita zvakadaro kuti vanofanira kusonera Aroni nguo, dzokutsaurwa kwake, kuti agondishumira somuprista.
4 These are the garments they must make: a breastpiece, ephod, robe, woven tunic, turban, and sash. They are to make these holy garments for your brother Aaron and his sons, so they may serve me as priests. Idzi ndidzo nguo dzavanofanira kuita: chidzitiro chapachipfuva, efodhi, jasi, nenguo yakarukwa, nguwani nendaza. Vanofanira kuitira mukoma wako Aroni navanakomana vake, nguo tsvene idzi.
5 They are to use gold, and blue, purple, and scarlet yarn, and fine linen. Uvaite kuti vashandise wuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku uye mucheka wakaisvonaka.
6 "Make the ephod of gold, blue, purple, and scarlet yarn, and finely twisted linen, worked by a skilled craftsman. “Vaite efodhi yewuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku, nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, basa romunhu ano umhizha.
7 It is to have two shoulder pieces, joined at its two edges, joined together. Ngaive namapenga maviri apamapfudzi akabatanidzwa pamakona ayo maviri, kuitira kuti igogona kubatanidzwa.
8 The waistband on it must match: gold, blue, purple, scarlet yarn, and finely twisted linen, worked in one piece. Bhanhire rayo rakarukwa noumhizha rinofanira kufanana nayo, rive rebenga rimwe chete neefodhi uye rakagadzirwa newuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku, uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka.
9 Take two onyx stones and engrave on them the names of the sons of Israel. “Utore mabwe maviri eonikisi ugonyora runyoro rwakatemwa pamusoro pawo mazita avanakomana vaIsraeri
10 Six names on one stone, the other six on the second stone, by their birth order. zvichienderana nokuberekwa kwavo, mazita matanhatu padombo rimwe chete uye mamwe matanhatu asara anyorwe pane rimwe dombo.
11 As a jeweler engraves a seal, engrave the two stones with the names of Israel's sons, then mount them in gold filigree. Nyora mazita avanakomana vaIsraeri pamatombo maviri nenzira inoitwa nomuvezi wamatombo achitema runyoro pachisimbiso. Ipapo ugoamisa muzvirukwa zvegoridhe
12 Put the two stones on the ephod's shoulder pieces as memorial stones for Israel's sons; Aaron will carry their names before me on his two shoulders as a memorial. uye ugoasungirira pamapenga apapfudzi eefodhi ave matombo echirangaridzo kuvana vaIsraeri. Aroni anofanira kutakura mazita aya pamapfudzi ake chive chirangaridzo pamberi paJehovha.
13 Make settings of gold filigree, Uite zvirukwa zvegoridhe
14 and two chains of pure gold, twisted like cords; and attach the twisted chains to the settings. uye nengetani mbiri dzakarukwa setambo negoridhe rakaisvonaka, ugobatanidza ngetani nezvirukwa.
15 "Make a breastpiece of judgment: skilled work, made like the ephod's work—gold, blue, and purple, and scarlet yarn, and finely twisted linen. “Uite chidzitiro chapachipfuva chokutanga, basa romunhu woumhizha. Uchiite chifanane neefodhi yewuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku, uye mucheka wakarukwa zvakaisvonaka.
16 It is to be square and doubled, about nine inches long and nine inches wide. Ngachienzane mativi ose ari mana, kureba kwacho sechanza choruoko uye upamhi hwakaita sechanza choruoko, uye chipetwe kaviri.
17 Set in it four rows of stones. The first row is to be carnelian, topaz, and beryl; Ipapo uronge mitsara mina yamatombo anokosha pamusoro pacho. Mumutsara wokutanga muchava nerubhi, netopazi uye bheriri;
18 the second row turquoise, lapis lazuli, and emerald; mumutsara wechipiri muchava neturikoisi, safire neemaradhi;
19 the third row jacinth, agate, and amethyst; mumutsara wechitatu muchava nejasindi, agati neametisiti;
20 and the fourth row beryl, onyx, and jasper. They are to be set in gold filigree. mumutsara wechina muchava nekirisoriti, onekisi uye nejasipa. Uaise muzvirukwa zvegoridhe.
21 Twelve stones, one per name of Israel's sons—each engraved like a seal with its own name, for the twelve tribes. Panofanira kuva namatombo gumi namaviri, rimwe chete richimirira zita rimwe nerimwe ravanakomana vaIsraeri, rimwe nerimwe rakatemwa runyoro padombo sezvinoita chisimbiso chezita romumwe wavamarudzi gumi namaviri.
22 For the breastpiece make chains of pure gold, twisted like cords. “Uite ngetani dzechidzitiro chapachipfuva dzakarukwa negoridhe rakaisvonaka, uzvimone setambo.
23 Make two gold rings for the breastpiece, and fasten the two rings to its two edges. Uite mhete mbiri dzegoridhe ugodzisungirira pamakona maviri echidzitiro chapachipfuva.
24 Then fasten the two gold cords to the two rings at the edges of the breastpiece. Usungirire ngetani mbiri dzegoridhe pamhete dziri pamakona echidzitiro chapachipfuva,
25 Fasten the cords' remaining two ends to the two filigree settings, joining them to the ephod's shoulder pieces at the front. nemimwe micheto yengetani inoenda kuzvirukwa zviviri uchizvibatanidza, kuzvipenga zvapamapfudzi zveefodhi nechokumberi.
26 Make two gold rings; put them on the two ends of the breastpiece, on its inner edge next to the ephod. Uite mhete mbiri dzegoridhe ugodzibatanidza kuna mamwe makona echidzitiro chapachipfuva pamupendero wechomukati kunotevererana neefodhi.
27 Make two more gold rings and fix them to the ephod's two shoulder pieces, low on the front, near its seam, above its woven band. Uitezve dzimwe mhete dzegoridhe ugodzibatanidza pasi pemapenga apamapfudzi nechokumberi kweefodhi, pedyo nomusono uri nechapamusoro pebhanhire romuchiuno reefodhi.
28 The breastpiece is to be bound by its rings to the ephod's rings with a blue cord, so it rests on the ephod's woven band and does not come loose from it. Mhete dzepachidzitiro chechipfuva dzinofanira kusungirirwa pamhete dzeefodhi netambo yebhuruu, dzichibatanidzwa nebhanhire romuchiuno, kuitira kuti chidzitiro chapachipfuva chirege kubva paefodhi.
29 Aaron will carry the names of Israel's sons over his heart on the breastpiece of judgment when he enters the Holy Place, as a continual reminder before me. “Nguva dzose Aroni paanenge achipinda muNzvimbo Tsvene, achange akatakura mazita avanakomana vaIsraeri pamwoyo wake pachidzitiro chechipfuva chokutonga sechirangaridzo chenguva dzose pamberi paJehovha.
30 Put the Urim and Thummim into the breastpiece of judgment, so they lie over Aaron's heart when he comes before me. Aaron will always carry the judgment of Israel's sons over his heart before me. Uyezve uise Urimi neTumimi muchidzitiro chechipfuva, kuitira kuti vagare vari pamwoyo waAroni pose paanenge achipinda pamberi paJehovha. Nokudaro Aroni acharamba akatakura zvinhu zvokutonga nazvo vaIsraeri pamwoyo wake pamberi paJehovha.
31 "Make the robe of the ephod entirely of blue. “Uite jasi rose zvaro reefodhi nomucheka webhuruu,
32 An opening for the head in its center, with a woven rim around it like a tunic's collar, so it won't tear. neburi romusoro pakati paro. Panofanira kuzova nomupendero wakarukwa wakaita sekora unopoteredza buri iri, kuitira kuti rirege kubvaruka.
33 Make pomegranates of blue, purple, and scarlet yarn around its hem, with gold bells between them. Uite matamba ewuru yebhuruu, yepepuru netsvuku akapoteredza mupendero wejasi, namatare egoridhe pakati pawo.
34 Gold bell and pomegranate, gold bell and pomegranate, all around the robe's hem. Matare egoridhe namatamba zvinofanira kukayana zvichipoteredza mupendero wejasi.
35 Aaron must wear it while serving. Its sound will be heard entering and leaving the Holy Place before me, so he does not die. Aroni anofanira kuripfeka paanenge achishumira. Kurira kwamatare kuchanzwikwa paanenge achipinda muNzvimbo Tsvene pamberi paJehovha uye nepaanenge achibuda, kuitira kuti arege kufa.
36 "Make a pure gold plate; engrave on it like a seal engraving: 'Holy to the Father.' “Uite ndiro yegoridhe ugotema runyoro pairi sezvinoitwa pachisimbiso kuti: MUTSVENE KUNA JEHOVHA.
37 Attach it to the turban with a blue cord, on the turban's front. Usungire tambo yebhuruu pairi kuti ibatanidzwe nenguwani; inofanira kuva mberi kwenguwani.
38 It will be on Aaron's forehead; he will bear the guilt of the holy things Israel's people dedicate as their holy gifts. It stays on his forehead always, so they will be accepted before me. Ichava pahuma yaAroni, uye iye achatakura mhosva dzingava pazvipo zvitsvene zvinotsaurwa navaIsraeri, zvingava zvipo zvipi hazvo. Zvichava pahuma yaAroni nguva dzose kuitira kuti zvigamuchirwe naJehovha.
39 Weave the fine linen tunic, make the fine linen turban, and make the sash, an embroiderer's work. “Uruke jasi romucheka wakaisvonaka ugoita nguwani yomucheka wakaisvonaka. Ndaza inofanira kuva basa romuruki.
40 For Aaron's sons make tunics, sashes, and caps, for glory and for beauty. Uite majasi, ndaza namabhanhire omumusoro avanakomana vaAroni, kuti vapiwe ruremekedzo nokukudzwa.
41 Dress Aaron your brother and his sons with him, anoint them, ordain them, dedicate them, so they may serve me as priests. Shure kwokunge wapfekedza mukoma wako Aroni navanakomana vake, uvazodze uye ugovagadza. Uvatsaure kuti vagondishumira savaprista.
42 Make linen undergarments for them to cover their naked flesh, reaching from the hips to the thighs. “Uite nguo dzapasi dzomucheka dzive chifukidzo chomuviri, dzinobva muchiuno kusvikira kumabvi.
43 Aaron and his sons must wear them whenever they enter the tent of meeting or approach the altar to serve in the Holy Place, so they don't bear guilt and die. This is a lasting statute for him and his descendants after him." Aroni navanakomana vake vanofanira kudzipfeka pose pavanenge vachipinda muTende roKusangana kana kuswedera paaritari kuti vashumire vari muNzvimbo Tsvene, kuitira kuti varege kuva nemhosva vakafa. “Uchava mutemo wokusingaperi kuna Aroni nezvizvarwa zvake.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]